7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
English
Shona
Shumira Mwari NeMweya Wako
Muvhuro, 3 Mbudzi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Mwari vandinoshumira nemweya wangu. Ndichifambisa ruponeso rweMwanakomana wavo. Ndivo vanondipupurira. Kuti ndinogara ndichikunyengetererai pose pandinonamata (Varoma 1 ndima 9).
Pauro ndiye akanyora tsamba kuVaroma. Ane zvaanonyanya kusimbisa muchitsauko chayo chekutanga. Anosimbisa nyaya yekushumira Mwari nemweya. Izvi ndizvo zvatavona mundima yatavhura nayo. Isu tinofanira kunzwisisa zvinhu zvemweya. Tinofanira kuzvinzwisisa pakushumira kwedu Mwari. Izvi ndizvo zviri kusimbiswa mundima iyi.
Pauro haana kuti aishumira Mwari nepfungwa dzake. Haana kuti aishumira Mwari nemuviri wake wenyama. Akati aivashumira nemweya wake. Izvozvo zvakakosha chose. Nokuti hupenyu hweVamwari hunoraramiwa mumweya. Isu tinoshumira Mwari nemweya yedu. Uye simba raMweya Mutsvene ndiro ratinofanira kushandisa pakushumira uku. Ndiko kuti Mwari vagamuchire kushumira kwedu uku. Pauro akanga asiri kutaura nechibhende mundima iyi. Akanga ari kutotitaridza kuti mabasa aMwari anoitwa sei.
Unofanira kushumira Mwari nemweya wako. Munhu wako wemukati ndiye anenge ari kutoshumira Mwari kana uchidai. Unenge uri kushandisa Shoko raMwari. Uchidyidzana naMweya Mutsvene mukushumira kwako uku. Unenge usiri kushandisa pfungwa dzako. Unenge usiri kungoshandisa simba rako renyama. Unenge uri kushumira semupiri. Munhu wako wemukati ari iye ari kuita basa iri. Ndima iyi inozotaura ichiti, ndinogara ndichikunyengetererai pose pandinonamata. Mweya wake ndiwo wainamatavo kudai. Iye ainyengetera neshungu. Achinzwisisa zvinhu zvemweya.
Pauro haana kugumira ipapo. Anowedzera mundima yegumi nembiri yacho achiti, Kuti ruvimbo rwenyu muna Mwari. Neruvimbo rwanguvo. Rutinyaradze tose. Imi. Neni. Tiri pamwe chete. Apa akanga ambotaridza kuti aishuva kuvona Vatsvene vepaRoma. Tinovona izvi mundima yegumi neimwe yacho. Inoti, Nokuti ndinoshuva zvikuru kukuvonai. Kuti ndiise mumweya yenyu chipo chemweya. Kuti musimbiswe. Mutsige. Pauro akanga asiri kumanikidza Vatsvene ava kugamuchira chipo ichi. Vakanga vakafanira kuchigamuchira voga. Vachichigamuchira sevanhu vaivimba naMwari.
Pauro akanga ari kuenda kunosimbisa Vatsvene ava. Asi ivo vakanga vari kuzomunyaradzavo. Kuvimba naMwari kwavo ndiko kwakanga kuri kuzomunyaradza kudai. Izvozvo ndizvo zvakanakira kudyidzana naMweya Mutsvene. Ndizvo zvinoitika patinoshumira Mwari nemweya yedu. Tinopanana nyasha dzaMwari. Tinobatsirana kunzwisisa Mwari. Hareruya.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti mweya wangu ugone kukushumirai. Ndichibatsira kuti Ruponeso rusvike kuvanhu. Mweya Mutsvene vanoshanda muhupenyu hwangu. Ini ndinonzwisisa kushanda kwavo uku. Vachindibatsira kusvitsa maropafadzo eRuponeso kuvanhu. Ndinonzwisisa mazano avo. Ndinovanzwa pavanonditungamirira. Ndinoziva nyasha dzavo. Ndinoshandisa simba raMweya venyu pakurarama kwangu nhasi. Ndinobereka zvibereko zvekururama. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 1 ndima 9 kusvika 12
Varoma 12 ndima 11
Vafiripi 3 ndima 3
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church