English Shona 

KuVimba NaMwari. NeTariro

Muvhuro, 19 Chivabvu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Kuvimba naMwari ndiko kunotiziyisa kuti zvatinotarisira tatowa nazvo. Ndiko kunotiziyisa kuti zviro zvisingaonekwi zviriko (Vahebheru 11 v 1).

Isu tingaa nezvio zvatinotarisira. Tinofanire kubva tavimba naMwari. Tichiwimba naMwari kuti tiwane zviro izvi. Tinobva tazviwana. Tichibva tatozvibata mumaoko edu. Zviro zvatinotarisira ndezviya zvisati zvawapo. Asi ndizvo zvinotituma kuwimba naMwari. Tichiwimba nawo kuti tiwane zviro zvacho. Kurewa kuti tariro yakakosha. Ndiyo inotituma kuvimba naMwari.

Saka iwe unofanira kuwa nezvaunotarisira. Zvisizvo hapanaba chinozokutuma kuvimba naMwari. Bhaibheri rine zviro zvarinotiziyisa nezvazvo. Zviro izvi zvitatu. Rinoti zviro izvi zvinogara nekusingaperi. Chimweni chacho kuwimba naMwari. Chimweni itariro. Chimweni kufarira anhu. Kufarira anhu uku ndiko kwakanyanya kukosha pazvitatu izvi. Asi zvese hazvo zvinodiwa. Ndizvo zvinotisiyanisa nezvimweni zvisikwa zvese. Ndizvo zvinotipupurira kuti tiri Vamwari.

Tariro ndiyo inotipa shungu dzekurarama. Ndiyo inotitumawo kuvimba naMwari. Saka tariro inotitaridza zviro. Isu tobva tavimba naMwari. Tichitsvaka kuti tiwane zviro zvacho. Tobva tatozowanawo zviro zviya. Izvi zvinoda kufanana nezvakaonekwa neamwe vadzidzi. Vadzidzi aya aitarisa tutsanga tudoko doko. Tusingaonekwi nemadziso. Vadzidzi aya aipota achifuratira. Tutsanga tuya twobva twozwikwa kufamba famba. Asi tusingaonekwi. Vadzidzi aya aibva atarisa tutsanga twuya. owana twakamira. Twawa kuonekwa.

Izvi ndizvo zvinoita kuvimba naMwari. Tinozvionawo patariro. Tingaa tiri kutarisira zviro. Tisina kutarisa pazviro izvi. Zviro zvacho zvinenge zvisipo. Asi patinotarisa pazviri. Tichivimba naMwari kuti tizviwane. Zviro zviya zvinobva zvawapo. Zvichibva zvabatika.

Tariro inotitaridza zvatinokona kuwana. Kuvimba naMwari ndiko kunotiwanisa zviro zvacho. Saka tinofanira kunge tiine zviro zvatinotarisira. Ndiko kuti tiite shungu dzekuvimba naMwari.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makatipa zviro zvitatu izvi. Zvinoti kuvimba naMwari. Tariro. Nekufarira anhu. Zviro izvi ndizvo zvatinoshandisa kusika zvatinoda. Soko renyu rine zvarinonditaridza. Ndinoisa moyo wangu pazviro izvi. Ndichitarisira zviro izvi. Simba rangu rekuvimba naMwari riri kushanda. Rinondiwanisa zvese zvandinotarisira. Tariro yangu yakasimba. Simba rangu rekuvimba naMwari riri kushanda. Riri kundiwanisa zvese zvandakavimbiswa. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Varoma 8 ndima 24 kusvika 25
Mariko 9 ndima 23
2 Vakorinde 4 ndima 17 kusvika 18

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church