7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Shona 


Basa Redu Gurusa

Mugovera, 15 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Jesu vakavapindura. Vakati, Ndine basa. Ndiro randakatumwa kuita. Ndinoda kuita basa iri. Ndiripedze. Ikoko ndiko kudya kwangu (Johane 4 ndima 34).

Mwari vane basa ravakatipa. Iri ibasa rekusvitsa Ruponeso kudzinyika. Tichiita kuti vakawanda vapinde munyika yaMwari. Tiri kupedzisawo basa rakatangwa naIshe Jesu. Isaya yemakumi mashanu ndima yegumi inoti, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake. Ivo Jesu vane mashoko avakatauravo. Tinoaverenga muna Mariko yegumi netanhatu ndima yegumi neshanu. Inoti, Endai munyika dzose. Muparidze ruponeso. Ruparidzei kuzvisikwa zvose. Iri ndiro basa redu gurusa. Rinodarika mamwe mabasa ose atingaita.

Kune vakatanga basa iri. Isu tisu tiri kufanira kuripedzisa. Saka tiri kuzoripedzisa. Hareruya! Takashongedzwa zvakakwana. Hapana vanhu vakamboshongedzerwa basa iri sesu. Takaropafadzwa zvisingabviri. Takaziviswa zvose zvinodiwa. Takataridzwa zviri mumweya. Tine midziyo inodiwa. Tine mari inokwana kuita basa racho. Mwari vakatipa vanhu vangatibatsira. Takapiwa nyasha dzose dzinodiwa. Saka hapana chingatikonesa kuita basa iri. Tine shoko rekuparidza racho. Basa racho rakaiswa mumavoko edu. Tine fuma inodiwa kuriita.

Iwe ungaronga zvekuita kubasa kwako. Kana muhupenyu hwako. Rongavo zvekuita pabasa iri. Ronga kupedzisa kuparidza Ruponeso. Tenzi vaironga vachidai. Izvi ndizvo zvatavona mundima yatavhura nayo. Yati, Ndine basa. Ndiro randakatumwa kuita. Ndinoda kuita basa iri. Ndiripedze. Ikoko ndiko kudya kwangu. Ishe Jesu vane shungu dzavaiva nadzo. Idzi dzakanga dziri shungu dzekupedzisa basa ravakanga vapiwa naMwari.

Ishe vakatitaridza chaizvo zvinodiwa. Tinoverenga izvi muna Matiyo yemakumi maviri nena ndima yegumi nena. Inoti, Shoko iri reruponeso. Iro rinotaura nezvehushe hwaMwari. Richaparidzwa munyika dzose. Richaparidzwa seuchapupu kumarudzi ose. Ndipo pachazoguma nyika ino. Isu tisu tinofanira kuparidza Ruponeso urwu. Takapiwa nyasha dzekuruparidza. Ndakapiwa simba rekuruparidza. Saka hatisi kuzokoniwa kuruparidza. Shoko reRuponeso riri kupinda munyika imwe neimwe. Riri kupinda muguta rimwe nerimwe. Riri kupinda mumusha mumwe nemumwe.

Nguva yako zhinji ngaive yekuparidza Ruponeso. Shandisa simba rako zhinji kuita basa iri. Fuma yako yakawanda inofanira kubatsira kusvitsa Ruponeso kuvanhu. Zvipire kubasa iri. Uchiziva kuti hausi kushandira pasina. Unenge uri kutounza goho guru. Goho racho rinogara nekusingaperi. Nyengeterera vatadzi. Shingaira. Uchifarira vanhu. Mari yako ichibereka zvibereko munyika yaMwari. Isu tisu boka rekupedzisira. Tisu tiri kupedzisa basa iri. Saka iva neshungu dzekuriita. Gara wakazvipira kuna Mweya Mutsvene. Shoko reRuponeso richaputira nyika ino yose. Izvozvo ndizvo zvakataurwa naIshe. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makanditora semunhu akatendeka. Mukandipinza mubasa rekupedzisira iri. Iroro rekupedzisa kuparidza Ruponeso munyika dzose. Ndinoita kuti shoko reRuponeso rikurumbire. Ndinokutendai. Vatsvene vari kushandisa mazano enyu kupedzisa basa guru iri. Vari kushandisa nyasha dzenyu. Vari kuzvishandisa kupedzisa basa ramakatanga. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 4 ndima 34 kusvika 37
VaRoma 15 ndima 18 kusvika 19
Marko 16 kusvika 15

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church