7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
English
Shona
Ngatiitei MaVhuserere
Chishanu, 28 Mbudzi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Hushe hwekudenga hwakafanana nerutava. Urwu rutava rwakakandirwa mugungwa. Rukabata marudzi ose ehove (Matiyo 13 ndima 47).
Tine zvakawanda zvatinoita kutendeusa vanhu. Dzimwe nguva tinotaura nevanhu. Tichitaura nemumwe nemumwe wavo. Tichitsvaka kuvatendeusa. Nekuvaunza kusangano. Asi dzimwe nguva tinoita mavhuserere. Apa tinenge tiri kuunganidza vanhu vakawanda. Tovaparidzira. Izvi ndizvo zvaitaurwa naIshe Jesu mundima yatavhura nayo. Apa vanofananidza nyika yekudenga nerutava. Rutava urwu rwakakandirwa mugungwa. Rukabva rwakukura hove dzemarudzi ose.
Saka funga pamusoro perutava. Ruvone ruchikandirwa mugungwa rizere vanhu. Ruchinokukura marudzi ose evanhu. Izvozvo ndizvo zvinoitika patinoita mavhuserere. Tinenge tiri kukokorodza vatadzi vakawanda. Tichivaunza munyika yaMwari.
Izvi ndizvo zvatiri kuvona muna Matiyo yegumi nenhatu ndima yemakumi mana nenomwe kusvika makumi mana nesere. Tenzi ndivo vakatipa mufananidzo uyu. Vakanga vari kutaura pamusoro pemavhuserere. Ndima iyi inoti, Hushe hwekudenga hwakafanana nerutava. Urwu rutava rwakakandirwa mugungwa. Rukabata marudzi ose ehove. Rukazara. Vakabva varubudisa mumvura. Vakagara pasi. Vakatanga kushara hove dziya. Dzimwe dzakanga dzakanaka. Vakadziisa mumidziyo yavo. Dzimwe dzakanga dzakashata. Idzi ndidzo dzavakarasa. Tenzi vaitaura pamusoro pekuponeswa kwevanhu apa. Vanhu vacho vachidanwa kuti vauye muna Muponesi. Vachiunzwa muSangano reVatsvene. Ikoko ndiko kukohwa.
Imi mungava sangano doko. Kuda muri kusangana mumba. Kana kuti muri sangano mai. Kuda mune masangano anobata nyika yose. Muchaita riini mavhuserere? Zvakakosha hazvo kukurudzira Vatsvene kuti vatendeuse vanhu vavanosangana navo. Asi tinofanira kupota tichironga mavhuserere. Mavhusere acho angava anounganidza musha wose. Kana guta rose. Kana nyika yose. Asi anofanira kuva nechinangwa chekuunza vanhu kunyika yaMwari.
Ino yava nguva yekuronga mavhuserere. Vhuserere rako rinogona kuunganidza vanhu zana. Kana chiuru. Kana zviuru gumi. Kana zana rezviuru. Unotogona kuronga kuunganidza chiuru chezviuru zvevanhu pamwe chete. Ishe vanozokubatsira kuita zvaunenge waronga zvacho. Vachiita kuti zvibudirire. Ibasa ravo. Isu tiri kungoshanda pamwe chete navo kuriita. Ivo vanozokupa mazano ekushandisa acho. Vachiita kuti ubudirire. Mazano avo ose anobudirira. Izvozvo ndizvo zvaunofanira kunzwisisa. Ivo vakati goho rakawanda. Isu tisu vacheki vacho. Tinounza goho racho rakawanda. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Manditaridza kukosha kwekuparidzira vanhu vandinosangana navo. Manditaridzavo kukosha kwekuunganidza vanhu pamwe chete ndichivaparidzira. Ndakazvipira kuita mavhuserere. Iwayo amunoda kuti aitwe mumazuva ano ekupedzisira. Vana venyu vari kuita mavhuserere. Mavhuserere aya ari kubudirira. Ari kubudirira zvikuru. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 11 ndima 30
Ruka 14 ndima 23
Johane 15 ndima 16
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church