English
Shona
Jesu NdiMwari PaChokwadi
Chishanu, 27 Chikumi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri (Isaya 7 ndima 14).
Vahebheru yegumi ndima yeshanu kusvika yenomwe ine zvainotaura pamusoro paIshe Jesu. Inoti, Ndiko kusaka Muponesi pavakazouya panyika. Vakataura vachiti, Tarirai. Ndauya kuzoita zvamunoda. Imi Mwari. Ndini uya akanyorwa mumagwaro. Hupenyu hwaJesu hwakanga hwakataurwa nevavoni vekare. Kwakanga kwatopfuura makore anodarika mazana mashanu vamwe vavoni vacho vataura kudai.
Vavoni vacho vakanga vakasiyana chose. Asi zvavakataura zvacho zvakaitika muhupenyu hwaIshe Jesu. Saka Jesu ndivo chaivo vakanga vataurwa nevavoni vose ava. Nokuti hazvigoni kuti zvose zvakataurwa nevavoni ava zvingozovonekwa pamunhu mumwe chete.
Regai titarise mamwe mashoko evavoni ava. Mamwe acho ndiwo ataverenga muna Isaya yenomwe ndima yegumi nena. Yati, Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri. Jesu ndivo vakazozvarwa nemhandara. Izvi ndizvo zvatinovona muna Matiyo yekutanga ndima yemakumi maviri nembiri kusvika makumi maviri nenhatu. Inoti, Izvozvi zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarehwa naShe, nomuromo womuvoni, achiti, Tarira mhandara ichava nemimba. Ichazvara Mwanakomana. Vachamutumidza zita rinonzi Emanueri. Zita iri rinoreva kuti, Mwari unesu.
Vavoni vakanga vatauravo nzvimbo yakanga ichazozvarirwa Ishe Jesu. Tinovona mashoko avo muna Mika yeshanu ndima yepiri. Inoti, Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare. Jesu vakazozvarirwavo muBheterehema. Izvi ndizvo zvatinovona muna Matiyo yepiri ndima yekutanga. Inoti, Jesu vakazvarirwa paBhetirehema reJudhea. Vakazvarwa pamazuva amambo Herodhe. Vachenjeri vakabva vasvika Jerusarema. Vakanga vachibva kumabvazuva.
Mika uyu anoti mavambo aJesu ava akanga ari ekare kare. Kureva kuti Jesu vakanga vasiri munhu wenyama. Vakanga vari Mwari. Nokuti vakavapo zvisikwa zvisati zvavapo.
Jesu vakazvarwa nenzira yakanga yataurwa nevavoni. Vakazvarirwa muJudhiya. Muguta reBheterehema. Uye hapana munhu akagara aripo. Jesu voga ndivo vakagara varipo. Mashoko evavoni aya anotaridza kuti Jesu ndiMwari. NdiMwari vakauya vari munhu wenyama. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mavhurira mweya wangu Shoko renyu. Nokudero maita kuti ndinzwisise kuti Jesu ndiMwari. Uye kuti Magwaro anovapupurira zvakajeka. Ndinovimba chose neShoko renyu. Shoko iri harirevi nhema. Saka ndinoshinga kupupura kuti Jesu ndivo vanotonga zvose. Vacharamba vari mambo nekusingaperi. Ndinorarama semunhu akakundirwa hondo dzake navo. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mateo 1 ndima 18 kusvika 23
Ruka 1 ndima 34 kusvika 35
Ruka 2 ndima 10 kusvika 11
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu ndima
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
You can get other teachings on: https://bit.ly/Shona_Church