7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Ndau Shona 


Ndiwe Chiropafadzo Chacho



China, 8 Ndira 2026



*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze



Mwari vane mashoko avakambotaura. Vakanga vari kuataura kuna Abhurahama. Tinoaverenga muna Genesi yegumi nembiri ndima yepiri. Vakati, "Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo". Apa vakanga vasiri kungotaura madimikira. Vakanga vasiri kutaura nechibhende. Vane dzinza ravakanga vari kutotanga. Iri idzinza reVamwari. Idzinza revanhu vakaropafadzwa. Dzinza iri ndiro rawavavo iwe. Wava muna Muponesi. Ndiko kusaka wava wedzinza iri.

Iwe hausi munhu akangoropafadzwa. Unotova chiropafadzo chacho. Chiropafadzo chaMwari chiri mauri. Chinotoshanda zvinovonekwa mauri. Saka ungasvika panzvimbo. Vanhu vanotanga kutobudirira panzvimbo iyi. Zvinhu zvavo zvinototanga kufamba zvakanaka. Kururama kunotobva kwatosvika panzvimbo iyi. Ungataura mashoko. Mikova inobva yatovhurika. Hupenyu hwevanhu hunobva hwatoshanduka. Ndiwe unosvitsa nyasha dzaMwari kuvanhu.

Chiropafadzo chaAbhurahama chinovonekwa pazvinhu zvako zvose. Iwe hausi kutsvaka chiropafadzo ichi. Unotova chiropafadzo chacho. Mwari ndivo vakavimbisa Abhurahama chiropafadzo ichi. Chiropafadzo chacho chakasvikira pauri. Iwe ndiwe wakapiwa chiropafadzo chacho. Chiropafadzo ichi ndicho chakaita kuti Abhurahama ave munhu mukuru. Saka newevo chakakuita munhu mukuru. Chakakupa zvose zvinodiwa kuti ufume. Chakatoita kuti ugone kufumisa vanhu.

Saka ungava mumhuri. Ungava nekwaunoshanda uri. Ungava neguta raunogara. Nzvimbo dzose idzi dzakatoropafadzwa. Aya ndiwo anofanira kuva mafungiro ako. Saka gara uchitaura uchiti, "Ini ndakaropafadzwa. Ndakaropafadzwa kuti ndive chiropafadzo. Ndingasangana nevanhu. Vanhu vacho vanobva vatorangarirwa naMwari". Mafungiro aya anozoshandura zvinhu zvako. Simba raMwari rinozovonekwa pauri.

Pupura Uchiti

Ndiri mwana wedzinza raAbhurahama. Saka ndakatakura chiropafadzo chaMwari. Ndinogadzirisa zvinhu. Vanhu vanorangarirwa naMwari nokuda kwangu. Ndinofumisa vose vandinosangana navo. Ndinovaunzira rugare. Ndinoita kuti zvinhu zvavo zvibudirire. Runako rwaMwari runovonekwa pandiri. Ndini ndinosvitsa nyasha dzaMwari kuvanhu. Ndinosvitsa simba raMwari kuvanhu. Ndinosvitsa kururama kwaMwari kuvanhu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Genesi 12 ndima 2 kusvika 3

Vaefeso 1 ndima 3

Vagaratiya 3 ndima 9



(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)