7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Shona 

Mira Wakasimba. Usingazungunuki

Chitatu, 19 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi imi. Hama dzangu. Mava kuziva zvinhu izvi. Saka ngwarirai. Kuti musatsauswa. Musanyengerwa nemhosho yewakaipa iyi. Mukabva pamakamira. Asi nyasha ngadziwande mamuri. Muwedzere kuziva Ishe wedu. NaMuponesi Jesu. Iye akakodzera kupiwa kudzo yose yeVamwari. Vachiipiwa ikozvino. Nekusingaperi. Ndapedza (2 Pita 3 ndima 17 kusvika 18).

Mweya Mutsvene ndivo vari kutiyambira mundima yatavhura nayo. Vakashandisa Pita kutiyambira kudai. Vanoda kuti tigare takasimba. Tisingazungunuswi. Tisingatevedzeri vanhu vakaipa. Ivo vanoda kuti nyasha dziwedzere mauri. Vanoda kuti ugare uchiwedzera kuziva Ishe wedu. Ivo Muponesi Jesu.

Mweya wako unofanira kugara uchikura. Ndiko kuti usagona kunyengerwa. Ndiko kuti pasawana chingakuzungunusa. Zvinozoita kuti uve wakatsiga. Wakasimba. Usingazungunuswi nedzidziso dzisina kunaka. Kune vamwe vanhu. Vanhu ava vanogara vachida kurangaridzwa kuuya kuminamato. Nekuita zvinhu zvaMweya Mutsvene. Iwe usava mumwe wevanhu vakadai. Simba. Uve munhu anogona kuvimbwa naye. Asingazungunuki. Akazvipira kuna Ishe zvakakwana. Akazvipiravo kuShoko ravo. Nekubasa ravo.

Vatadzi vane mhosho dzavanoita. Asi mhosho dzacho dzingasataridzika sedzakaipa. Izvi ndizvo zvatinovona muna Muparidzi yesere ndima yegumi. Inoti, Zvino ndakaonazve vakaipa vachivigwa mumakuva, vose vaisiuya nokuenda kubva kunzvimbo tsvene uye vachirumbidzwa muguta mavaiitira izvi. Naizvozviwo hazvina maturo. Ndima iyi inotaura pamusoro pevanhu vakaipa. Asi vakaipa ava vaisashaikwa muimba yaMwari. Asi vakanga vasina kugamuchira Jesu. Ivo vakazofa. Vakavigwa. Vakakanganwikwa. Vaisirumbidzwa vari vapenyu. Asi havana zvavakanga vaitira Mwari. Saka hupenyu hwavo hwaiva pasina.

Chii chakazoitika kuvatadzi ava? Mapisarema yepfumbamwe ndima yegumi nenomwe inotitaurira. Inoti, Vakaipa vachadzokera kunzvimbo yavakafa. Marudzi ose anokanganwa Mwari. Ava ndivo vaya vaisakudza Mwari pakurarama kwavo. Vaironga zvinhu sezvinonzi Mwari havako. Vanhu ava havazivi kuti kuna Mwari.

Iwe usakanganwa Mwari. Usatevera mhomho inogara ichibva pana Mwari. Ichingodzivaira. Isina kwayakananga. Isingakuri. Usaita mhosho yevatadzi. Nyasha ngadziwedzere mauri. Wedzera kunzwisisa Muponesi. Mira wakasimba. Usingazungunuki. Hupenyu hwako ngahuite kuti vanhu vakudze Mwari.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rinoita kuti ndikure. Rinondirovedzera kuita zvamunoda imi. Rinosimbisa mweya wangu. Ndinomira ndakasimba muShoko renyu. Hapana chingaita kuti ndisazvipira kwamuri. Nyasha dzangu dzinowedzera. Ndinowedzera kunzwisisa Ishe Jesu. Ndakatsiga. Ndinobereka zvibereko. Ndinorarama hupenyu hunokufadzai. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi