7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Shona 

Iva NeShungu Dzekuziva Shoko RaMwari

Chishanu, 21 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi nyasha ngadziwande mamuri. Muwedzere kuziva Ishe wedu. NaMuponesi Jesu. Iye akakodzera kupiwa kudzo yose yeVamwari. Vachiipiwa ikozvino. Nekusingaperi. Ndapedza (2 Pita 3 ndima 18).

Tsamba yekutanga yaPita chitsauko chechipiri ndima yekutanga kusvika yechipiri inoti, Saka siyai hutsinye hwose. Nekunyengera. Negodo. Nekureva vamwe kose. Muri vacheche. Muchangozvarwa. Saka idai Shoko raMwari. Ndiko kuti mugokura. Shoko iri ndiwo mukaka wenyu. Mukaka usina kushatiswa. Ndima iyi inokuzivisa kuti mweya wako ungakura sei. Uye kuti unofanira kurarama hupenyu hwakaita sei. Unofanira kusiya zvakaipa zvose. Unofanira kusiya kunyengera. Moyo wako unofanira kuda Mwari pachokwadi. Siya godo. Siya makuhwa. Usatsvaka kupa vamwe vanhu guhu rakaipa.

Rimwe Bhaibheri reChirungu rinotipa ndima iyi richiti, Siya tsika dzekare dzakaipa. Siya hunyengeri. Usaitira vamwe godo. Usanyeya vamwe (TLB). Mwari havadi kuti urambe uchiita zvinhu zvakadai. Vanoraira kuti ude Shoko raMwari. Ndiko kuti mugokura. Shoko iri ndiwo mukaka wenyu. Mukaka usina kushatiswa. Ivo vanoda kuti mweya wako ukure.

Iwe ungava wakagamuchira Muponesi. Chiva neshungu dzekuziva Shoko raMwari. Iva neshungu dzekunzwisisa zvinhu zvaMwari. Nakirwa neShoko raMwari. Ugare uchitsvaka kurinzwa. Ini ndakasisangana nevanhu vanonakirwa neShoko raMwari kudai. Vachishuva kuti mweya yavo ikure. Vachishuva kunzwisisa Ishe. Vanhu ava vanovhunza mibvunzo. Vanotsvaka Magwaro. Havashaikwi kuminamato. Vane shungu dzekudzidza. Vanhu vakadai vanofadza kuvona chose.

Moyo wako ngauve neshungu dzekuziva Shoko raMwari. Vakorose yetatu ndima yegumi netanhatu inoti, Shoko raMuponesi ngarigare mamuri. Rigaremo rakawanda. Ngarive iro rinokupai mazano ose ekurarama nawo. Muimbirane nhetembo. Nenziyo dzekunamata Mwari. Nedzimbo dzemweya. Muchidzidzisana. Nekukurudzirana. Mugarevo muchiimbira Ishe. Muvaimbire mumoyo yenyu. Muine mweya yakafara. Iva nenzara yeShoko raMwari. Nzara yacho inofanira kusapera. Ita zvakaita Jobho. Iye aishuva kuziva Shoko raMwari. Airida kudarika kuda kwaaiita zvekudya zvemuviri wake. Izvi ndizvo zvaunofanira kuitavo iwe. Zvinhu zvose zvaunozoita zvinozobudirira. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Mapisarema yekutanga ndima yekutanga kusvika yetatu. Hareruya! Izvi ndizvo zvaunoshuvirwa naMwari.


Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa Shoko renyu. Shoko iri rinondivaka. Rinoita kuti ndigone kuvimba naMwari. Shoko iri rinokudza mweya wangu. Richiita kuti ndigone kurarama semunhu akaponeswa chaiye. Ndakasimba. Pasina chingandizungunusa. Ndichibudirira pamabasa ose akanaka. Ndiine hutano hwakanaka. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi