7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Shona 

Gara Mweya Wako Wakamuka

China, 6 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Pita akanga achiri kufunga zvaakanga avona. Mweya Mutsvene vakabva vataura kwaari. Vakati, Pane varume vatatu. Vari kukutsvaka (Mabasa 10 ndima 19).

Iwe ungava Mumwari. Mweya wako unofanira kugara wakamuka. Zvisizvo ungasazonzwa inzwi raMweya Mutsvene. Ivo vangazotsvaka kukusunda kuita zvinhu. Asi iwe ungasazozvinzwa. Mweya Mutsvene vanofanira kugona kukutungamirira. Ndiko kuti ugone kutendeusira vanhu kuna Mwari. Saka mweya wako unofanira kugara wakamuka. Uchiteerera zvinotaura Mweya Mutsvene.

Mabasa yegumi ine nhoroondo yainotipa. Iyi inhoroondo yezvakaitika kuna Pita. Pita uyu akanga ari kunamata. Ainamata ari muimba yepamusoro. Mwari vakabva vavhura meso emweya wake. Akabva atanga kuvona chinhu. Chinhu chacho chaiva mumweya. Chakanga chakaita serupasa. Paruri pakanga paine mhuka. Idzi dzaiva mhuka dzakanga dzakanhora. Pita akabva anzwa inzwi. Inzwi racho rakati, Pita. Uraya mhuka idzi. Udye. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Mabasa yegumi ndima yegumi nenhatu. Pita akataridzwa mhuka idzi katatu kose. Achidzokorora kuudzwa mashoko aya.

Mweya Mutsvene vane zvavaida kuti Pita avone apa. Ivo vaida kuti aende kunoponesa Koniriyasi. Uyu akanga ari muvuto weChiroma. Ari mutungamiriri wevarwi zana. Koniriyasi uyu akanga atotuma vanhu kuna Pita uyu. Akanga avatuma kuzotora Pita uyu. Mabasa yegumi ndima yegumi nenomwe kusvika makumi maviri yacho inozoti, Pita akanga achakavhiringika. Asiri kunzwisisa zvaakanga avona izvi. Ndipo pakasvika varume vaya. Avo vakanga vatumwa naKoniriyasi. Varume ava vakamira pamusuwo. Pita akanga achiri kufunga zvaakanga avona. Mweya Mutsvene vakabva vataura kwaari. Vakati, Pane varume vatatu. Vari kukutsvaka. Chisimuka. Uburuke. Uende navo. Usanetseka hako. Nokuti ndini ndavatuma.

Mweya Mutsvene ndivo vakanga vari kutaura kuna Pita. Vakamuudza chaizvo zvaaifanira kuita. Pita uyu akanga ari kunamata. Izvozvo zvakamubatsira kunzwa inzwi raMweya Mutsvene. Izvi zvakazoita kuti Koniriyasi aponeswe. Akazoponeswa pamwe nemhuri yake yose. Vose ava vakabva vagamuchiravo Mweya Mutsvene. Ko, deno Pita akanga asina kuteerera Mweya Mutsvene apa? Ko, deno akaverengera? Koniriyasi aizoponeswa here?

Iwe unofaniravo kugara uchinamata. Pfungwa dzako dzinofanira kugara dziri paShoko raMwari. Shoko iri rinofanira kugara riri mupfungwa dzako. Uchiridzeya mumoyo mako. Uchigara uchitandadzana naMweya Mutsvene. Izvi zvinozoita kuti mweya wako ugone kunzwa inzwi raMweya Mutsvene. Ivo vachizogona kukutungamirira nyore.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rinovhura meso emweya wangu. Mweya Mutsvene vanovhuravo meso emweya wangu. Mweya wangu wakamuka. Ndinonzwa pose pamunonditungamirira. Ndinoshandira mumweya. Ndinonzwa inzwi renyu. Ndinoita zvamunenge mandiraira. Handiverengeri kuzviita. Ndiri chapupu chenyu. Ndinogara ndichitungamirirwa naMweya Mutsvene. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 14
Zvirevo 20 ndima 27
Mabasa 13 ndima 2
Mabasa 11 ndima 7 kusvika 12

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church