English
Shona
Usakanganwa Basa Rako Rakakosha
Muvhuro, 15 Gunyana 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako uchirega kuchengeta zvaakarayira, mirayiro yake nemitemo yake yandinokupai nhasi (Dheuteronomiyo 8 ndima 11).
Iwe une zvaunofanira kunge uri kuitira Ishe. Asi zviri nyore kukanganwa zvinhu izvi. Izvi zvinogona kuitwa nevanhu. Zvinogonavo kuitwa neSangano reVatsvene. Izvi ndizvo zvatinovona mumakore apfuura. Sangano reVatsvene rakatanga rakasimba zvikuru. Rakakasira kutonga pasi rose. Zvakangoritorera makore mazana matatu chete kuti ritonge pasi rose kudai. Rakaita izvi kusati kwambova nezvifambiso zvemazuva ano. Saka izvi zvaishamisa zvikuru.
Vatsvene vakatanga vachitambudzwa zvikuru. Asi izvi zvakamiswa mugore ra324. Zvakamiswa namambo aitonga pasi rose panguva iyi. Mambo uyu ainzi Constantine. Hapana kuzopera makore matanhatu kubva ipapo. Mambo ava vakabva vaisa mumwe mutemo. Uyu waiva mutemo wekuti vanhu vose vanamate Jesu. Mutemo uyu waibata nyika dzepasi rose. Wakadzikwa mugore ra330. Sangano reVatsvene rakafara chaizvo. Asi rakabva razorora. Rakabva rasiya zvekutendeusa vanhu. Zvakanga zvava kuita sekuti munhu wose akanga ava kunamata Jesu. Asi Jesu havana kunge vauya kuzopa vanhu imwe nzira yekunamata nayo. Vaida kuti munhu wose aponeswe.
Saka zvakanaka kugara uchizviongorora. Uchitsvaka kuvona kuti uchiri kuita basa rako chairo here. Vana vaIsiraeri ndivo vamwe vakambokanganwavo basa ravo. Mwari vane nyika yavakanga vavapa. Ivo vakapinda munyika iyi. Vakabva vawana rugare. Vakabva vazorora kubva kumatambudziko avo. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Joshua yemakumi maviri neimwe ndima yemakumi mana nenhatu kusvika makumi mana neshanu. Mwari vakabva vazoyambira Vaisiraeri ava. Tinoverenga yambiro yacho muna Joshua yemakumi maviri nenhatu ndima yenomwe kusvika yesere. Inoti, Musafambidzana nendudzi dzakasara pakati penyu, kana kudana kumazita avamwari vavo, kana kupika navo. Hamufaniri kuvashumira, kana kuvapfugamira. Asi namatirai pana Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita kusvikira nhasi.
Vaisiraeri vakamboteerera havo murairo uyu. Asi vakazotsauka. Vakatanga kunamata zvimwe zvimwari. Vatsvene vanofanira kugara vachitendeusira vanhu kuna Mwari. Zvisizvo vanopedzisira vafanana nevanhu venyika ino. Vanenge vava kunakidzwa nekushandira vanhu venyika ino. Vachivaraidzwa nemari dzenyika ino. Vachiramba vachikweverwa kunyika. Vachizopedzisira vakanganwa kuti vanofanira kunge vari kutendeusa vanhu.
Vamwe vavo ndipo pavanotanga kusaenda kuminamato yemasangano avo. Vachisarudza kuswera vari kumabasa avo. Vanhu vakadai vanenge vakanganwa mabasa avo akakosha. Iwe usakwezviwa nenyika ino. Usakanganwa basa rako chairo. Koshesa hukama hwako naMuponesi. Koshesa zvinhu zvemweya. Gara uchitendeusira vanhu kuna Mwari. Iwe uri Mumwari. Izvozvo ndizvo zvakanyanya kukosha. Zikanwa seMumwari.
Pupura Uchiti
Ndinofara kuparidza shoko reRuponeso. Ndinotsvaka kuti vakawanda vapinde munyika yaMwari. Izvozvo ndizvo zvakanyanya kundikoshera. Hapana chingandibvisa pabasa iri. Ndinoshingaira kutendeusa vanhu. Ndichivabvisa murima. Ndichivapinza muchiedza. Ndichivabvisa mumavoko aSatani. Ndichivapinza mumavoko aMwari. Ndichivaita zvizvarwa zvenyika yaMwari. Iyo nyika iya inogara nekusingaperi. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Dheuteronomiyo 8 ndima 11 kusvika 14
Matiyo 6 ndima 33
2 Timoti 4 ndima 2
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/cpEYC48vkMCJlDJHOf8s45vaH?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/9qnXC58wlNC06X0COhXskuLB9?domain=bit.ly