English Manyika Ndau Shona 


Hushingi Ngekupinda Petse

China, 25 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Shingowa shiro shawadokara waronga. Kuti shizoyitike muna Kristo Jeso Tenzi wasu. Umo tingowona kushinga. Ngenzira yekupinda ndiyo. Tidoshinga. Tine rutendo maari (WaEfeso 3 ndima 11 kusvika 12).

Ena maBhayibheri adonyangadza kunyora ndima iyi. Angoyita tsekuti aruti tidoshinga kupinda pana Mwari. Izvi tsandizvoba. Ifefe tiri muna Kristo Jeso. Kutawura kuti titori pana Mwari. Mwiya Mutsvene ndiwo wadotipinza panzvimbo iyi. Saka Pauro adonga arutawurenyi mundima iyi?

Arutawura kuti tidoshinga kutawura zvatingoda. Nyika hayidi kuti titawure zvatingodaba. Asi Kristo Jeso wangotibvumidza. Tingotawura zvatingoda kuna Mwari Baba. Tingotawura zvatingoda ngirozi dziyinzwa. Tingotawura zvatingoda mwiya idonyangara iyinzwa. Tingotaurawo zvatingoda kuti zviyitike.

Tingokwanisazve kupinda petse patingoda. Hapana nyika ingokuvharira kunzaba. Ungokwanisa kupinda munyika inganyi hayo. Ungokwanisawo kutora pfuma yetse yawungoda. Rina Bhayibheri ringotipa ndima yegumi ngembiri yacho riyiti, Ifefe tingowimba nawo. Tingobva tasununguka kutawura zvetse zvingofanira kutawurwa. Tiyishinga kuyenda kwetse kwatingofanira kuyenda (MSG).

Bhayibheri iri ringoburitsa ndima iyi zvidonaka haro, asi harinatsi kutsanangura kupinda kwatingoyita ukuba. Hatindopindi munzvimbo dzenyika inoyi basiba. Tingopindawo munzvimbo dziri mumwiya. Tingopindawo munzvimbo dzine nzero dzaMwari weMasimba etse. Tingokwanisa kutora pfuma yaMuponisi. Pfuma iya isingaperiba. Isingawerengekiba.

Pfuma yawungokwanisa kutora idowanda maningi. Hayiperiba. Iri muna Kristo. Kana ukanzwisisa izvi. Kupa hakuzombokunetsiba. Ungozopa urufara. Usingatsunhiririba. Une shungu dzekuti Ruponiso rusvike patsi retse. Ungonga watuziwa kuti pfuma yako ingobva mudura raMwari. Iro dura riya risingaperiba. Hareruya!"

Munamato

Baba wandingoda, ndingokutendani ngekuti ndine hushingi ngemvumo ngerutendo rwaJeso Kristo, umo ndawona nhaka,ngezvidorongwa zvingoyenderana ngekuda kwaMwari. Ndingorarama pamutsoro pezvipingidzo zvenyika inoyi, ndine mukana kunzero ngepfuma yanu isingaperiba muna Kristo. MuZita raJeso. Hareruya!

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vahebheru 4 ndima 16
1 VaKorinte 3 ndima 21 kusvika 22
VaEfeso 3 ndima 11 kusvika 12 AMPC
Varoma 8 ndima 16 kusvika 17

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church