7.am is finding a new home!We're moving to
RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.
Nyika YaMwari. Munda. NeMbeu
Svondo, 16 Mbudzi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Jesu vakavaudza mumwe mufananidzo. Vakati, Tinogona kufananidza hushe hwekudenga nemunhu. Uyu munhu akakusha mbeu yakanaka. Yakanga iri yezviyo. Akaikusha mumunda make (Matiyo 13 ndima 24).
Ishe Jesu vakadzidzisa pamusoro penyika yaMwari. Vakadzidzisa kudai zvakajeka chose. Vaishandisa mifananidzo pakudzidzisa kwavo. Mumwe mufananidzo wacho ndewe zviyo nemasawi. Mufananidzo uyu tinouwana muna Matiyo yegumi nenhatu. Ndiwo watinovona mundima yatavhura nayo. Inoti, Tinogona kufananidza hushe hwekudenga nemunhu. Uyu munhu akakusha mbeu yakanaka. Yakanga iri yezviyo. Akaikusha mumunda make. Ndima iyi inotaura pamusoro pemunhu. Munhu wacho ndiIshe pachavo. Inotauravo pamusoro pembeu yakanaka. Mbeu iyi vana venyika yaMwari. Inotauravo pamusoro pemunda. Munda uyu inyika ino. Izvi ndizvo zvavakazotsanangura.
Izvi zvinoshamisa chose. Ishe vakadzvara mbeu yakanaka. Havana kuidzvara mumunda wemumwe munhu. Vakaidzvara mumunda wavo. Kureva kuti nyika ino munda wavo. Nderimwe dunhu renyika yavanotonga. Ndeyavo. Hazvina basa kuti chii chatinovona panyika nhasi. Hazvina basa kuti zvinhu zvakanyangara panyika sei. Jesu ndivo muridzi wayo.
Muvengi ndiye akauya akadzvara masawi mumunda umu. Akaadzvara vanhu vakavata. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Masawi vana vewakaipa. Muvengi wacho ndiSatani. Izvi ndizvo zvakataura Ishe Jesu. Ndiko kusaka panyika pachiitika zvakanaka nezvakaipa. Zvimwe zvacho zvinotoitika panoitwa basa raMwari.
Ndima yemakumi matatu yacho inoti, Regai zvikure pamwe chete. Tinozozviona pakukohwa. Ndichati vacheki vatange vacheka mashawi. Voavunganidza. Nekuapisa. Vozocheka zviyo. Vachizviisa mudura mangu. Goho iri ndiko kuguma kwenyika ino. Vacheki vacho ingirozi. Saka masawi achaunganidzwa. Agopiswa. Asi zviyo zvichaiswa mudura raMwari. Zviyo ndivo vaya vakarurama. Mwari ngavakudzwe saMwari. Izvi zvinotinyaradza chose.
Isu tisu mbeu yakanaka. Tisu zvizvarwa zvenyika yaMwari. Takadzvarwa mumunda wenyika ino. Tine basa ratiri kufanira kuita munyika ino. Ndiko kusaka tichigona kutaura tichiti, Tisu varidzi venyika ino. Tinototaura kudai takashinga.tinozvitaura nokuti Jesu ndivo muridzi wenyika ino. Jesu ava ndivo Ishe vedu. Ndivo Muponesi vedu. Isu tisu varidzi vefuma yavo yose. Nyika ino iri mumavoko edu. Tisu tinounza chiedza panyika ino. Tiripo kubereka zvibereko zvekururama. Saka ungarwiswa hako. Panyika pangava nerima. Asi nyika ino ndeya Ishe Jesu. Inotova munda wavo. Uye vakakudzvara panyika ino. Saka penya. Tonga samambo. Unza goho. Hareruya!
Pupura Uchiti
Ndinopenya sechiedza. Ndinobereka zvibereko zvekururama. Ndiri mbeu yaMuponesi. Saka ndinotonga mabasa erima. Ndinokutendai Ishe. Makandiita mudziyo weVamwari. Muri kundishandisa kuropafadza vanhu venyika ino. Ndichitendeusira vanhu kwamuri. Ndichivaunza munyika yenyu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Matiyo 13 ndima 24 kusvika 30, 38-40