English Ndau Ndebele Shona 


Ziva Kuti Ndivo Ishe

Mugovera, 26 Kubvumbi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Nokuti ani naani anodana kuzita raIshe achaponeswa (Varoma 10:13).

Isu tiri Vakristu. Tiri Vamwari. Tine masimba atinawo. Masimba aya anobva kudenga. Izvi ndizvo zvatakadzidza nezuro. Tinoshandisa masimba ekudenga kutonga. Iyi imhaka yekuti tinovimba nezita raMuponesi Jesu. Uye tine hukama naMuponesi Jesu ava. Zita raJesu ndiro rakatiponesa. Ndiro zvekare rinotipa masimba atinawo. Masimba acho ndeeVamwari.

Iwe wakasarudza kuti Jesu vave ivo vanotonga hupenyu hwako. Apa ndipo pakatanga hukama hwako navo. Isu tinotongwa naIshe Jesu. Vanhu vaMwari vanofanira kunzwisisa izvi. Ishe Jesu ndivo Tenzi vedu. Ndivo vanotungamirira hupenyu hwedu. Kureva kuti ndivo vanotiudza zvekutaura. Ndivo vanotiudza mafungiro atinofanira kuita. Ndivo vanotiudza zvekusarudza. Ndivo vanotungamirira zvinhu zvose zvehupenyu hwedu.

Asi havaiti zvekutimanikidza. Ivo vanotifarira. Vanotitonga nerudo. Tinotonakidzwa nekutongwa navo. Ivo ndivo vakatanga kutifarira. Ndiko kusaka tichivada. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna 1 Johane 4 ndima 19. Ndiko kusaka tichivanamata nenzira yatinovanamata nayo. Ndiko kusaka tichivapfugamira. Tichivayemura. Hativanamati kudai setsika. Tinotovakudza. Vanotova Ishe vedu. Ndivo vanototonga hupenyu hwedu.

Iwe unofanira kuvaziva saIshe wako. Zvisizvo unenge uri kungovapfugamira zvetsika. Ivo ndivo Tenzi vako. Ndiko kusaka uchivapfugamira. Asi kuda ungati, Ivo ndiIshe vangu havo. Asi ishamwari yangu zvekare. Ichocho ichokwadi hacho. Asi haufaniri kukanganwa kuti ndiIshe vako zvekare. Saka unofanira kudzidza kubvuma kutongwa navo. Unofanira kudzidza kuvakudza saIshe wako.

Madzimambo ane shamwari. Asi shamwari dzacho ndidzo dzinonyanya kuremekedza madzimambo aya. Iwe uri shamwari yaJesu hako. Asi ndiwe unofanira kutonyanya kuvaremekedza. Ndiwe unofanira kutotaridza vamwe nzira yekuremekedza nayo Jesu. Ivo ndiMambo vakuru. Ndivo Mambo weVamwari vose. Ndivo vanotonga zvose. Vanotonga kudenga. Vanotonga nyika ino. Ivo vanoziva masimba avo. Vakuru zvikuru. Asi vanotifarira. Vanotitora seshamwari dzavo.

Vane mashoko avakambotaura kuvadzidzi vavo. Tinoverenga mashoko acho muna Johane 13 ndima 14. Inoti, Kunyangwe zvakadero. Ndageza tsoka dzenyu. Kureva kuti munofanira kugezanavo tsoka. Jesu vakanga vakazvininipisa. Nenzira iyi vaitotidzidzisavo kuzvininipisa. Ivo vanofanira kuremekedzwa. Asi vaisamanikidza vanhu kuvaremekedza. Asi hapana aigona kusavona hukuru hwavo. Saka vakudze. Vakudze paunovanamata. Vakudze nemabasa ako.

Namata Uchiti
Ishe Jesu vandinoda. Ndimi munotonga hupenyu hwangu. Ndimi Tenzi wangu. Ndimi Mambo wangu. Ndimi Ishe wezvose. Ndimi moga Mwari. Ndimi musingafi. Munogara muchiedza chikuru. Hapana angasvika pachiedza ichi. Ndimi munotonga kudenga. Ndimi munotonga panyika pano. Ndinokunamatai. Ndinokuyemurai. Ndimi moga munofanira kukudzwa. Ndimi Mwari. Ndimi mune masimba ose. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vafiripi 2:9-11
Johane 13:13
Vakorose 3:17


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church