English Shona 

Mwari Vakavimbisa Kutipa Mweya Mutsvene

Chitatu, 3 Gunyana 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Kuti vanhu vasiri Vajudha vawanevo chiropafadzo chiya. Chakapiwa Abhurahama. Chinowanikwa muna Jesu Muponesi. Uye kuti tigone kushandisa ruvimbo kuwana Mweya Mutsvene vaya. Vakanga vavimbiswa (Vagaratiya 3 ndima 14).

Mwari vane zvavakavimbisa Abhurahama. Vakavimbisa kumushandisa kuropafadza marudzi ose epasi pano. Apa vakanga vari kutaura nezveRuponeso. Irwo Ruponeso ruya rwakaunzwa naJesu. Vakanga vari kutauravo pamusoro paMweya Mutsvene. Apa Mwari vakanga vari kutoparidza Ruponeso kuna Abhurahama. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vagaratiya yetatu ndima yesere. Ndima iyi inotaura zvakataurwa naMwari zvacho. Izvozvo zvakanga zviri Shoko reRuponeso. Ndima iyi inoti, Zvino magwaro aya. Achiziva kuti Mwari vakanga vari kuzoshandisa ruvimbo. Vachirushandisa kururamisa vasiri Vajudha. Akabva afanotaura kuna Abhurahama. Achimuzivisa nezve ruponeso rwaMuponesi. Achiti, Ndichashandisa iwe kuropafadza marudzi ose. Chiropafadzo chacho chakanga chiri kuunzavo Mweya Mutsvene. Mweya ava ndivo vakanga vavimbiswa naMwari Baba.

Saka iwe ungagamuchira Mweya Mutsvene. Hauzongotauri nendimi chete. Kana kuwana simba raMwari. Izvozvo zvakanaka hazvo. Asi hazvisi izvo zvoga. Mweya Mutsvene ava vanotova chidhindho. Ndicho chidhindho chesungano itsva. Ndivo vatakafana kubatiswa. Tichimirira kuzopiwa fuma yedu yose. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vaefeso yekutanga ndima yegumi nenhatu kusvika yegumi nena. Saka isu tingava naMweya Mutsvene. Tinenge tava kutoziva kuti fuma yaJesu yose yatova yedu.

Ndiko kusaka Pita akataura achiti, Tendeukai. . Mugopiwa Mweya Mutsvene. Chinova chipo chaMwari. Ndicho chipo chamakapiwa imi. Nevana venyu. Nevose vari kure. Avo vachadanwa naIshe. Vanova Mwari wedu. Apa akanga ari kuparidza kuVajudha. Aiparidza kudai paya pakadururwa Mweya Mutsvene panyika. Tinoverenga mashoko acho muna Mabasa yepiri ndima yemakumi matatu nesere kusvika makumi matatu nepfumbamwe. Asi Vajudha havasi ivo voga vakanga vavimbiswa Mweya Mutsvene. Vakanga vari kuzopiwa kuvanhu vose. Ivo vaya vakanga vachazodanwa naMwari. Kureva kuti newevo wakavimbiswa Mweya Mutsvene ava. Hauchisiri kumirira kuti utange wakodzera. Wava muna Muponesi. Saka wava kukodzera kuwana Mweya Mutsvene. Wava mwana waAbhurahama. Saka wava muridzi wezvakavimbiswa Abhurahama izvi.

Mabasa yechipiri ndima yegumi nenomwe ine mashoko ainosimbisa. Aya mashoko akanga ataurwa naJoere. Inoti, Hezvinoi zviri kutaurwa naMwari. Ndichadurura Mweya wangu. Ndichaudurura panyama yose. Ndichaita izvi pamazuva okupedzisira. . Saka Mweya Mutsvene vakavimbiswa munhu wose. Izvi ndizvo zvatavona muna Mabasa yechipiri ndima yemakumi matatu nepfumbamwe. Yati, Ndicho chipo chamakapiwa imi. Nevana venyu. Nevose vari kure. Avo vachadanwa naIshe. Vanova Mwari wedu.

Iwe ungava wakazvarwa kechipiri. Hauna kungopiwa chipandi chechiropafadzo chaMwari ichi. Wakapiwa Mweya Mutsvene vakazara. Mweya Mutsvene ava ndivo vanokupinza muzvinhu zvaMwari zvose. Ndivo vanokugwinyisa. Vachiita kuti ukurire zvose zvaunosangana nazvo. Vanokubatsira kunzwisia Shoko raMwari. Vachiita kuti ugone kushandisa chokwadi pakurarama kwako. Vachiita zvekare kuti Muponesi vavonekwe pauri.

Saka rarama semunhu anoziva kuti ava naMweya Mutsvene. Taridza kufara kuti unavo. Zvipe nguva dzekutandara navo. Uchivakoshesa. Ivo vanozokutungamirira. Vachiita kuti urarame hupenyu hwawakarongerwa naMwari.

Namata Uchiti
Ndinokutendai imi Baba vangu vekudenga. Makaisa Mweya Mutsvene mandiri. Mweya ava chinotova chiropafadzo. Ndivo vanonditungamirira. Vachindisimbisa. Vachiita kuti ndigare ndichikunda. Vachiita kuti ndigone kushandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Vachiita zvekare kuti ndishandise simba reVamwari pakurarama kwangu. Mweya Mutsvene ava vanoita kuti ndizive fuma yangu yose. Iyo fuma iya iri muna Muponesi. Vachiita kuti ndigone kutora fuma iyi. Ndichifamba munzira yavakagara vandirongera. Ndichirarama hupenyu hwamakandirongera. Ihwo huya huri muna Muponesi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 14 ndima 1617
Mabasa 2 ndima 3839
Vaefeso 1 ndima 1314

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/cpEYC48vkMCJlDJHOf8s45vaH?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/9qnXC58wlNC06X0COhXskuLB9?domain=bit.ly