7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please
bookmark
or save the new site for quick access.
English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Chitatu, 29 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Kana munhu akandigamuchira. Sezvinorairwa muMagwaro. Mvura inoraramisa inozobuda mukati make. Ichiyerera. Senzizi (Johane 7 ndima 38).
Iwe ungava Mumwari. Hupenyu hwako hunofanira kuva chitubu. Chitubu chacho chinofanira kubuda mvura mhenyu. Mwari ndivo vakaronga kudero. Asi kune vamwe vasiri zvitubu. Vanhu ava vanogara vachikumbira zvinhu kuna Mwari. Vanovakumbira kudai pose pavanosangana. Saka hupenyu hwavo madziva. Vanongoziva zvekukumbira Mwari zvinhu. Vachingotaura matambudziko avo. Izvi hazvisi izvo zvavanofanira kuita.
Isu tingasangana. Tingava tiri kunyengetera. Kana kunamata Mwari. Kana kudzidza Magwaro. Tingava hedu vana. Kana vashanu. Kana vatanhatu. Kana kudarika. Tinofanira kutaura Shoko raMwari. Izvozvo ndizvo zvinoita zvitubu. Ishe Jesu vakati, Kana munhu akandigamuchira. Sezvinorairwa muMagwaro. Mvura inoraramisa inozobuda mukati make. Ichiyerera. Senzizi. Izvi ndizvo zvataverenga muna Johane yenomwe ndima yemakumi matatu nesere.
Nzizi dzemvura mhenyu idzi mashoko. Isu tisu tinenge tiri kutaura mashoko aya. Mashoko acho ndeaMweya Mutsvene. Mashoko aya ane simba. Anounza maropafadzo. Mashoko akadai ndiwo anogadzirisa zvinhu zvehupenyu hwako. Rangarira zvakambotaurwa naMwari. Ipo paya pavakanga vari kutaura kuna Ezekieri. Tinowana mashoko acho muna Ezekieri yemakumi matatu nenomwe ndima yechina kusvika yeshanu. Inoti, Profita kumapfupa aya uti kwaari, Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha; Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama.
Saka taura Shoko raMwari. Uronge woga hupenyu hwako. Usamirira kuti mumwe munhu akurongere. Rega mvura ibude mauri. Taura mashoko aMweya. Uchitaura pamusoro peremangwana rako. Uchitaura pamusoro peshumiro yako. Pebasa rako. Pehutano hwako. Uchitaura kumuviri wako. Kumafupa ako. Kuganda rako. Nekuropa rako.
Usarega nyika ichironga zvichaitika kwauri. Taura mashoko aMweya Mutsvene. Taura zviri mumweya. Ungava uri kuda kuti Mwari vapindire muhupenyu hwako. Dzimwe nguva unenge wakafanira kutaura mashoko aMweya Mutsvene. Ndiko kuti vapindire kudai. Mwari vane zvavakakupa. Vakakupa Shoko ravo. Vakakupa Mweya Mutsvene. Vakakupavo muromo. Shandisa zvinhu izvi. Zvishandise kutaura mashoko aMweya Mutsvene. Mashoko aya ngaabude mauri akawanda. Ngaabude ari mashoko anoraramisa zvinhu. Ane simba. Anoporesa. Anoropafadza. Ngaabude kubva mukati mako. Hareruya.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita chitubu chemvura mhenyu. Nzizi dzinoyerera kubva mudumbu rangu. Idzo nzizi dzemvura mhenyu. Nzizi idzi mashoko andinotaura. Iwo mashoko anoraramisa zvinhu. Anoporesa. Anoropafadza. Ndinogara ndiri mutano. Ndine simba. Ndinobudirira pane zvandinoita. Ndakafuma. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 18 ndima 4
Johane 7 ndima 38 AMPC
Joere 2 ndima 28
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church