7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Shona 


Midzi Yako Ngaidzike Muna Muponesi

Chitatu, 26 Mbudzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Jesu vakabva vataura. Kuvadzidzi vavo. Ivo vaya gumi nevaviri. Vakati, Nemi muchandisiyavo here? Simoni Pita akabva adavira. Akati, Tenzi. Ndekupi kumwe kwatingaenda? Imi mune mashoko amunawo. Mashoko aya ndiwo anoraramisa. Ndiwo ehupenyu husingaperi (Johane 6 ndima 67 kusvika 68).

Ishe Jesu vane mharidzo yavakamboparidza. Mharidzo iyi yakagumbura vamwe vevadzidzi vavo. Vadzidzi vacho vakabva varega kuvatevera. Vadzidzi ava vakanga vasiri vatsva. Vakanga vava nenguva vachifamba naJesu. Vakanga vatombotsigira Jesu nefuma yavo. Vakatovona minana yakaitwa naJesu. Asi zvino Ishe Jesu vakazotaura mashoko. Tinoverenga mashoko acho muna Johane yetanhatu ndima yemakumi mashanu nenhatu. Vakati, Regai ndikuudzei chokwadi. Idyai nyama yeMwanakomana wemunhu. Inwai ropa rake. Zvisizvo, hamungararami. Hamungavi nehupenyu. Vadzidzi ava havana kugona kugamuchira mashoko aya. Vakabva vasiya Jesu.. Vakaenda.

Ishe vakabva vabvunza vamwe vevadzidzi vavo. Ivo vaya gumi nevaviri. Vakati, Nemi mava kundisiya here?. Pita akabva apindura. Mhinduro yake yaishamisa chose. Ndiyo yataverenga muna Johane yetanhatu ndima yemakumi matanhatu nesere. Akati, Tenzi. Ndekupi kumwe kwatingaenda? Imi mune mashoko amunawo. Mashoko aya ndiwo anoraramisa. Ndiwo ehupenyu husingaperi. Pita akanga akazvipira kuna Ishe chose. Ndiye watinofanira kutevedzera.

Kuchine vanhu vanoita sevadzidzi ava. Ivo vadzidzi vaya vakagumbukira Ishe Jesu. Vanhu ava vangatsiurwa. Vanobva vatogumbuka. Vamwe vanotogona kunzwa makuhwa chaiwo. Vobva vatogumbuka. Vanhu ava havana kutsiga. Mufudzi anogona kuparidza. Vanhu ava vanobva vatofunga kuti ndivo vari kutaurwa. Vanobva vatogumbuka. Vobva vatopera shungu dzekuva nhengo yesangano. Vobva vatorega kuramba vachitsigira mabasa ekusvitsa Ruponeso kuvanhu. Izvi hazvina kunaka. Zvinongoitwa nevanhu vanokoshesa zvinhu zvenyika ino.

Sarudza kuva munhu akatsiga. Midzi yako ngaidzike muShoko raMwari. Sarudza kuvimba naMwari. Midzi yako ngaidzike muimba yaMwari. Vakorose yechipiri ndima yenomwe inoti, Midzi yenyu inge yakadzika mavari. Muchikura muri mavari. Ruvimbo rwenyu rwakasimba. Sekudzidziswa kwamakaitwa. Mushingaire. Nekuwedzera kuita zvamakadzidziswa izvi. Muchitenda Mwari. Iva munhu anogara midzi yake iri muna Muponesi. Iva munhu akazvipira. Akasimba. Anovimbika. Asingazungunuki.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ndava weropa renyu. Makandipa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ava vakaita kuti hupenyu hwangu hutsige. Saka kunamata kwangu kuri kushanda. Ndakazvipira chose. Ndakasimba. Handizungunuki. Imi ndimi Mwari wangu. Saka ndinokuteverai ndakashinga. Ndakazvipira. Midzi yangu yakadzika muna Muponesi. Hapana chingandibvisa mavari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 6 ndima 66 kusvika 69
Vakorose 2 ndima 6 kusvika 7
Mapisarema 119 ndima 165

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church