English Shona 

Chiropafadzo Ndicho Chinokusiyanisa NeVanhu

Chitatu, 17 Gunyana 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi, uye haawedzeri matambudziko kwahuri (Zvirevo 10 ndima 22).

Ungava wakadzidza hako. Ungava wakazvarwa mumhuri yakafuma. Ungava unozikanwa zvikuru. Asi izvozvo hazvisi izvo zvinokuita munhu akasiyana nevanhu venyika ino. Iwe unofanira kuva nechiropafadzo chaIshe. Ichocho ndicho chinokusiyanisa nevanhu venyika ino. Chiropafadzo chinoshanda mumweya. Ndicho chinogadzirisa zvinhu zvako mumweya. Chichiita kuti zvinhu zvako zvifambe zvakanaka. Zvichizoita kuti ubudirire. Fuma yako ichizogara ichiwedzera kuwanda. Zvino iwe ungava mwana waMwari. Izvi zvinoreva kuti unotova nechiropafadzo ichi.

Kune vanhu vakaropafadzwa naMwari. Mapisarema yekutanga ndima yetatu inotsanangura munhu uyu. Inoti munhu uyu akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi; unobereka muchero wawo panguva yawo; uri muti usingaumi mashizha. Zvose zvaanoita zvinobudirira. Mwari ngavakudzwe saMwari. Mwari vakaropafadza Abhurahama. Vakanga vari kutomuwedzera masimba ipapo. Vachiita kuti agone kufuma. Uye akurire dzinyika. Vagaratiya yetatu ndima yepfumbamwe inotaura ichiti, Kureva kuti vaya. Vari veruvimbo. Ndivo vanoropafadzwa pamwe chete naAbhurahama. Iyeye wokutendeka. Ndima iyi ine vanhu vairi kutaura nezvavo. Iwe uri mumwe wevanhu ava.

Chiropafadzo ichi chine mashandiro acho. Hachigoni kutsanangurwa. Hachigoni kunzwisiswa nevanhu venyika ino. Chiropafadzo chacho ndicho chakafumisa Isaki. Isaki uyu akafuma mugore raisanaya mvura. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Genesi yemakumi maviri netanhatu ndima yegumi nembiri kusvika yegumi nena. Inoti, Isaki akadzvara mbeu munyika iyi. Munda mumwe chete ukamupa goho reminda zana. Jehovha vakamuropafadza zvikuru. Murume uyu akava mukuru kwazvo. Akabudirira. Akaramba achiwedzera masimba. Kusvika ava munhu mukuru kwazvo. Nokuti akanga aine fuma zhinji. Yemakwai. Yemombe. Nevaranda vakawanda chaizvo. Vafirisitiya vakatanga kumunzwira godo. Chiropafadzo ichi ndicho chaivavo muhupenyu hwaJakobho. Ndicho chakaita kuti akurire Rabhani. Akamukurira kunyangwe Rabhani wacho raiva tsotsi. Izvi ndizvo zvatinovona muna Genesi yemakumi maviri nepfumbamwe ndima yemakumi maviri neimwe kusvika yemakumi matatu neimwe. Tichizvivona zvekare muna Genesi yemakumi matatu ndima yemakumi maviri neshanu kusvika yemakumi mana nenhatu.

Josefa aivavo nechiropafadzo ichi. Iye akaga ari nhapwa muimba yaPotifa. Asi chiropafadzo ichi chakaita kuti apedzisire ava iye gurukota guru renyika yeEgipita. Chiropafadzo ichi chinoshanda. Hachimiriri kuti zvinhu zvitange zvanaka. Ndicho chinotoita kuti zvinhu zvinake. Chinoita kuti ubudirire. Uchibudirira kudai kunyanwe uri kurwiswa. Chichiita kuti upenye. Uchipenya kudai munzvimbo dzine rima guru. Zvino kuda iwe wakazvarwa kechipiri. Wava nechiropafadzo ichi. Saka uhu ndihwo hwavavo hupenyu hwako. Wakapiwa maropafadzo ose epamweya. Iwo aya ari kumatenga. Achiwanikwa muna Muponesi. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vaefeso yekutanga ndima yetatu.

Chirarama semunhu anoziva kuti akaropafadzwa naMwari. Taura semunhu akaropafadzwa. Pota uchitaura kuti wakaropafadzwa. Chiropafadzo hachisi chinhu chekufungidzira. Chinotovonekwa pamunhu. Munhu angava akaropafadzwa. Anozogara ari mutano. Achishandisa mazano aMwari pakurarama kwake. Achifarirwa naMwari. Zvinhu zvake zvichingomufambira zvakanaka. Achigara achiwana zvose zvaanoda. Munhu uyu anozogaravo achibatsirwa nevanhu. Achisimudzirwa pavanhu.

Zvinhu zvingava zvakawoma munyika yako. Asi izvovzo hazvigoni kukukanganisa. Zvinhu zvenyika ino hazvigoni kukukanganisa. Hurumende yako yava yekudenga. Haichisiri yepano panyika. Saka wava nemaropafadzo ose aMuponesi. Ndiko kusaka wakasiyana nevanhu venyika ino. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa maropafadzo ose. Iwo maropafadzo aya ari mumweya. Iwayo anowanikwa kumatenga. Achiwanikwa muna Muponesi Jesu. Ini ndine chiropafadzo. Chiropafadzo ichi ndicho chnondibatsira. Chinoita kuti fuma yangu igare ichiwedzera. Ini ndichigara ndiri mutano. Ndichishandisa mazano aMwari pakurarama kwangu. Ndinoshandisa masimba eVamwari pakurarama kwangu. Saka ndinobudirira pane zvose zvandinoita. Uye ndinogara ndiine rugare. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 10 ndima 22
Vagaratiya 3 ndima 29
Vaefeso 1 ndima 3

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/cpEYC48vkMCJlDJHOf8s45vaH?domain=rhapsodylanguages.tniglobal.org/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://url.za.m.mimecastprotect.com/s/9qnXC58wlNC06X0COhXskuLB9?domain=bit.ly