English Manyika Ndau Shona 

Uri Tabhenekari YaMwari

Chitatu, 8 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Hamuziwi yere kuti mwiri wanu hitemberi yaMwiya Mutsvene ari mukati manu, wamudopiwa ndiMwari,hamuri wanuba?" (1 WaKorinde 6 ndima 19)

MuSungano yeKara, wapwere weIzirayiri wayifambisa Mwari kubva panzvimbo kuyenda pane ina petse pawayitakura Tabhenekari yehumbowo,iyo idonga ine areka yesungano.
Muna 1 Madzimambo 8 ndima 9, Bhayibheri ringojekesa kuti, Mudonga musina shiroba muareka kunze kwemahwendefa mayiri emahwe,adonga ayiswamo ndiMozisi paHorebhu, apo Tenzi wadoyita sungano ngewapwere weIzirayiri, pawadobuda munyika yeIjipita.? Shiro shidonga shindori muareka mhitemo yaMwari!

Nyamusi, mwoyo wako ndiwo areka yaMwari. Ndimo mune Soko rawo imoyimo. Tondera zvidotawurwa ndiTenzi muna Jeremaya 31 ndima 33: Asi iyi hisungano yandishayita ngewumba yeIzirayiri. Mumasure memazuwa iwayo, Jehovha wangosharo, Ndishayisa mutemo wangu munyana dzawo dzemukati, ndishawunyora mumwoyo mawo; Inene ndishawa Mwari wawo, iwo washawa wanhu wangu." Izvi zvidozazitswa umo tiri patidobarwa patsva.

Tidobarwa patsva ngeSoko raMwari,tiyibva tayita wamwewo ngeSoko; tiri tsamba mhenyu, "..dzidonyorwa, hayikona ngeingiba, asi ngeMwiya waMwari mupenyu?isiri pamahwendefa emahweba-asi pamahwendefa enyama emwoyo? Izvi zvidonyorwa pana 2 WaKorinde 3 ndima 3. Mwari ngawaropafadzwe!

Zvinozvi wati areka mhenyu yehushapupu ngeTabhenekari yehuwepo hwashe. 2 WaKorinde 2 ndima 16 ingotsinhira ngeshepamberi pacho iyiti, ?ngekuti tiri temberi yaMwari mupenyu; tsezvidotawura Mwari ayiti ,Ndishakara mawari,ngekufamba mawari; ndishawa Mwari wawo,iwo washawa wanhu wangu." Zvinozvi atukara umo uri. Mawoko ashe ari mumawoko ako,makumbo ashe ari mumakumbo ako. Angofamba ari umo uri ngekutawura kuburikidza ndiwe.

Kwetse iyo ungoyenda, Mwari angoyendawo. Uri umo ari,iye ari umo uri! Hawurindori muhuwepo hwaMwariba,udototakura Mwari. Petse pawungosvika, ungonga watowuya udotakura Mwari. Ndiyo ndawa Bhayibheri riyiti muna WaKorose 1 ndima 27, ...Kristo mawuri, tarisiro yekupenya!?

Namata Uyiti

Baba wandingoda, ndingokutendani ngekupenya kwanu muhupenyu hwangu ngekuyita mwoyo wangu umba yanu. Hupenyu hwangu ngehwekukudzwa kwanu,ngekuti Mwiya Mutsvene,uyo ungopangidza hukuru hwanu,atukara ngekusenza ari mukati memwoyo wangu. Saka Satani ngezvetse zvine shekuyita ngeshidima hazvina nzvimboba umo ndiri. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vakorose 1 ndima 26 kusvika 27
Varoma 8 ndima 10
Johane 14 ndima 16 kusvika 17

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church