English
Shona
Pane Zvinoitika Kana Ukapa
Mugovera, 7 Chikumi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Kwakanga kuine mumwe murume. Akanga ari paKesariya. Ainzi Koniriyasi. Akanga ari muvuto. Achitungamirira boka revarwi. Boka iri rainzi Itarikosi. Raiva nevarwi vangaita mazana mashanu. Koniriyasi ainamata Mwari. Mhuri yake yainamatavo Mwari. Yaitya Mwari. Yaibatsira vanhu vakawanda. Uye yainamata kuna Mwari misi yose (Mabasa 10 ndima 1 kusvika 2).
Mwari havafariri vanhu vanongozvifunga ivo. Izvi zviri pachena chose. Asi vanofarira vanhu vanopa. Ivo vanoponesa vanhu vakadai. Vanovaropafadza. Vachivasimudzira. Vanhu vacho vangava vatadzi chaivo. Asi vachipa. Mwari vanovafarira zvakadero. Vanototsvaka kuvaponesa. Vanotozotsvaka munhu angavanyengeterera. Ivo vobva vatsvaka nzira dzekuti vanhu vacho vaponeswe.
Izvi ndizvo zvatinovona panhoroondo yaKoniriyasi. Tinowana nhoroondo yacho muna Mabasa yegumi. Koniriyasi uyu akanga ari werudzi rweChiroma. Akanga ari mukuru wemavuto. Iye akanga asiri Mujudha. Asi akanga achinamata Mwari chose. Aizikanwirwavo kupa. Iye aibatsira vanhu. Uye aigara achinamata Mwari.
Mbiri yake yekupa yakasvika kuna Mwari. Mbiri yake yekunamata yakasvikavo kuna Mwari. Mwari vakazomutumira ngirozi. Ngirozi iyi yakamuraira kuti adane Pita. Pita uyu ane mashoko aakanga akafanira kumuudza. Mashoko acho ndiwo akanga achazomuponesa. Kureva kuti kupa kwake ndiko kwakaita kuti atumirwe ngirozi.
Mwari vakatoronga kuti Koniriyasi uyu aponeswe. Mhuri yake yakabva yaponeswavo. Imba yake yose yakaponeswavo. Yakaponeswa kudai nokuti Koniriyasi uyu aibatsira vanhu. Mweya Mutsvene vakawira pavanhu vose vaiva mumba maKoniriyasi. Vakawira pavari pavakanga vari kuparidzirwa naPita. Vose vakabva vatanga kutaura nendimi. Vachirumbidza Mwari. Zvinhu zvakabva zvashanduka muSangano reVatsvene vekutanga. Vatsvene ava vakatanga kunzwisisa kuti vanhu vasiri Vajudha vaifaniravo kuponeswa.
Mwari havafadzwi nevanhu vanonyima. Ivo havanyimi. Satani ndiye anonyima. Saka Mwari vanovona muvengi mumunhu anonyima. Vachizvivona ivo mumunhu anopa. Saka vanotsvaka kudyidzana nemunhu anopa. 2 Vakorinde 9 ndima 7 inoti, ... Nokuti Mwari vanofarira anopa akafara. Iwe unofaniravo kupa wakafara. Mwari vanozokufarira.
Pupura Uchiti
Ini ndinopa ndakafara. Saka ndinofambirana nekuronga kwaMwari. Ndichiwana nyasha dzavo. Ndinowana maropafadzo aMwari. Fuma yangu ichigara ichiwedzera. Ndinokutendai Ishe. Munondishandisa kuunza maropafadzo enyu panyika. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 9 ndima 6 kusvika 7
Zvirevo 11 ndima 24 kusvika 25
Mabasa 10 ndima 3 kusvika 4
Vahebheru 13 ndima 16 AMPC
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church