Chigarwe
Chitoko
English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Hauchatongwi NeChivi. Hapachina Chinofa Pauri
Mugovera, 6 Nyamavhuvhu 2022
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*5*58225# Mwari vakuropafadze
"Kune murairo wemweya wehupenyu. Murairo uyu unoshanda muna Muponesi Jesu. Murairo uyu wakandisungunura. Ukandibvisa parufu. Wakandisungunuravo kubva kumurairo wezvivi" (Varoma 8 ndima 2).
Pauri hapachina chinofa. Uye chivi hachichagoni kukutonga. Wakasungunurwa kubva kuzvinhu izvi. Pane mutemo wakakusungunura kudai. Uyu mutemo wemweya wehupenyu. Hareruya. Mutemo uyu ndiwo watinovona zvekare muna Jemusi 1 ndima 25. NaJemusi 2 ndima 12. Unotsanangurwa mundima idzi semutemo wevanhu vakasungunuka. 1 Johane 5 ndima 12 kusvika 13 inoti, "Munhu angava naMwanakomana. Munhu uyu ane hupenyu uhu. Ndeweropa ravo. Asi mumwe angasava naMwanakomana waMwari. Munhu uyu haana hupenyu uhu. Haasi weropa ravo. Ndakakunyorerai zvinhu izvi. Iyemi vakagamuchira zita reMwanakomana waMwari. Kuti muzive kuti mava nehupenyu husingaperi. Mava veropa raMuponesi".
Hupenyu husingaperi uhu huri muMwanakomana waMwari. Zvino iwe wava nehupenyu uhu. Hauchafaniri kunetseka nechivi. Hauchafaniri kunetseka nezvirwere. Matenda. Kana rufu. Izvi ndizvo zvatinovona pana Mosesi. Akanga ava nemakore zana nemakumi maviri. Asi meso ake akanga achiri kuvona zvakanaka. Akanga achakangogwinya. Achiita sezvinonzi akanga achiri mujaha. Izvi ndizvo zvatinovona muna Dheuteronomiyo 34 ndima 7.
Mosesi akanga ari weSungano yeKare. Asi aiziva kuti aisafanira kufa. Shoko raMwari ndiro raimugwinyisa. Ndiro raimuraramisa. Iye akanga achinzwisisa izvi. Ndizvo zvatinovona muna Dheuteronomiyo 32 ndima 46 kusvika 47. Aya ndiwo anofaniravo kuva mafungiro ako. Iwe wakazvarwa kechipiri. Apa ndipo pawakauya washanduka rudzi. Wava munhu asingafi. Usisina chivi. Wava munhu akarurama. Hareruya!
Pupura Uchiti
Ini ndakashandurwa rudzi. Hazvichagoni kuti ndife. Ndava kurarama nekusingaperi. Hapana chandingasangana nacho chingagona kundiuraya. Munzira yangu hamuna rima. Ndava munhu weropa raMwari. Saka handichengeti rima mandiri. Ndine mweya wava kundiraramisa. Mweya uyu ndiwo uya unoraramisa zvinhu. Ndine nzvimbo yandava kugara. Munzvimbo iyi hamuna chinhu chinofa. Hareruya!
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 5 ndima 24
1 Johane 5 ndima 11 kusvika 13
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://bit.ly/rorlanguages
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church