7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
English
Shona
Kuregerera. NeKuporeswa
Svondo, 23 Mbudzi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Kuda mungakanganisirana. Kumbiranai ruregerero. Mugonyengetererana. Ndiko kuti muporeswe. Munamato wevanhu vakarurama. Uyo unobva pamoyo. Une shungu. Wekurevesa. Ndiwo unomutsa simba raMwari. Uchiita kuti rishande zvikuru (Jemusi 5 ndima 16).
Moyo yedu inofanira kugara yakachena. Tinofanira kuzvininipisa. Tichifarirana sevana vaMwari. Izvozvo zvinozoita kuti tipore. Kureva kuti munamato hausi iwo woga unoporesa. Izvi ndizvo zvatiri kutaridzwa mundima yatavhura nayo. Vakawanda havanzwisisi zvainotaura izvi. Kuda iwe ungagumbura mwana waMwari. Unofanira kukasira kutaura naye. Uchiti, Ndiregererevo. Ndaisafanira kutaura newe nenzira yandataura nayo. Ipapo handina kuita zvakanaka.
Izvi ndizvo zvaunofanira kuita. Zvininipise. Bvuma paunenge waresva. Kuda ungavona zvakaipa mune vamwe. Usangotaura nezvazvo. Uchitsvaka kuti vavonekwe sevanhu vakashata. Vanyengeterere. Izvozvo zvinozoita kuti uporeswe. Ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Tazvivona mundima yatavhura nayo.
Izvi zvinondirangaridza humwe huchapupu. Uhu huchapupu hwevamwe vakadzi. Vakadzi ava vaiva vaviri. Vakanga vari mune rimwe sangano. Iri raiva sangano raifudzwa naR. W. Shambach. Mumwe wevakadzi vacho aiva nehumbu. Akanga anamatirwa kakawanda. Asi humbu iyi yakanga isiri kupora. Mumwe wacho aida kutaura nendimi. Asi ndimi dzacho dzakanga dzisiri kubuda. Naiyevo akanga anamatirwa kakawanda. Vakadzi ava vaivengana. Asi hapana aiziva izvi.
Mufudzi akazovona kuvengana kwavo uku rimwe zuva. Akazvivona vari mumunamato. Akabva avatora. Ndokuvaraira kuti varegererane. Vakadzi vaya vakatanga kuchema. Vachiregererana. Vachimbundikirana. Chishamiso chakabva chatoitika ipapo. Wehumbu uya akabva apora. Mumwe wacho akabva atanga kutaura nendimi pakarepo. Hapana minamato yakadiwa kuti minana iyi iitike.
Vamwe vanhu vanogona kunge vaine zvavari kutsvaka kuitirwa naMwari. Asi vanogona kunge vasiri kuwana zvinhu zvacho. Nyaya inenge isiri yekuti havasiri kunamata. Kana kuti havasi kunamatirwa. Ivo ndivo vanogona kunge vaine zvigumbu. Vaine vanhu vavasingafariri. Tinofanira kugarisana zvakanaka nehama dzedu muna Muponesi. Tinofanira kufarira vanhu vose. Hapana munhu watinofanira kusafarira. Mwari vanokoshesa hukama hwedu nevanhu.
Kune vamwe vanhu. Vanhu ava vanomhoresa vamwe vanhu vose. Vanofara kuvona vamwe vanhu vose. Asi vane mumwe munhu wavasingadi kuvona. Vamwari havaiti izvozvo. Muponesi vanoda kuti tifarirane. Vanotiraira kuregerera pasina muripo. Vanoda kuti tigare murugare nemunhu wose. Usachengeta zvigumbu. Kasira kuregerera. Unofanira kutonyanya kukasira kunyengeterera vanokuvenga. Nevaya vanokutambudza. Vachikushandisa. Ndiko kuti ugare uri mutano. Uchigara uchiwana maropafadzo. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu riri kushanda muhupenyu hwangu. Mweya Mutsvene vari kushanda muhupenyu hwangu. Zvichiita kuti ndizvininipise. Ndifarire vanhu. Ini ndinofarira munhu wose. Ndinokasira kuregerera. Ndichinyengeterera vanhu. Mwari vanondishandisa kuporesa vanhu. ndichivaunzira rugare. Moyo wangu uzere nyasha dzenyu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vakorose 3 ndima 12 kusvika 13
Matiyo 5 ndima 23 kusvika 24
VaEfeso 4 ndima 32
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church