English Manyika Shona 

​​​​​​​​​​

Takazvarwa NaMwari

Svondo, 31 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Vana vadoko. Imi makazvarwa naMwari. Saka makakurira mweya yose iyi. Nokuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino (1 Johane 4 ndima 4).

Mamwe maBhaibheri haanatsi kunyora ndima iyi zvakajeka. Anotaura nezvevanhu vari kurutivi rwaMwari. Asi izvi hazvisi izvo. Ndima iyi inotaura pamusoro pevanhu vakazvarwa naMwari. Vanhu ava ndivo vakanga vari kutaurwa naJohane. Iwe ungava wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti wakazvarwa naMwari. Uri werudzi rwaMwari. Uri mwana wavo wekubereka.

Izvi zvinofanana nezvimwe zvinotaurwa neBhaibheri. Tinozviverenga muna Jemusi 1 ndima 18. Inoti, Ndivo vakasarudza voga kutizvara. Vachishandisa Shoko ravo rechokwadi. Vachitsvaka kuti tive zvibereko zvavo. Zvekutanga. Zvavanokoshesa kudarika zvimwe zvisikwa zvavo zvose. Asi Muponesi vanofanira kuva mauri. Unofanira kuvagamuchira. Vogara mukati mako. Ndiko kuti ugonzi wazvarwa naMwari.

Rangarira mamwe mashoko aIshe Jesu. Tinoaverenga muna Johane 3 ndima 3. Inoti, Rega ndikuudze chokwadi. Munhu anofanira kuzvarwa kechipiri. Ndiko kuti avone hushe hwaMwari. Ndima yatavhura nayo inotaura nezvekuva naMuponesi mauri. Izvi ndizvo zvatinovona panoperera ndima iyi. Inoti, Nokuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino. Saka Muponesi vanofanira kuva mauri. Asi izvi zvinoshamisa. Nokuti ivo ndivo vakakuzvara. Asi vanofanira kuva mauri!

Vakorose 1 ndima 27 inoti, Chekuti Muponesi agare mamuri. Mugova vanhu verudzi rweVamwari. Mukuru wacho ndiye ava kugara mauri. Saka unokurira masimba ose erima. Unokurira mweya yose yakaipa. Iyo iya inounza hutsinye panyika.

Iwe wakazvarwa naMwari. Saka wakatokurira muvengi. Wakakurira mabasa ake ose. Iwo aya ekutsvaka kuti vanhu vatambure. Okusuwisa vanhu. Okushungurudza vanhu. Nekuparadza zvinhu panyika. Hareruya!

Pupura Uchiti
Baba vandinoda. Ini ndakazvarwa naMwari. Uye mukuru wacho ndiye anogara mandiri. Saka ndakakurira masimba ose erima. Ndakakurira mweya yose yakaipa. Iyo iya inounza hutsinye panyika pano. Ndakakurira zvinosuwisa zvose. Ndakakurira zvose zvinovodza moyo. Ndakakurira zvose zvinoparadza. Ndiri muna Muponesi Jesu. Saka ndinogara ndichikunda. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 1 ndima 12 kusvika 13
1 Petro 1 ndima 23
1 Johane 5 ndima 4 kusvika 5

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church