7.am is finding a new home!We're moving to
RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.
Paridzira Vanhu. Ndiko Kusaka Uri PaBasa Ipapo
Mugovera, 8 Mbudzi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Sirasi naTimotiyasi vakazouya. Vakanga vachibva Makedhoniya. Shungu dzaPauro dzakanga dzava dzekuparidzira Vajudha. Saka akatanga kuvapupurira. Achivazivisa kuti Jesu ndivo Muponesi (Mabasa 18 ndima 5).
Pauro munhu aitendeusira vanhu kuna Mwari. Akanga ari nyanzvi pabasa iri. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mabasa yegumi nesere. Ruka ndiye anotitaridza izvi. Mweya Mutsvene ndivo vakamushandisa kutinyorera izvi. Apa Pauro akanga asvika paKorinde. Akabva asangana naAkwira. Akwira uyu akanga aina Pirisira. Vaviri ava vakanga vari Vajudha. Vakanga vachangotamira kuKorinde uku. Vakanga vabva kuItari. Vaviri ava vaigadzira matehwe. Matehwe acho akanga ari ekugadzirisa misasa. Iri ndiro basa raiitwavo naPauro. Saka akabatana nevaviri ava. Ndokushanda pamwe chete navo.
Pauro haana kungosarudza kushanda nevaviri ava. Iri raitova zano reVamwari. Iye akanga ari kutotsvaka kusangana neVajudha vepaKorinde apa. Saka aiita svondo rose achiita basa iri. Ozoenda kuimba yekunamatira. Aienda kuimba iyi musi weChisi chaShe. Aisvikotaurirana nevanhu ikoko. Vamwe vacho vakanga vari Vajudha. Vamwe vakanga vari Vagiriki. Aitaurira vanhu ava nezvaMuponesi. Saka basa iri ndiro raimusanganisa nevanhu vose ava. Achizovazivisa nezve Ruponeso.
Chimwe chinhu chakabva chazoitika. Sirasi akabva auya kuKorinde. Akauya pamwe chete naTimoti. Vaviri ava vakanga vari kubva kuMakedhoniya. Mweya waPauro wakabva wamutswa. Akabva anzwa shungu dzekuparidzira vanhu. Achivazivisa kuti Jesu ndivo vakanga vari Muponesi wacho. Ndivo vakanga vakapiwa zita raMwari. Apa zvinhu zvakanga zvashanduka. Kuuya kwaana Sirasi kwakanga kwapa Pauro manyawi. Saka akanga asisadi kuramba achinyengetedza vanhu. Akanga ava kuda kungovabudira pachena.
Ndiko kusaka uchifanira kuva neshamwari dzakanaka. Idzo shamwari dzina Mweya Mutsvene. Dzine shungu dzekuparidzira vanhu. Shamwari dzakadai dzinozoita kuti ushinge. Mweya Mutsvene vachizokusunda kuparidzira vanhu. Iwe unozowana simba. Unozoshinga kuparidza Ruponeso.
Akwira naPirisira vakatozosimbiswavo. Ivo vakanga vari kungoshanda havo naPauro. Asi ndivo vakatozoshumira kuna Aporosi. Vakamubatsira kugamuchira Mweya Mutsvene. Vanhu ava vakanga vachingoshanda vose. Asi vakazopedzisira vava kushumira kuvanhu.
Mwari ndivo vanokusanganisa nevanhu. Vanenge vachida kuti usvitse Ruponeso kuvanhu ava. Mweya wako ngaugare wakamuka. Wakangwarira kuparidzira vanhu vaunosangana navo. Uchivazivisa kuti Jesu ndivo Ishe. Mweya wako ngaugare uchipenya. Iwe hausingori gweta. Hausingori kushanda mubhanga. Hausingori mutungamiriri wevanhu. Hausingori chiremba. Hausingori wenhabvu. Uripo kutendeusira vanhu kuna Mwari. Mwari ndivo vakakutuma kuita basa iri. Basa rako riripo kukusanganisa nevanhu. Iwe unofanira kubva washandura hupenyu hwevanhu ava.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ndimi munondisanganisa nevanhu. Muchiita kuti ndisvitse Ruponeso kuvanhu ava. Mweya Mutsvene vanonditungamirira. Vachiita kuti nditaure nevanhu vose ava. Ndichishandura hupenyu hwavo. Ndichivataridza kururama kwenyu. Mweya Mutsvene vanondishingisa. Ndivo vari kushanda mandiri nhasi. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 11 ndima 30