7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Shona 

Mweya WeMunhu Wakakosha Chose

Muvhuro, 17 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Hushe hwekudenga hwakafanana nemutengi. Uyu mutengi aitsvaka matombo anodhura. Ane dombo raakawana. Dombo racho rakanga richidhura chaizvo. Akabva anotengesa fuma yake yose. Akadzoka, akatenga dombo iri (Matiyo 13 ndima 45 kusvika 46).

Nyika yekudenga yakafanana nemutengi. Iye mutengi uya anotsvaka matombo anodhura. Izvi ndizvo zvakataurwa naIshe Jesu. Mutengi uyu akazowana dombo iri. Akabva atengesa fuma yake yose. Ndokunotenga dombo riya. Izvi zvinotitaridza kuti Mwari vanokoshesa mweya wemunhu. Ivo vanokoshesa mweya mumwe nemumwe wemunhu. Mumwe nemumwe wawo wakakosha seropa raMuponesi Jesu.

Saka iwe ungava uri kutendeusa vanhu. Hausi kungotsvaka kuti sangano rako rikure. Hatisi kungotsvaka kuti vanhu vawande. Tiri kutora fuma yaMwari. Iyeye munhu wawakanamatira. Ukashanyira. Ukakurudzira kuti arambe achinamata. Kuda iye achipota achiita sekuti haachadi zvekunamata. Denga rinovona munhu iyeye sedombo rinokosha.

Izvi ndizvo zvakaitikavo kwandiri. Ndakanga ndichiri chikomana chidoko. Ndakanga ndichine makore angaita gumi nematatu. Ndakanga ndichiri kushereketa. Ndichivaraidzwa nezvinhu zvenyika ino. Asi pane munhu akaramba achindikurudzira kunamata. Munhu uyu aisatomboda kundisiya. Akaramba achindishanyira. Achindikoka kuminamato. Achindibatsira kuti ndishumire Mwari. Ndiye munhu akashandiswa naMwari kunditsigisa muzvinhu zvaMwari. Akandiitira moyo murefu chose. Zvisizvo ndingadero ndisina kutombozoita muparidzi.

Ndizvo zvinoitikavo paunenge uri kunyengeterera vanhu. Uchivashanyira. Nekuvakurudzira kuramba vachinamata. Iwe ungatendeusira munhu kuna Muponesi. Kana kumubatsira kuti asimbe pakunamata kwake. Unogona kunge uri kutobatsira vanhu vakawanda ipapo. Nokuti munhu iyeye anogona kutozoshandiswa kuponesa vanhu vakawanda. Saka munhu mumwe nemumwe akakosha. Unofanira kunzwisisa izvozvo.

Rangarira zvakadzidziswa naTenzi. Ipo paya pavakataura nezvehwai yakarasika. Vakati denga rinopemberera panotendeuka mutadzi mumwe chete. Rinopemberera kudarika kupemberera kwaringaitira makumi mapfumbamwe nepfumbamwe vasingafaniri kutendeuka. Tinoverenga izvi muna Ruka yegumi neshanu ndima yenomwe. Saka ungava nemunhu wauri kunamatira. Uchipota uchitaura naye. Uchimushanyira. Uchimukurudzira kuramba achinamata. Denga rinofarira munhu uyu zvikuru. Rinotomukoshesa. Rinomuvona ari dombo rinodhura. Unofanira kushingaira kuti munhu iyeye auye kuna Mwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa naIshe Jesu.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Munokoshesa mweya mumwe nemumwe wemunhu. Ndinovona vanhu nemeso enyu. Saka ndinofarira vanhu. Ndichishingaira kuti vawane Ruponeso. Ndinoshingaira sekushingaira kwamakaita muchiponesa nyika ino. Munhu mumwe nemumwe idombo rinodhura. Saka ndinoshingaira kuti munhu mumwe nemumwe aponeswe. Ndinoita izvi ndichishandisa simba raMweya Mutsvene. Ndinokutendai. Makandiita munhu anounza vanhu kuna Mwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Ruka 15 ndima 4 kusvika 7
Johane 3 ndima 16 kusvika 17