Chigarwe Chitoko English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 



Rino Ndiro Zuva Redu

Chishanu, 31 Kurume 2023

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze

"Nokuti muhumambo hwaMwari hatingotauri chete. Tinoita mabasa aya. Anotaridza simba" (1 Vakorinde 4 ndima 20).

Jesu vakambouya panyika pano. Asi iri rakanga risiri zuva ravo chairo. Izvi ndizvo zvavakataura. Tinozvivona muna Ruka 22 ndima 53. Apa Jesu vakanga vava kuenda kumuchinjikwa. Vakanga vari kutaura kumauto. Vakati kwavari, "... Hazvinei hazvo. Ino ndiyo nguva yenyu. Uye simba rerima ndiro riri kushanda pano". Jesu vakabva vabvuma kusungwa. Zvekare, Jesu vaingoshumira vari muIsiraeri panguva iyi. Havana kugona kuenda kune dzimwe nyika. Izvi ndizvo zvatinovona muna Ruka 24 ndima 49. Kureva kuti zuva ravo chairo rakanga risati rasvika.

Zuva ravo chairo richauya. Ndiro zuva riya ravachadzoka kuzoranga ndudzi dzenyika. Vachizotanga kutonga kwavo panyika pano. Vachitonga nyika kwechiuru chemakore. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vafiripi 1 ndima 10. Vafiripi 2 ndima 16. Na2 Vatesaronika 2 ndima 2. Jeremiya 23 ndima 6 inoti, "Pamazuva ake Judha achaponeswa uye Israeri achagara norugare. Zita rake raachatumidzwa ndirori rokuti ndima Jehovha Ndiye Kururama Kwedu".

Zvinhu zvose izvi zvichaitika pakutonga kwaJesu panyika pano. Asi ikozvino tiri muzuva reVatsvene. Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Mwari ngavakudzwe! Tine masimba atakapiwa. Rino ndiro zuva ratinofanira kushandisa masimba ose aya. Tichiita kuti Mwari vapiwe mbiri yose. Simba raMwari rinofanira kuvonekwa pahupenyu hwako. Hushe hwaMwari hahusi hwekungotaura chete. Hunovonekwa nesimba. Hune zvinhu zvahunoita.

Jesu vakaita minana inoshamisa. Nhume dzavo dzakaitavo minana inoshamisa. Minana iyi yose yakanyorwa pasi. Yakanyorwa kuti itikurudzire isu nhasi. Nokutitaridza kuti nesuvo tinogona kuita minana muzuva redu. Tichiita minana iyi nesimba raMweya Mutsvene. Saka shandisa simba raunaro iri. Mwari ngavarumbidzwe!

Namata Uchiti

Rino ndiro zuva reVatsvene. Zvino tinotenda Mwari. Ndivo vanotikundisa nguva dzose. Tinokunda kudai nokuti tiri muna Muponesi. Vanoitavo kuti vanhu vavavone matiri. Vachivavona kudai kose kwatinoenda. Ndinokutendai Ishe. Ndimi makatipa zuva ranhasi iri. Muchitsvaka kuti simba renyu rivonekwe pahupenyu hwedu. Vatsvene vava kusanangana neminana zuva rimwe nerimwe. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

Isaya 53 ndima 10

Varoma 8 ndima 19 kusvika 21

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church