English Shona 

Unotova Mambo

Chipiri, 16 Gunyana 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Muri boka doko. Asi musatya henyu. Muna Baba. Baba ava vakatokuitai madzishe. Ndidzo dzaiva shungu dzavo idzodzo (Ruka 12 ndima 32).

Mwari havana chavari kukunyima. Ivo vakatokuita mambo. Vakatokuita ishe. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naIshe Jesu. Saka Mwari vakatokupa zvinhu zvose. Izvo zviya zviri munyika yavo. Zvaitovafadza kukupa zvinhu zvose izvi. Saka hausi kuzova mambo rimwevo zuva. Unotova mambo ikozvino. Wakatopiwa nyika inotongwa naMwari.

Mwari vakatokubvisa mumavoko erima. Vakakupinza munyika yeMwanakomana wavo. Iye Mwanakomana wavanoda zvikuru. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vakorose yekutanga ndima yegumi nenhatu. Ungava wakazvarwa kechipiri. Wakazvarirwa munyika yaMwari pawakazvarwa kudai. Nyika yacho iri mumweya. Jesu ndivo vanotonga munyika iyi. Inyika ine kururama. Rugare. Vagari vayo vanofara vari muna Mweya Mutsvene. Iwe hausi mutorwa munyika iyi. Uri chizvarwa chenyika iyi. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vaefeso yepiri ndima yegumi nepfumbamwe. Inoti, Kureva kuti hamuchisiri vatorwa. Kana vabvakure. Asi mava vemumba. Pamwe chete nevatsvene. Mose mava veimba yaMwari. Munyika iyi ndimo mune fuma yako. Ndimo maunoremekedzwa. Ndimo maunotongavo.

Asi vakawanda havasati vanzwisisa izvi. Vanofunga kuti vakangopiwa imwe nzira yekunamata nayo. Saka vanofunga kuti vanofanira kudembera Mwari. Vachitsvaka kuti vagamuchirwe. Vapindevo munyika yaMwari iyi. Asi nyika haisi yekukumbira. Iwe ungava wakazvarirwa mune imwe nyika. Nyika iyi inenge yatova yako. Hauna waunofanira kudembera kugara munyika iyi. Iwe wava muna Muponesi. Saka wava muridzi wefuma yaMwari. Fuma iyi iri muzita rako neraIshe Jesu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma yesere ndima yegumi nenomwe. Iwe wakazvarirwa munyika yaMwari iyi. Kureva kuti yava yako. Uye Mwari vakakupa nyika yacho.

Nzwisisa nyika yawava kugara. Tonga zvinhu zvenyika ino. Taura semunhu ane masimba. Rarama semunhu ari kutonga. Farira vanhu. Svitsa maropafadzo kuvanhu. Usarega Satani achisimudza musoro. Asi iwe hauna kungozvarirwa munyika yaMwari. Nyika iyi yakaiswavo mumoyo mako musi uyu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naIshe Jesu. Tinoverenga mashoko avo muna Ruka yegumi nenomwe ndima yemakumi maviri neimwe. Inoti, Saka vanhu havangati, Hushe hwaMwari uho! Nokuti huri mukati menyu. Hahusi kunze. Saka rarama wakashinga. Uchitaura samambo. Taura kuti ndiwe muridzi wenyika yaMwari. Uye kuti iwe ndiwe uri kutonga munyika iyi. Mwari vanofara kukuvona uchitonga kudai.

Pupura Uchiti
Ndiri muridzi wenyika yaMwari. Ini ndakapinzwa munyika iyi. Inyika yeVamwari. Simba renyika iyi ndiro randava kushandisa pakurarama kwangu. Ndinorarama mukururama. Ndava nerugare. Ndava muna Mweya Mutsvene. Saka ndava kugara ndichifara. Ndinotonga panyika pano. Ndinotonga kudai ndichishandisa zita raMuponesi Jesu. Hareruya!

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Ruka 17 ndima 21
Ruka 12:32 NIV
Vakorose 1 ndima 1213

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/cpEYC48vkMCJlDJHOf8s45vaH?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/9qnXC58wlNC06X0COhXskuLB9?domain=bit.ly