Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 

Taura Mashoko AMwari

Muvhuro, 16 Gunyana 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi Jesu vakapindura. Vakati, Kwakanyorwa kuchinzi, Munhu haangararami nechingwa chete. Asi namashoko ose anobuda mumuromo maMwari (Matiyo 4 ndima 4).

Mundima iyi mune shoko rinoti, mashoko. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, Rhema. Shoko iri rinoreva mashoko. Aya mashoko aMwari hawo. Asi Mwari havasi ivo vanenge vari kutaura mashoko aya. Munhu ndiye anenge ari kuataura. Asi anenge aapiwa naMwari. Izvi ndizvo zvaunofanira kuita. Une mashoko aunofanira kutaura. Asi mashoko acho anofanira kunge abva kuna Mwari. Unofanira kunge waapiwa naMwari.

Ini ndakakasira kunzwisisa chinhu ichi. Ndakaziva kuti ndinofanira kutaura mashoko aMwari. Ndiko kuti ndigone kugadzirisa zvinhu zvangu. Saka Mwari vangataura havo mashoko. Izvozvo zvoga hazvina zvazvinogadzirisa panyika. Ini ndinofanira kutora mashoko avo aya. Ndoataura ndomene. Ndiko kuti zvinhu zvigadzirisike panyika pano. Saka kuda pangaita zvinhu. Zvinhu zvacho zvingava zviri kutsvaka kukukanganisa. Tanga wanzwa zvinotaura Mweya Mutsvene. Wobva wataura mashoko aMweya Mutsvene aya. Mashoko aya ndiwo anozogadzirisa zvinhu zvako.

Saka namata nendzimwe ndimi. Mweya wako unobva wamuka. Uchitanga kunatsa kunzwa zvinotaurwa naMwari. Ramba wakateerera kudaro. Uchazonzwa mashoko chaiwo aunofanira kutaura. Iwe wobva wataura mashoko aya. Mataure wakashinga. Uchiziva kuti Mwari ndivo vanenge vari kutotaura.

Rangarira zvakambotaurwa naMwari. Vakanga vari kutaura izvi kuna Mosesi. Vakamutaurira pavakanga vari kumupa Aroni. Vaimupa Aroni uyu kuti amubatsire. Tinoverenga mashoko acho muna Ekisodho 4 ndima 15 kusvika 16. Inoti, Ndiye wauchataura naye iyeye. Uchamupa mashoko ekutaura. Saka ini ndichava nemuromo wako. Ndichavazve nemuromo wake iye. Ndichikudzidzisa zvaunofanira kuita. Ndiye achataura kuvanhu. Achitaura akakumiririra. Ndiye achava muromo wako. Iwe uchava saMwari kwaari. Saka munhu angagamuchira mashoko kubva kuna Mwari. Munhu uyu ndiye anenge aine Shoko raMwari. Saka anenge akaita saMwari. Anenge akamira pachinzvimbo chaMwari. Asi pangazoita mumwe anozotaura shoko iri kuvanhu. Munhu uyu ndiye anenge achiita semuvoni. Ndiye anenge akamira pachinzvimbo chemuvoni.

Asi munhu wacho anogona kunge achingova mumwe chete. Oita iye anogamuchira Shoko raMwari. Achizoritaura ari iye. Mwari ndizvo zvavaida kuti Mosesi aite. Ndiye aifanira kugamuchira Shoko raMwari. Ndiye aifanira kuzoritaura kuvanhu. Kureva kuti ndiye aifanira kutaura mashoko aMwari. Izvi ndizvo zvaunofanira kuitavo iwe. Taura mashoko aMwari. Ndiko kuti ukurire zvinhu zvenyika ino. Ndiko kuti ukurire muvengi. Ndiko kuti ukurire zvose zvaungasangana nazvo.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Munondipa shoko renguva imwe neimwe. Iroro shoko rinobata zvinenge zviri kuitika panguva ipi neipi. Nokudaro ndinokunda saMwari. Ndinokunda kudai zuva rimwe nerimwe. Ndinonamata nendimi. Ndinobva ndavona zviri mumweya. Ndichiwana Shoko renyu. Ndichizotaura Shoko iri ndakashinga. Ndichiziva kuti rinoshanda. Ndichiziva kuti Shoko iri rine simba. Rinogona kugadzirisa zvinhu. Richiita kuti zvinhu izvi zviwirirane nezvamakaronga imi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 10 ndima 8
VaEfeso 6 ndima 17
Isaya 55 ndima 11
Vahebheru 4 ndima 12

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church