English
Ndau
Shona
Pane Zvaunofanira Kuitavo Iwe
Chipiri, 6 Nyamavhuvhu 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Ndini Pita. Nhume yaJesu Muponesi. Ndiri kunyorera vaya vakasarudzwa naMwari Baba. Mwari vacho vachiziva havo zviri mberi. Nyasha ngadzive nemi. Muwedzerwe rugare (1 Pita 1 ndima 1 kusvika 2).
Pauro aikoshesa nyasha dzaMwari. Aikoshesavo rugare rwaMwari. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba dzake dzose. Tinozvivona mumashoko ekuvhura tsamba idzi. Tinogona kutarisa pana Varoma 1 ndima 7. Inoti, Wanai nyasha. Wanaivo rugare runobva kuna Mwari. Ivo Baba vedu. Ruchibvavo kuna Ishe wedu. Ivo Jesu Muponesi.
Pita aikoshesavo zvimwe chete izvi. NaJohane aikoshesa izvi. Vaiziva kuti rugare runofanira kushanda muhupenyu hwevana vaMwari. Vaiziva kuti vanhu vaMwari vaifanira kuva nerugare. Asi Pita akazogona kutijekesera nyaya iyi. Ndiye ane mashoko atavhura nawo. Apa akangoti, Nyasha ngadzive nemi. Muwedzerwe rugare.
Muhupenyu hwako mune nyasha. Mune rugare. Rugare urwu runogona kuwedzera. Nyasha idzi dzinogona kuwedzera. Asi pane zvinodiwa kuti zviwedzere. Pita akazotizivisa zvinodiwa zvacho. Akatizivisa mutsamba yake yechipiri. Ndima yechipiri yechitsauko chekutanga yacho inoti, Wedzerai kuziva Mwari. Wedzerai kuziva Jesu Ishe vedu. Ndiko kuti muve nenyasha dzakawanda. Nerugare rwakawanda.
Nyasha dzinofanira kuwedzerwa muhupenyu hwako. Izvozvo zvinozokuwedzera simba rekuita zvinhu. Zvinozoita kuti ugone kushanda nekukasira. Uchizogona kuita zvinhu nomazvo. Unozofarirwavo zvakanyanya. Uchizobudirira pane zvose zvaunoita. Uchikurira zvose zvingakurwisa. Hareruya!
Asi unofanira kunatsa kunzwisisa Mwari. Unofanira kuvaziva zvakadzama. Kuziva kwakadai ndiko kuri kutaurwa naPita apa.
Saka unosarudza woga rugare rwaunoda. Unosarudza woga kuti unoda kubudirira zvakadini. Zvinhu izvi hazviuyi nekunamata. Uchiti, Nhai Mwari! Ndiwedzereivo nyasha. Wedzeraivo rugare rwangu! Kwete! Ingotsvaka kunzwisisa Mwari chete. Tsvaka kuvaziva zvakadzama. Dzidza Shoko ravo. Shoko iri ngarive iro rinogara riri mupfungwa dzako. Pfungwa dzako ngadzigarevo dziri pariri. Ndiko kuti nyasha dziwedzere mauri. Ndiko kuti rugare rwako ruwedzere. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mune nyasha dzamakaita kuti ndigone kuwana. Nyasha idzi dzakawanda. Dzinouya pandinenge ndiri kuwedzera kunzwisisa Shoko renyu. Mune rugare rwamakaita kuti ndigone kuwana. Rugare urwu rwakawanda. Runouya pandinenge ndiri kuwedzera kunzwisisa Shoko renyu. Izvi zvinozowedzeravo simba rangu rekuita mabasa enyu. Zvinozoita kuti ndikurire zvinhu zvenyika ino. Ndichizofuma. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
1 Vakorinte 1 ndima 3
Vafiripi 1 ndima 2
Vakorose 1 ndima 2
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church