English Ndau Ndebele Shona 


Unonzwisisa Shoko RaMwari

Muvhuro, 17 Chikumi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Vadzidzi vakabva vauya kuna Jesu. Vakati kwavari, Munotaurireiko kwavari nemifananidzo? Jesu vakavapindura. Vakati, Pfungwa dzenyu dzakavhurwa. Mava kugona kunzwisisa zvakavanzika zvehushe hwekudenga. Asi pfungwa dzeava hadzina kuvhurwa (Matiyo 13 ndima 10 kusvika 11).

Kune vamwe vasinganzwisisi Magwaro. Vanhu ava vanogunununa. Vachiti, Mashoko ari muMagwaro umu akawoma zvikuru. Anonetsa kunzwisisa. Ndinomboedza chose kudzidza Bhaibheri. Asi handina kana chimwe chandinonzwisisa. Iwe haufaniri kutaura uchidai.

Iwe wava kugona kunzwisisa Magwaro. Mwari ndivo vakatoronga kuti ugone kuanzwisisa. Verenga mashoko aIshe Jesu. Iwayo atavona muna Matiyo 13 ndima 11. Vakati, Pfungwa dzenyu dzakavhurwa. Mava kugona kunzwisisa zvakavanzika zvehushe hwekudenga. Asi pfungwa dzeava hadzina kuvhurwa.

Satani ane tsika yaanayo. Iyi itsika yekutsvaka kunyengera vana vaMwari. Ndizvo zvaakaitazve kuna Jesu. Akatsvaka kuti vafunge kuti vakanga vasiri Mwanakomana waMwari. Izvi ndizvo zvatinovona muBhaibheri. Tinozviverenga muna Matiyo 4 ndima 3. Inoti, Zvino muidzi akavuya kwavari. Akati kwavari, Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe aya zvive zvingwa. Izvi ndizvo zvaanozoitavo kwauri. Anoda kuti ufunge kuti haugoni kunzwisisa Shoko raMwari. Asi iwe usagamuchira nhema idzi. Zvivone semunhu anonzwisisa Shoko raMwari. Wobva wataura semunhu anonzwisisa Shoko iri. Ndiko kuti ugone kurinzwisisa pachokwadi.

Saka bvuma kuti unonzwisisa Shoko raMwari. Wozvivona semunhu anorinzwisisa. Wobva wataura kuti unorinzwisisa. Taura semunhu anowirirana naMwari. Taura uchiti, Ini ndinonzwisisa Shoko raMwari. Pfungwa dzako dzinobva dzatovhurika pakare ipapo. Jesu vakambofemera vadzidzi vavo. Tinoverenga izvi muna Johane 20 ndima 21 kusvika 22. Jesu vakabva vati kwavari, Gamuchirai Mweya Mutsvene. Pfungwa dzevadzidzi ava dzakabva dzavhurika. Vakabva vatanga kunzwisisa Magwaro.

Iwe ungava wakagamuchira Mweya Mutsvene. Pfungwa dzako dzakavhurikavo musi uyu. Wakabva watanga kugona kunzwisisa Magwaro. Mweya Mutsvene ndivo vanovhura moyo wako. Vachiita kuti ugone kunzwisisa Shoko raMwari. Saka gara uchitaura kuti iwe warurama. Wava kugona kunzwisisa Magwaro. Taura kuti pfungwa dzako dzinoshanda zvakanaka. Taura kuti unovona zvisingavonekwi nevanhu vose vose.

Iwe wava kufunga saMuponesi. Saka une pfungwa dzinoshamisa. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Vakorinde 2 ndima 16. Une pfungwa dzakapinza. Pfungwa dzako dzine simba raMwari. Saka unogona kunzwisisa Magwaro. Unokasira kubata zvinhu. Saka ungazoverenga Shoko raMwari. Uchiridzidza. Zvivone semunhu anonzwisisa Shoko iri.

Pupura Uchiti
Ini ndine hunyanzvi hweVamwari. Saka ndinonzwisisa zvisinganzwisisiwi nevanhu venyika ino. Njere dzaMwari dziri kushanda mandiri. Dziri kuita kuti ndibudirire pane zvose zvandingaronga kuita. Mweya Mutsvene vanondibatsira kunzwisisa zvinhu zvemweya. Vanoisa chiedza mumoyo mangu. Vachiita kuti ndirarame hupenyu hwandakarongerwa naMwari chaihwo. Vanondibatsira kudai paya pandinenge ndiri kudzeya Shoko raMwari. Ndichigara pfungwa dzangu dziri pariri. Saka hupenyu hahuchisiri chinhu chandisinganzwisisi. Hareruya!

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi ndima
Zvirevo 2 ndima 6
Mateo 13 ndima 23
Ruka 24 ndima 45

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church