English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Uri Mukundi. Haufaniri Kushungurudzwa
China, 1 Nyamavhuvhu 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Asi Mwari ngavatendwe. Ndivo vanotikundisa. Vanotikundisa muna Ishe Jesu Muponesi (1 Vakorinde 15 ndima 57).
Mwari ndivo vakakuunza panyika pano. Havatarisiri kuti ushungurudzwe uri panyika pano. Uchishungurudzwa nenhamo yepanyika pano. Kana nevanhu. Kana nehurumende. Kwete. Guta rako harifaniri kukushungurudza. Nyika yako haifaniri kukutambudza. Iwe wakakunda kare. Wakatokunda nyika ino.
Bhaibheri rine mashoko arinotipa. Tinoaverenga muna 1 Johane 5 ndima 4. Inoti, Nokuti chinhu chinozvarwa naMwari. Chose zvacho. Chinokunda nyika ino. . Hareruya. 1 Johane 4 ndima 4 inotivo, Vana vadoko. Imi makazvarwa naMwari. Saka makakurira mweya yose iyi. Nokuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino.
Mwari havachisiri kutsvaka kukupa chimwe chinhu. Havachisiri kutsvaka kukuita chimwe chinhu. Havachisiri kutsvaka kukununura mumatambudziko. Ivo vakatokuitira zvinhu zvose izvi. Pangaita chinhu chaunoda nhasi. Mwari vakatokupa chinhu ichi. Izvi ndizvo zvaunofanira kunzwisisa.
Vazhinji vanozvivona sevasina simba. Vanongozvivona vari vatamburi. Izvozvo hazvina kunaka. Vanhu ava vanogara vachitsvaka kuti Mwari vavarwire. Vachivanunura pamatambudziko. Saka vanogara vachingochema kuna Mwari. Vachichemera kununurwa. Vachichemera kusimudzirwa. Vachichemera kuropafadzwa. Asi Mwari vakatovaitira zvinhu zvose izvi.
Vaefeso 1 ndima 3 inoti, Mwari ngavaropafadzwe. Ivo Baba vaIshe Jesu Muponesi. Ivo vakatipa maropafadzo ose epamweya. Ari kumatenga. Nokuti tava muna Muponesi. 2 Pita 1 ndima 3 inosimbisavo izvi. Inoti Mwari vakatotipa zvinhu zvose. Zvinhu izvi zvingava zvinodikanwa panyika ino. Kana zvinodikanwa munyika yemweya. Vakashandisa masimba avo kutipa zvinhu izvi. Pauro ane mashoko aanotauravo muna 1 Vakorinde 3 ndima 21. Mweya Mutsvene ndivo vakamufemera mashoko acho. Anoti, Saka ngakurege kuva nemunhu anovimba nemumwe munhu. Nokuti zvinhu zvose ndezvenyu.
Saka wava kufanira kumuka. Ugamuchire Shoko raMwari sezvariri. Urishandise pakurarama kwako. Mwari havasi kuronga kukufumisa. Vakatokufumisa kare. Havasi kuronga kukuporesa. Ivo vakatokuita munhu weropa ravo. Kureva kuti hazvichagoni kuti urware. Wava kugara uri mutano. Zvirwere hazvichagoni kukubata. Hauchagoni kufa. Izvi zvinodarika kuporeswa.
Asi iwe ungasaziva zvinhu zvose izvi. Unozogara uchishungurudzwa. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naMwari. Tinoverenga mashoko avo aya muna Hosiya 4 ndima 6. Inoti, Vanhu vangu vanoparadzwa nekushaya zivo. Saka funga semunhu werudzi rwaMuponesi. Iwe wava muna Muponesi. Saka wava kukurira zvinhu zvenyika ino. Chitaura semunhu anoziva izvi. Rarama semunhu anoziva izvi.
Namata Uchiti
Ini ndava muna Muponesi. Saka ndava kukurira zvinhu zvenyika ino. Handishungurudzwi nezvinhu zvenyika ino. Mweya Mutsvene vane simba ravakandipa. Saka ndinokurira zvipingaidzo zvose. Ndine zvose zvandingada. Saka ndinogara ndichikunda. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 37
2 Vakorinde 2 ndima 14
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church