English
Shona
Mashoko Ndiyo Fuma Yako Huru
Svondo, 1 Chikumi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti mashoko ako ndiwo anokupupurira. Ndiwo zvekare anokusungirira (Matiyo 12 ndima 37).
Mashoko akakosha. Ane simba guru. Asi kune vanhu vasinganzwisisi izvi. Saka havashandisi mashoko nomazvo. Havatauri zvakafanira. Munhu anofanira kutaura zvinowirirana neShoko raMwari. Anofanira kutaura zvakataurwa naMwari. Kutaura kwakadai ndiko kutaura nomazvo. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vahebheru 13 ndima 5 kusvika 6. Inoti, Nokuti ivo vamene vakati naizvozvo tinotaura takatsunga tichiti . Mashoko zvinotova zvinhu. Uye ane hupenyu. Ane simba. Ndiwo anosika zvinhu. Mashoko ndiwo anoronga hupenyu hwevanhu. Anovimbika kudarika zvinhu zvinovonekwa nemeso enyama. Mashoko ndiwo anoronga zvinoitika.
Iwe ungada kunzwisisa hupenyu hwako. Ongorora mashoko aunotaura. Teerera kumashoko aunotaura. Mashoko aya ndiwo anoronga hutano hwako. Ndiwo anoumba chimiro chako chaicho. Ndiwo anoronga remangwana rako. Mashoko anobva mupfungwa. Saka anoshanda pamwe chete nepfungwa dzako. Zviviri izvi ndizvo zvinoronga hupenyu hwako. Ndizvo zvinoumba chimiro chako chaicho. Zviri munhu ndizvo zviri pfungwa dzake.
Mafungiro emunhu anovonekwa mumashoko ake. Mashoko ake aya ndiwo anobudisa pachena hunhu hwake. Hapana munhu ane hupenyu hwakasiyana nemashoko ake. Kuda wakambovona vanhu vanogara vachishushikana. Zviso zvevanhu ava zvinogara zvakangosungika. Vanhu ava vanogara vachifunga zvisina kunaka. Saka vanotaura zvisina kufanira. Nokudero hutano hwavo hahuna kumira zvakanaka. Vanogara vasingafari. Kunyangwe zvimiro zvavo hazvina kumira zvakanaka.
Asi iwe ungagara uchitaura semunhu anovimba naMwari. Uchitaura semunhu ane simba. Uchitaura semunhu anokurira zvinhu zvenyika ino. Uchitaura semunhu anobudirira pane zvaanoita. Uchitauravo semunhu ane hutano hwakanaka. Hupenyu hwako hunozowiriranavo nemashoko ako aya. Zvirevo yegumi neshanu ndima yena inoti, Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya. Zvirevo yegumi nesere ndima yemakumi maviri neimwe inotivo, Rurimi rune simba. Runogona kuuraya. Runogona kuraramisa. Vanorufarira vachawana zvinobuda maruri. 1 Pita yetatu ndima yegumi inodzamisa nyaya iyi. Inoti, Nokuti munhu uya anoda hupenyu hwakanaka. Nekugara akafara mazuva ose. Ngaadzore rurimi rwake. Rusataura zvakaipa. Ngaadzorevo miromo yake. Isataura zvinonyengera. Iwe ungataura mashoko. Mashoko aya ndiwo anoumba hupenyu hwako. Saka taura mashoko akafanira kutaurwa. Zvaunotaura ndizvo zvaunowana. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mariko yegumi neimwe ndima yemakumi maviri nenhatu. Mwari ngavarumbidzwe!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndigone kutaura mashoko. Mashoko aya ane simba. Ndiwo anoronga hupenyu hwangu. Achiita kuti ndigone kurarama hupenyu hwamakandirongera. Ndinotaura semunhu anovimba naMwari. Ndinotaura semunhu ane simba. Ndinotaura mazano aMwari. Saka ndinoita kuti muviri wangu uve mutano. Ndinounza mufaro kumweya wangu. Mashoko angu anoita kuti ndibudirire muhupenyu. Saka ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 18 ndima 21
Jemusi 3 ndima 5 kusvika 6
Mariko 11 ndima 23
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church