Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 


Hatitauri SeVanhu VeNyika Ino

China, 19 Gunyana 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zvino isu zvatine mweya mumwe chete iwoyu. Weruvimbo. Sezvazvakanyorwa zvichinzi, Ndakazvigamuchira. Ndiko kusaka ndakazozvitaura. Isu takazvigamuchiravo. Ndiko kusaka tichitaura kudai (2 Vakorinde 4 ndima 13).

Pauro ane mashoko aakambotaura. Akanga ari kutaura kune vamwe Vakristu. Vakristu ava vakanga vari vepaKorinde. Pauro aiti Vakristu ava vairarama sevanhu venyika ino. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Vakorinde 3 ndima 1 kusvika 3. Vakristu ava vaitaura sevanhu venyika ino. Ndiko kusaka Pauro akati vairarama sevanhu venyika ino. Iwe ungava mwana waMwari. Une fuma yawakapiwa naMwari. Fuma iyi iri muRuponeso. Saka unofanira kutaura semunhu ane fuma iyi. Unofanira kuva netsika yenyika yedu. Iyo nyika iya iri kudenga.

Asi kune vanhu venyika ino. Vanhu ava vanotaura zvinhu zvenyika ino. Vanotaura sevanhu vanotya. Vanotaura sevanhu vasingavimbi naMwari. Asi isu hatitauri nenzira iyi. Tinotaura sevanhu vanovimba naMwari. Takagamuchira Shoko raMwari. Ndiko kusaka tichiritaura. Mwari ngavakudzwe saMwari. Shoko raMwari ndiro chokwadi. Ndiro rinotaura zviripo chaizvo. Saka iwe ungataura Shoko raMwari. Shoko iri ringava riri kutaura pamusoro pechimwe chinhu. Zvarinotaura izvi ndizvo chaizvo zvinenge zviri chinhu ichi.

Musoro wako ungava uri kutema. Kana kuti ungava uri kurwadziwa mumuviri mako. Usataura uchiti, Ndine musoro unotema. Kana kuti, Ndine chirwere cheropa. Usataura uchidero. Dzinga marwadzo aya. Wotaura uchiti, Ini ndiri munhu weropa reVamwari. Saka ndinogara ndiri mutano. Ndakasimba. Mweya Mutsvene vava kugara mumuviri wangu. Saka hapana chirwere chingagara mumuviri wangu.

Unenge uri kutotaura chokwadi kana uchidai. Unenge uri kutaura zvaunazvo chaizvo. Izvo zviya zvawakawana muna Muponesi. Mwari havana kukupa zvirwere. Havana kukupa marwadzo. Havana kukupa hurombo. Havana kukupa hutera. Havana kukupa rufu. Saka usataura semunhu ane zvinhu izvi. Taura zvawakapiwa naMwari. Izvi ndizvo zvatinotaridzwa muna 1 Vakorinde 2 ndima 12 kusvika 13. Ndima iyi inoti, Zvino isu hatina kupiwa mweya wenyika ino. Asi mweya waMwari. Kuti tigone kuziva zvinhu zviya. Zvatakapiwa naMwari. Vachitipa pasina mubhadharo. Zvinhu izvi ndizvo zvatinotaura. Tisingashandisi mashoko anobva panjere dzevanhu. Asi atinodzidziswa naMweya Mutsvene. Tichishandisa mweya yedu kunzwisisa zvinhu zvemweya.

Isu takapiwa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava vanotibatsira. Ndivo vanoita kuti tizive zvatakapiwa naMwari. Ndivo vanoita kuti tinzwisise zvinhu izvi. Mwari vakangotipa zvinhu izvi. Havana kutibhadharisa. Zvinhu izvi ndizvo zvaunofanira kutaura. Saka zvawakapiwa naMwari zvacho ndezvipi? Wakaitwa weropa raMwari. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Johane 5 ndima 11 kusvika 12. Wakapiwa mazano avo. Wakapiwa kururama kwavo. Wakapiwa Humwari hwavo. Wakapiwa rudzikinuro rwavo. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Vakorinde 1 ndima 30. Mwari vakakupa zvinodiwa pahupenyu huno. Nezvinodikanwa mumweya. Vakakupa zvinhu izvi ZVOSE. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 2 Pita 1 ndima 3.

Zvinhu izvi ndizvo zvaunofanira kutaura. Wava muna Muponesi. Wakashanduka rudzi. Saka gara uchitaura rudzi rwako. Gara uchitaura fuma yawava nayo. Gara uchitaura zvawava kugona kuita. Taura semunhu anovimba naMwari. Taura semunhu ane simba. Hareruya!

Pupura Uchiti
Mweya Mutsvene vakarovedzera rurimi rwangu. Ndava kugona kutaura mutauro wenyika yaMwari. Ndinotaura zvinowirirana neShoko raMwari. Ndinotaura semunhu ane masimba ose. Ndinotaura zvandakapiwa naMuponesi chete. Zvinhu izvi zviri muRuponeso. Ndezvemunyika yedu yekudenga. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 VaKorinte 3 ndima 1 kusvika 3
VaRoma 8 ndima 6
1 VaKorinte 2 ndima 12 kusvika 13 NKJV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church