English Ndau Shona 

Mwari Vanewe. Uye Vanokutsigira

Chipiri, 17 Chikumi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ini ndichange ndiinemi. Kose kwamuchaenda. Kusvikira nyika ino yaguma (Matiyo 28 ndima 20).

Mwari vanogara mukati mako. Vanewe. Vanomira newe. Uye vanokufarira zvikuru. Iwe unofanira kunzwisisa izvi. Ndiko kuti ugogona kuvimba navo zvakakwana. Hapana chinozogona kukukurira. Unozozvivona uchigona kukurira chose chingamirisana newe. Unenge wava kuziva kuti uchagara uchingokurira. Mukuru wacho ndiye anogara mauri. Saka wakakunda kare.

Aya ndiwo mafungiro aiita Dhavhidhi. Ndiwo akaita kuti asiyane nevamwe venguva yake. Ndiwo akaita kuti agone kumirisana naGoriyati. Goriyati uyu akanga ari kutsvaka kuvhundusira mauto eVaisiraeri. Mamwe mavuto akanzwa mashoko aGoriyati aya. Akabva avhunduka chose. Dhavhidhi akanzwavo mashoko aya. Asi haana kuvhunduka. Goriyati akanga asina kudzingiswa. Dhavhidhi akanga akadzingiswa. Izvi ndizvo zvainzwisiswa naDhavhidhi. Ndizvo chete zvaakakoshesa. Abhurahama ndiye akatanga kudzingiswa. Akadzingiswa mushure mekunge aita sungano naMwari. Kudzingiswa uku ndiko kwaitaridza kuti akanga aine sungano naMwari. Saka munhu akadzingiswa akanga ari musungano iyi. Kureva kuti akanga aine hukama naMwari. Munhu asina kudzingiswa aisagona kukurira munhu akadzingiswa.

Dhavhidhi akanga achinzwisisa izvi. Ndiko kusaka akanga asingatyi Goriyati. Tinoverenga mashoko ake muna 1 Samueri 17 ndima 26. Inoti, Ndianiko muFiristia uyu asina kudzingiswa anoshora hondo dzaMwari mupenyu?. Israeri yakanga iine hukama naMwari waAbhurahama. Saka Goriyati aisafanira kugona kumirisana neVaisiraeri. Izvi ndizvo zvainzwisiswa naDhavhidhi. Vana vaMwari vanofaniravo kunzwisisa izvi. Isu takashanduka rudzi. Tasiyana nevanhu venyika ino.

Munhu angatsvaka kutirwisa. Munhu uyu anenge ari kutorwisa Mwari pachavo. Izvi zvingakushamisa. Asi ndicho chokwadi. Ishe Jesu vakatombotizivisa izvi. Apa vakanga vari kutaura naSauro. Sauro uyu akanga ari kutambudza Vatsvene. Ishe vakazotaura kwaari. Tinoverenga mashoko avo muna Mabasa yepfumbamwe ndima yechina. Inoti, Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?. Ndima yatavhura nayo yati, Ini ndichange ndiinemi. Kose kwamuchaenda. Kusvikira nyika ino yaguma. Apa Jesu vakanga vari kuvimbisa kuzova nesu. Vakanga vari kuvimbisa kuzomira nesu zvekare.

Saka Ishe Jesu vanewe. Vanomira newe zvekare. Saka ungakurirwa sei? Fuma yedenga yava yako. Wava kugona kushandisa zvombo zvekudenga. Simba ravo ndiro rawava kushandisavo iwe. Uye ngirozi dzavo dzimire newe. Icho ndicho chokwadi. Hakusi kungotaura chete. Saka tinogona kurarama takashinga. Tichivararamira. Tichirwira Ruponeso rwavo. Saka hapana chingakukurira.

Izvi ndizvo zvaizikanwa naDhavhidhi. Ndiko kusaka akashinga kumirisana naGoriyati. Aiziva kuti Mwari vakanga vakamira naye. Mwari vanewevo. Mweya Mutsvene vari mauri. Kureva kuti Mwari vanotova mauri. Wava munhu werudzi rwavo. Saka hapana chingakukurira. Mwari ngavakudzwe saMwari.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Imi munogara mandiri. Simba renyu riri kushanda mandiri. Hapana chingamirisana neni chikandikurira. Ndinorarama hupenyu chaihwo hwamakandirongera. Saka simba renyu ndiro randava kushandisa pakurarama kwangu. Fuma yedenga yava yangu. Ndinokutendai. Ndava munhu werudzi rwenyu. Ndava munhu mumwe chete nemi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Dheuteronomiyo 20 ndima 4
Mapisarema 46 ndima 1
Vahebheru 13 ndima 5 kusvika 6

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church