English Shona 


Mashoko Aunotaura Ndiwo Anokurira Zvinhu


Mugovera, 13 Gunyana 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Rurimi rune simba. Runogona kuuraya. Runogona kuraramisa. Vanorufarira vachawana zvinobuda maruri (Zvirevo 18 ndima 21).

Iwe une mashoko aunotaura. Mashoko aya haasi manzwi chete. Ane simba raanaro. Iri isimba rinoshanda mumweya. Mashoko zvinotova zvinhu. Anovonekwa sezvinhu mumweya. Mwari ndivo vakasika mweya wemunhu. Vakauita kuti ushande saivo. Saka mweya wemunhu unogona kusika zvinhu. Unozvisika nemashoko. Ndiko kusaka Ishe Jesu vakati, Zvaunotaura ndizvo zvaunowana. Tinoverenga mashoko aya muna Mariko yegumi neimwe ndima yemakumi maviri nenhatu. Saka iwe ungada kukurira zvinhu. Unofanira kutaura mashoko kuzvinhu izvi. Ndiko kuti uzvikurire.

Iwe uri mwana waAbhurahama. Saka wava kuita zvinoita Mwari. Mwari vanoita zvekutaura. Vanotaura kudai vachivimba shoko ravo. Ndizvo zvaunofanira kuitavo iwe. Usataura zvaunovona nemeso ako. Usataura zvaunonzwa nenyama yako. Usataura semunhu anotya. Taura zvakataurwa naMwari. Hutano hwako hunozonaka. Mari inozotanga kuuya kwauri. Hupenyu hwako hunozopinda mugwara rakanaka. Taura mashoko anoraramisa zvinhu. Taura mashoko anounza rugare. Taura semunhu ane simba. Taura mashoko anokufumisa.

Mumagwaro makanyorwa nezvedu. Anotsanangura fuma yatakapiwa. Asi kune vasingatauri zvinhu izvi. Nokudero havawani fuma iyi. Iwe unofanira kutaura zviri mumagwaro izvi. Ndiko kuti zviitike. Ndiko kuti uzviwane. Hazvifaniri kungova zvinhu zvakanyorwa chete. Taura mashoko. Ndiko kuti zvinhu zviitike mumweya. Asi unofanira kutaura zvinowirirana neShoko raMwari. Ndiko kuti ngirozi dzigomira newe. Matenga achitsigira mashoko ako.

Saka usanyarara. Taura kuti wakafuma. Iwe wava muna Muponesi. Saka wakashanduka rudzi. Wava werudzi rwaMuponesi. Chitaura semunhu werudzi urwu. Taura kuti uzere Mweya Mutsvene. Taura kuti wava kushandisa simba raMwari. Uye kuti wava kuvona saMwari. Taura kuzuva rako. Shandisa mashoko ako kugadzirisa zvinhu zvehupenyu hwako.

Namata Uchiti
Mashoko angu azere simba. Anoraramisa zvinhu. Ndinotaura Shoko raMwari. Ndinoritaura ndakashinga. Ndichivimba naMwari. Nokudero shoko iri rinondikundisa. Richindipa zvandinoshuva. Mashoko andinotaura ndiwo anotungamirira hupenyu hwangu. Ndinotaura mashoko anoraramisa zvinhu. Ndinotaura semunhu ane fuma yakawanda. Saka ndinowanavo fuma yakawanda. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mariko 11 ndima 23
Jobho 22 ndima 28
Varoma 10 ndima 68

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/cpEYC48vkMCJlDJHOf8s45vaH?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/9qnXC58wlNC06X0COhXskuLB9?domain=bit.ly