English Manyika Ndau Shona 

Shoko RaMwari Rinoita Kuti Ukure

Muvhuro, 6 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

'Muite sevacheche vachangozvarwa. Mufarire Shoko raMwari. Kuti mugokura. Shoko iri ndiwo mukaka wenyu. Mukaka usina kushatiswa' (1 Pita 2 ndima 2).

Isu tava muna Muponesi. Saka tava nezvose zvatinofanira kuva nazvo. 2 Pita 1 ndima 3 inoti, 'Kuziva ivo vakatitora kuti tive vanhu verudzi rwavo. Vakakwana. Kwakaita kuti simba ravo reVamwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari'. Mwari vane zvinhu zvavakatipa. Zvinhu zvacho ndezviya zvatinofanira kuva nazvo panyika pano. Nezvose zvatinofanira kuva nazvo mumweya. Vakashandisa simba ravo kutipa zvinhu izvi. Asi iwe unofanira kunzwisisa Mwari ava. Ndiko kuti ugone kushandisa zvinhu zvose izvi.

Mwari vane nyika yavanotonga. Nyika iyi iri mumweya. Isu tava zvizvarwa zvenyika iyi. Saka tinofanira kunzwisisa nyika iyi. Tinofaniravo kukura muna Ishe. Apa tinenge tiri kutodzidzawo kushandisa fuma yedu. Iyo fuma iya yavakatipa. Izvi zvinofanana nekurera vana. Vana ava vanenge vari varidzi vefuma yevabereki vavo. Asi havabvi vatopiwa fuma iyi yose. Vanofanira kutanga vakura. Vabva zera. Ndipo pavanozopiwa fuma iyi. Izvi ndizvo zvinoitikavo mumweya.

Bhaibheri rinotaura muna Vagaratiya 4 ndima 1 richiti, 'Asi kana muridzi wefuma achiri mwana mudoko. Anenge asina kusiyana nenhapwa. Kunyangwe zvake ari iye muridzi wefuma yose'. Mwana uyu anogona kunge akapiwa fuma. Kana kuti achifanira kuzotonga. Asi anofanira kutanga akura. Ndiko kuti agozogona kushandisa fuma iyi. Zvisizvo anenge akangofananavo nevamwe varanda vose. Sei izvi zvakakosha?

Mundima iyi mune shoko rinoti 'mwana'. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, 'nepios'. Haringorevi mucheche pakuzvarwa. Rinorevavo mucheche papfungwa. Rinorevavo munhu anotaura semwana mudoko. Saka Mukristu anogona kunge ari mucheche mumweya. Mukristu uyu anenge akapiwa maropafadzo. Anenge akapiwa fuma. Asi anenge asati ava kugona kutaura nomazvo. Saka haagoni kudya fuma iyi.

Mashoko aunotaura akakosha. Ndiwo aunoshandisa kutora fuma iyi. Saka unofanira kugara uchitaura. Uchitaura semunhu anowirirana nezvakataurwa naMwari pamusoro pake. Usingatauri zvaunovona nemeso. Asi kune vasingatauri nenzira yakadai. Vakristu ava vanenge vachiri vacheche. Vakristu ava vanotaura zvavanovona nemeso. Nokudaro zvinenge zviri pachena kuti havana kurairwa. Ndiko kusaka vachifanira kupiwa vatariri. Vatariri ava vanenge vakafanira kumbovaraira. Vachivaraira kusvika vayaruka. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vagaratiya 4 ndima 2.

Ndiko kusaka tichifanira kugara tichikura. Tinokura kudai nekushandisa Shoko raMwari. Ndiko kusaka uchifanira kunge uri nhengo yesangano reVatsvene. Musangano umu ndimo maunodzidziswa Shoko raMwari. Uchirairwa neShoko iri. Uchizopedzisira wakura. Wava kugona kutaura nomazvo.

Namata Uchiti
Baba vekudenga vandinoda. Ndinokutendai. Mune fuma yamakandipa. Fuma iyi iri muna Muponesi. Makandipavo Shoko renyu. Shoko iri ndiro randinoshandisa pakurarama kwangu. Ndinobvuma kurerwa neShoko renyu. Pamwe nekutungamirirwa neShoko iri. Saka ndinowana nyasha dzakawanda. Zvichiita kuti ndibudirire zvinoshamisa. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaGaratia 4 ndima 1 kusvika 2
2 Petro 3 ndima 18
Vahebheru 5 ndima 12 kusvika 14

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church