English Ndau Shona 

Muponesi Jesu Havashanduki

Chipiri, 8 Chikunguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Rangarirai vaya vanokutungamirirai. Vanokudzidzisai Shoko raMwari. Ivavo vakagona kurarama nomazvo. Mugovimba naMwari sezvavanoita ivo. Vanhu ava ndivo vakatitaridza kuti Jesu Muponesi havashanduki. Vanoramba vakadero zuro. Nhasi. Nekusingaperi (Vahebheru 13 ndima 7 kusvika 8).

Ndima mbiri idzi dzakadzama chose. Asi mamwe maBhaibheri haadzinyori nomazvo. Anoita sekuti dzinotaura zvinhu zvakasiyana.

Asi ndima idzi dzinodyidzana. Dzinotaura nezvaMuponesi Jesu. Dzichisimbisa kuti Jesu ava havashanduki.

Saka dzine vanhu vadzinotaura nezvavo. Dzichiti vanhu ava vane zvavakaita. Zvinhu zvacho zvinotitaridza kuti Muponesi Jesu havashanduki. Vachingori zvavaiva kare. Uye vacharamba vari zvavari nhasi. Vanhu ava vakagona kuvimba naMwari. Vakagona kugadzirisa zvinhu zvavo. Izvozvo zvikatitaridza kuti Ishe Jesu havashanduki. Ivo vakatendeka. Vanovimbika. Uye ndiMwari pachavo. Ishe Jesu vane zvavakaita kare. Vachiri kugona kuita zvinhu izvi nhasi. Vari kutoita zvinhu izvi nhasi.

Saka ndima iyi ine zvainotiraira. Inotiraira kuti nesuvo tivimbe naMwari. Tivimbe navo sezvakaita vaya vakatiunzira Shoko raMwari. Tinofanira kuvimba kudai tichirangarira zvakawanikwa nevanhu ava. Zvinova ndizvo zvinotaridza kuti Muponesi Jesu havashanduki. Jemusi yekutanga ndima yegumi nenomwe inotsanangura Mwari. Inoti ivo ndibaba vezviedza. Ivo vasingashanduki shanduki. Vanogara vachizikanwa pavamire chaipo.

Maraki yetatu ndima yetanhatu inotivo, Ini Jehovha handishanduki . Saka hupenyu hwako hungava husina kumira zvakanaka. Izvozvo hazvina basa. Muponesi Jesu havashanduki. Vachingori zvavaiva kare. Uye vacharamba vari zvavari nhasi. Isa hupenyu hwako mumavoko avo. Kune vanhu vakatitangira kuuya. Vanhu ava vakapupurira kutendeka kwaIshe Jesu. Vakapupurira kuvimbika kwavo. Pamwe nekusashanduka kweShoko ravo. Nesuvo tinopupurira zvinhu izvi. Ishe Jesu havashanduki. Havakurasisi. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu harishanduki. Ishe Jesu vakatendeka. Havashanduki. Vachingori zvavaiva kare. Uye vacharamba vari zvavari nhasi. Izvi ndizvo zvinovonekwa pahupenyu hwangu. Humwari hwavo hunovonekwa pahupenyu hwangu. Simba ravo rinovonekwa pahupenyu hwangu. Rudo rwavo runovonekwa pahupenyu hwangu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaHeberu 13:7-8 ESV
Jakobo 1:17 NIV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church