English Shona 

Nzwisisa Zvinhu Zvemweya

Chishanu, 19 Gunyana 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ndichishuva kuti Mwari vaIshe wedu Jesu Muponesi. Ivo Baba veVamwari vose. Vakupei mweya wenjere. Vavhure meso emweya yenyu. Mugone kuvaziva (Vaefeso 1 ndima 17).

Iwe unofanira kunzwisisa zvinhu zvemweya. Mweya wako unofanira kunzwisisa zvinhu zvaMwari. Magwaro anosimbisa izvi. Tinozvivona muSungano yeKare. Tinozvivonavo muSungano Itsva. Imwe yendima idzi ndiZvirevo yegumi neimwe ndima yapfumbamwe. Inoti, kubudikidza nezivo akarurama anopunyuka. 2 Pita yekutanga ndima yepiri kusvika yetatu inoti, Wedzerai kuziva Mwari. Wedzerai kuziva Jesu Ishe vedu. Ndiko kuti muve nenyasha dzakawanda. Nerugare rwakawanda. Kuziva ivo vakatitora kuti tive vanhu verudzi rwavo. Vakakwana. Kwakaita kuti simba ravo reVamwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari.

Mweya wako ndiwo unofanira kunzwisisa Shoko raMwari. Ndiko kuti ugone kukurira zvinhu zvenyika ino. Haufaniri kungoziva Shoko iri nepfungwa dzako. Mweya Mutsvene vanofanira kurijekesera mweya wako. Izvozvo ndizvo zvinozoita kuti ukurire zvinhu zvenyika ino. Uchizogona kuzvitonga. Pauro ane munamato waakambonamata. Akanga ari kunyengeterera Vatsvene vepaEfeso. Munamato uyu ndiwo watavhura nawo. Iye anonamata kuti Vatsvene ava vapiwe mweya wenjere. Uye kuti vavhure meso emweya yavo. Mweya wako unofanira kujekerwa. Unofanira kujekerwa naMweya Mutsvene. Ndiko kuti ugone kuvona. Uchivona zvawakapiwa naMwari. Zvisizvo haugoni kushandisa zvinhu izvi pakurarama kwako.

Haugoni kutora zvausingazivi. Pangava nezvinhu zvausati wakambovona nemweya wako. Iwe haugoni kushandisa zvinhu zvakadai. Asi wakapiwa maropafadzo eRuponeso. Wakaapiwa ose. Asi mweya wako unofanira kuvona maropafadzo aya. Ndiko kuti ashande muhupenyu hwako. Gamuchira Magwaro. Matore seakanyorerwa iwe. Ungaverenga Shoko raMwari. Usariverenga semamwe magwaro ose ose. Riverenge seShoko benyu. Riverenge seShoko rakanyorerwa iwe.

Shoko raMwari ndiro rinotsanangura zvauri chaizvo. Ndiro rinokuzivisa rudzi rwako. Ndiro rinokuzivisa tsika dzako. Ndiro rinokuzivisa masimba awava nawo. Richikuzivisa zvekare kuti iwe wava muna Muponesi. Uye kuti wava Mumwari. MuBhaibheri mune tsamba dzirimo. Tsamba idzi dzakanyorwa nenhume dzaJesu. Tsamba idzi dzinotsanangura chisikwa chitsa. Dzidza tsamba idzi. Ugokumbira kuti Mweya Mutsvene vakubatsire kunzwisisa tsamba dzacho. Iwe ungazonzwisisa tsamba idzi. Dzinozoshandura mafungiro ako.

Mweya wako unofanira kunzwisisa Shoko raMwari. Ndiko kuti ugone kuvimba naro. Saka mweya wako unganzwisisa chokwadi chaMwari. Iwe unozotaura chokwadi ichi. Unozochitaura wakashinga. Minana ichizoitika. Uchizokurira zvinhu zvenyika ino. Uchiwana mufaro usingaperi. Nerugare. Nefuma zhinji.

Saka Shoko raMwari harifaniri kunge richingova mumusoro mako chete. Rinofanira kunge riri mumweya wako. Ndiko kusaka pfungwa dzako dzichifanira kugara dziri paShoko raMwari. Uchigara uchiridzeya mumoyo mako. Uchitandara naMweya Mutsvene. Mweya wako unozopedzisira wava kunzwisisa Shoko raMwari. Uchizonzwisisa zvinofadza Mwari. Uchizonzwisisavo zvinhu zvmweya. Hareruya.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa mweya wenyere. Makaitavo kuti ndigone kunzwisisa zvinhu nemweya wangu. Saka ndava kugona kunzwisisa rudzi rwangu chairwo. Pamwe nemasimba andava nawo. Ndichitonga zvinhu zvenyika ino. Ndichikurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndiine kururama kuri muna Muponesi Jesu. Ndinokutendai. Mavhura meso emweya wangu. Saka ndava kugona kushandisa Shoko renyu pakurarama kwangu. Ndichiwana minana. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vaefeso 1 ndima 1719
Johane 16 ndima 1315
Johane 8:32

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church