English Shona 


Mwari Vakatotipa Zvavakavimbisa. Zviri Muna Muponesi

Svondo, 14 Gunyana 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Uye zvipikirwa zvose zvaMwari. Izvo zviri muna Muponesi. Zvakatopiwa. Zvavapo. Kuti vanhu pavanotivona vagoziva kuti Mwari ndiMwari pachokwadi (2 Vakorinde 1 ndima 20).

Mwari vane zvinhu zvavakativimbisa. Asi vakatoisa zvinhu izvi muna Muponesi. Kureva kuti vakatotipa zvinhu zvose izvi. Saka hatichafaniri kuramba tichazvitsvaka. Hatichafaniri kuita zvekumirira. Hareruya! Funga pamusoro pezvinhu zvose zvavakativimbisa. Izvo zviya zviri muSungano yeKare. Iwo maropafadzo ose aAbhurahama. Takatopiwa maropafadzo ose aya. Ndiwo atakaunzirwa naMuponesi.

Iwe ungava wava muna Muponesi. Izvi zvinoreva kuti watova nemaropafadzo ose aya. Wakatopiwa Mweya Mutsvene. Wakatoshandurwa rudzi. Wava munhu weropa reVamwari. 2 Pita yekutanga ndima yetatu inotaura ichiti, Kuziva ivo vakatitora kuti tive vanhu verudzi rwavo. Vakakwana. Kwakaita kuti simba ravo reVamwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari. Saka iwe wakatopiwa maropafadzo ose zvawo. Wakatopiwa zvinhu zvose zvakanaka. Zvinhu zvose izvi zviri muna Muponesi Jesu. Asi zvatova zvako.

Vatsvene vakawanda havazivi izvi. Saka vachiri kutsvaka kuwana zvinhu izvi. Vanonamata. Vachichema kuna Mwari. Vachitsvaka kuti vapiwe zvinhu izvi. Izvi hazvisi izvo zvavanofanira kuita. Vanongofanira kuvimba neShoko raMwari. Vogamuchira zvinhu zvacho. Iwe wakazvarwa kechipiri. Une fuma yawakauya unayo pawakazvarwa kudai. Iyi ifuma isingagoni kuparadzwa. Zvinhu zvose zvava zvako. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 1 Vakorinde yetatu ndima yemakumi maviri neimwe kusvika makumi maviri nembiri. Inoti, Saka ngakurege kuva nemunhu anovimba nemumwe munhu. Nokuti zvinhu zvose ndezvenyu. Angava Pauro. Kana Aporosi. Kana Kefasi. Kana nyika ino. Kana hupenyu. Kana rufu. Kana zvinhu zviripo nhasi. Kana zvichazouya mangwana. Zvinhu izvi ndezvenyu zvose.

Varoma yesere ndima yemakumi matatu nembiri inoti, Ivo Mwari vasina kutinyima Mwanakomana wavo. Asi vakamupa kwatiri tose. Vangazokoniwa nei kutipavo zvimwe zvinhu zvose? Vachitipa pamwe naMuponesi ava?. Saka hapana chaunganyimwa. Mwari vakatokupa Jesu. Jesu ava ndivo fuma yavo huru. Kureva kuti Mwari vakatokupa zvinhu zvose. Vakakuita munhu werudzi rwavo. Vakakuita munhu akarurama. Vakakupa hutano hwavo. Vakakufumisa. Vakakupa mazano avo. Vakakukundisa. Saka chirega kuramba uchingotsvaka. Uchiita semunhu asina chaakapiwa. Chitanga kurarama mumaropafadzo aMwari. Wava nefuma. Fuma iyi iri muna Muponesi. Nakirwa nefuma iyi.

Saka taura uchiti, Zvinhu zvose ndezvangu. Maropafadzo ose ndeangu. Fuma yose yeVamwari ndeyangu. Ndiri kutoidya izvozvi. Chinhu chingava chakanyorwa muMagwaro. Chinhu ichocho chinenge chichitova chako. Taura kuti chinhu ichi chava chako. Ndiko kuti uchiwane. Ndiko kuchitora kwaunenge uri kutochiita. Fara semunhu ava nechinhu ichi. Ita semunhu akapiwa maropafadzo aya. Iwe wava munyika inotongwa naMwari. Hausi kupemha uri imomo. Une fuma yawava nayo. Hongu. Mwari vane zvinhu zvavakavimbisa havo. Asi zvinhu zvose izvi zvakatouya. Zvakaunzwa naMuponesi. Zvava kuwanikwa muna Muponesi. Saka zvatova zvako. Mwari ngavakudzwe saMwari.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ini ndava muna Muponesi. Saka zvinhu zvose zvava zvangu. Ndinofara chose kuziva izvi. Ndakapiwa maropafadzo ose. Ndakapiwa fuma yose yeVamwari. Ndiyo yandiri kutodya izvozvi. Ndava mutano saMwari. Ndakafuma. Ndakarurama. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Hapana chinoshaikwa muhupenyu hwangu. Ndine maropafadzo ose aMwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 1 ndima 20
Varoma 8 ndima 32
Vagaratiya 3 ndima 1314
1 VaKorinte 3:21-22

Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/cpEYC48vkMCJlDJHOf8s45vaH?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/9qnXC58wlNC06X0COhXskuLB9?domain=bit.ly