7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Shona 


Ndivo Nzira Yoga Inosvika Kuna Mwari Baba

China, 20 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Jesu vakabva vamupindura. Vakati, Ndini nzira yacho. Ndini chokwadi chacho. Ndini hupenyu hwacho. Munhu angada kuuya kuna Baba. Anotofanira kupfuura nepandiri (Johane 14 ndima 6).

Tenzi ndivo vakataura mashoko atavhura nawo. Mashoko aya haana chibhende. Ivo havana kuti ndivo imwe yenzira dziripo. Vakati ivo ndivo nzira yacho. Havana kuita zvekupota pota. Ivo ndivo chokwadi chacho. Ivo ndivo hupenyu hwacho. Ndivo voga vanogona kukusvitsa pana Mwari Baba. Mabasa yechina ndima yegumi nembiri inoti, Nokuti hakuna chimwe chinhu chingaponesa vanhu. Vanhu havana rimwe zita ravakapiwa. Riri pasi pedenga. Ravangaponeswa naro.

Munhu anofanira kupupura kuti Jesu ndivo vanotonga hupenyu hwake. Ndiko kuti aponeswe. Hapana imwe nzira yaangaponeswa nayo. Ruponeso runongowanikwa muna Jesu chete. Haruna kumwe kwarunowanikwa. Izvozvo ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Kureva kuti ndicho chokwadi ichocho. Ndiko kusaka tisingakwanisi kunyarara. Tinofanira kushingaira kuunza vanhu kuna Muponesi. Ndiro basa ratinofanira kuraramira iroro.

Ishe Jesu ndivo chete vanoshandura munhu rudzi. Vachimuita weropa ravo. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane yegumi ndima yemakumi maviri nesere. Inoti, Ndine hupenyu hwandinoapa. Hupenyu uhu hahuparari. Saka haasi kuzofa. Achagara ari mapenyu. Makwai aya ari muruvoko rwangu. Hapana angaabvuta. Tsamba yekutanga yaJohane chitsauko cheshanu ndima yemakumi maviri inoti, Tinoziva kuti Mwanakomana waMwari vakatouya. Uye vakaita kuti tigone kunzwisisa. Tigoziva uya wechokwadi. Saka tava mune uya wechokwadi. Iye Mwanakomana wavo. Jesu Muponesi. Vanova Mwari vechokwadi. Varivozve hupenyu husingaperi. Ndiko kusaka tichiparidza. Ndiko kusaka tichitsvaka kusvitsa Ruponeso kuvanhu. Ndiko kusaka tichiita mavhuserere. Tichitanga masangano. Tichipa vanhu mabhuku eRhapsody pasi rose.

Isu hatisi kungotevera tsika yekunamata. Tiri kutoita basa raMwari. Ndiro basa ravakatipa kuti tiite. Ndiro ratinotoraramira. Tiri kununura varume nevakadzi. Tichiita kuti vasaramba vasiri pana Mwari. Tichivaunza murusungunuko rweVanakomana vaMwari. Irwo rusungunuko rweVamwari. Ishe Jesu ndivo chete vanogona kuvaponesa. Takapiwa basa rekuudza izvi kuvanhu pasi rose. Ngatirambei tichiita basa iri. Ngatiriite nemoyo wose. Takashinga. Tichitsvaka kuti vanhu vakasire vaziva shoko reRuponeso iri. Ngatiparidze kudai kusvika munhu wose anzwa shoko reRuponeso iri. Arigamuchira.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makatipa zita raJesu. Ndiro rinoponesa munhu wose. Ndinoramba kunyarara. Ndinoparidza Ruponeso urwu ndakashinga. Ndinoruparidza nesimba. Ndichitendeusa vakawanda. Ndichivabvisa murima. Ndichivapinza muchiedza. Ndichivabvisa muhusungwa hwaSatani. Ndichivaunza kuna Mwari. Shoko reRuponeso riri kupararira nekukasira. Saka Ishe Jesu vanokudzwa saMwari. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 10 ndima 13 kusvika 15
Johane 3 ndima 36