7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Shona 


Tsvaka Kuparidzira Vanhu Vaunosangana Navo

Chishanu, 7 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Mweya Mutsvene vakabva vataura kuna Firipi. Vakati, Swedera pedo. Ukwire mungoro iyo (Mabasa 8 ndima 29).

Mweya Mutsvene ndivo Murongi Mukuru. Isu tingada kutendeusira vanhu kuna Mwari. Mweya Mutsvene ava ndivo vanotitungamirira pabasa iri. Vanotitungamirira vari mukati medu. Vachiita kuti tigone kutendeusa vanhu. Ndivo vanotipa mashoko ekutaura. Ndivo vanotiudza chaizvo zvekuita. Vanotivhurira mikana yekuparidzira vanhu. Vachitarisira kuti isu tichaona mikana iyi. Tigoparidzira vanhu vacho.

Izvi ndizvo zvavakaitira Firipi. Ipo paya pavakamutungamirira kuparidzira muranda weEtiyopiya. Tinoverenga nhoroondo yacho muna Mabasa yesere. Firipi ane ngirozi yaakanga asangana nayo. Ngirozi yacho yakanga yamuraira kuenda pane imwe nzvimbo. Iye akaenda kunzvimbo iyi. Mweya Mutsvene vakabva vamuraira zvekuita. Izvi ndizvo zvataverenga mundima yatavhura nayo. Yati, Swedera pedo. Ukwire mungoro iyo.

Apa Mweya Mutsvene vakataura zvakajeka. Vakati, Swedera pedo. Ukwire mungoro iyo. Asi Firipi akabva anzwisisa zvaafanira kuita chaizvo. Iye aiva munhu aigara achitsvaka kuparidzira vanhu. Saka haana kubvunza achiti, Ndapinda mungoro yacho. Munoda kuti ndichiita sei? Zvekare, haana kuverengera. Akabva atanga kutaura nemuranda weEtiyopiya uya. Achimutsanangurira Magwaro. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mabasa yesere ndima yemakumi maviri kusvika makumi matatu nepfumbamwe. Izvi ndizvo zvinoitwa nezvapupu zvaJesu.

Iwe ungava unonzwisisana naMweya Mutsvene. Ivo havazofaniri kukuudza zvose zvekuita. Iwe woga unozongoziva zvekuita. Mweya Mutsvene vanongokuvhurira mikana chete. Iwe unobva watoziva zvekuita. Izvi ndizvo zvakaitwa naFiripi apa. Ndizvo zvaunofaniravo kuita iwe. Gara uchitsvaka kutendeusira vanhu kuna Mwari.

Izvi ndizvo zvandinogara ndichiita. Ndingasangana nemunhu. Ndinobva ndatotanga kutaura nedzimwe ndimi. Ndichitaura kudai nezevezeve. Ndichinamata kuti munhu uyu agamuchire Ruponeso. Ndingazotanga kutaurirana nemunhu wacho. Handizoverengeri. Ndinobva ndatotanga kumuparidzira. Ndinogona kubva ndatomubvunza ndichiti, Wakagamuchira Mweya Mutsvene here iwe? Kana kuti, Wakazvarwa kechipiri here iwe?

Handidi kungotaura nyaya nevanhu. Ndinoda kusiya ndavazivisa nezvaJesu. Izvozvo zvakakosha. Nokuti ndinogona kusazowana mumwe mukana wekuvaparidzira. Uyu ndiwo unogona kunge uriwo mukana woga wekuti vanzwe shoko reRuponeso. Saka Mweya Mutsvene vangakusunda kutaura nemunhu. Usaverengera. Ibva watotaura nemunhu wacho. Taura naye wakashinga. Uchinzwisisa kuti Mwari ndivo vanenge varonga kuti utaure nemunhu uyu.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava vanogara mandiri. Ndivo vanonditungamirira pazvinhu zvose. Ini ndinovanzwa pose pavanotaura neni. Vachindipa mikana yekuparidzira vanhu. Mweya Mutsvene vanogara vachindipa mikana yekuparidzira vanhu. Ini handiregi kuparidzira vanhu pakadai. Ndinovaparidzira ndakashinga. Ndichishandisa mazano avo. Ndichiunza vanhu ava kwamuri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa 8 ndima 29 kusvika 35
Johane 4 ndima 4 kusvika 14