English Shona 

Wakashanduka Rudzi

Muvhuro, 2 Chikumi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva. Zvaakanga ari kare hazvichisipo. Tarisa uvone. Zvavapo zvose zvava zvitsva (2 Vakorinde 5 ndima 17).

Vazhinji nhasi vava kutarisira kurwara. Vanotarisira kurwara pavanodarika makore makumi mana. Vakaudzwa kuti miviri yavo inofanira kutanga kuneta pavanosvika pamazera aya. Moyo yavo ichitozogona kupera simba pavanozosvika makore makumi matanhatu. Asi Mwari havasi ivo vakataura izvi. Vanhu ndivo vanongotaura kudai. Vakangovona vamwe vachirwara pamazera aya. Vakafunga kuti munhu wose wezera iri anofaniravo kurwara.

Asi iwe uri mwana waMwari. Wakashanduka rudzi. Wasiyana nevanhu venyika ino. Zvinhu zvenyika ino hazvichagoni kukukanganisa. Hazvichagoni kukuparadza. Vanhu venyika ino vangarwara havo. Asi izvi hazvirevi kuti newevo unofanira kurwara. Saka usatarisira zvavanotarisira. Iwe wava muna Muponesi. Wakazvarwa naMuponesi. Wava werudzi rwaMuponesi Jesu. Saka zvinhu zvenyika ino hazvigoni kukanganisa hutano hwako.

2 Vakorinde yeshanu ndima yegumi nenomwe yati, Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva. Zvaakanga ari kare hazvichisipo. Tarisa uvone. Zvavapo zvose zvava zvitsva. Saka mumhuri yako mungava nezvirwere. Iwe hausi kuzobatavo zvirwere izvi. Wakazvarwa naMwari. Saka wava weropa raMwari. Hauchisiri wedzinza renyika ino.

Vanhu vemhuri yako vangava vane zvirwere zvemoyo. Vangava vanopera simba. Vangava vanorwara nemisoro isingaperi. Zvirwere zvose izvi hazvichagoni kukubata. Iwe wava muna Muponesi. Saka wava chipuka chitsva. Hauchisiri wedzinza renyika ino. Wava wedzinza raMwari. Chirwere chingatsvaka kukubata hacho. Asi iwe taura uchiti, Ndinomira saMuponesi Jesu veNazareta. Ndichikutuka iwe chirwere. Ibva pamuviri wangu.

Mashoko ako ane simba. Mashandise kugadzirisa hutano hwako. Ronga woga zvinoitika mumuviri wako. Taura nendimi. Wosimbisa mweya wako. Wobva wataura mashoko. Uchiataura pamusoro pehutano hwako. Muviri wako unozodavira kuShoko raMwari. Iwe wava weropa reVamwari. Saka chitanga kutaura ikozvino. Iti, Ini ndinoramba kurwara. Handisakari nenguva. Zvinhu zvenyika ino hazvigoni kukanganisa hutano hwangu. Ropa rangu rinofamba zvakanaka. Moyo wangu unoshanda zvakanaka. Nhengo dzose dzemuviri wangu dzinoshanda zvakanaka. Imwe neimwe inoita basa rayo. Inoriita nomazvo. Hapana inoregerera dzimwe. Ndiri mutano saMwari. Muzita raJesu. Ameni

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ndava muna Muponesi Jesu. Saka ndava munhu weropa reVamwari pachokwadi. Ndinoramba zvirwere zvenyika ino. Ndinoramba kukanganiswa nezvinhu zvenyika ino. Muviri wangu wakasimba. Une hutano hwakanaka. Mweya Mutsvene vava kugara mandiri. Mweya Mutsvene ava ndivo vanoraramisa muviri wangu wenyama. Saka hapana chirwere chinogona kugara mumuviri wangu. Ndinokurira zvinhu zvenyika ino. Ndiri mutano saMwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 11
Mariko 16 ndima 17 kusvika 18
Zvirevo 4 ndima 20 kusvika 22

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church