English Manyika Shona 


Muburitsi Wezvidozezeka ZvaMwari

Svondo, 24 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Ndiyitsuwira kuti Mwari waTenzi wasu Jeso Kristo. Iwo Baba wewaMwari wetse. Wakupeni Mwiya wenzero. Wavhure madziso eMwiya yanu. Mukwanise kuwaziwa" (WaEfeso 1 ndima 17).

Ndima yatavhura ndiyo mhumamato udoyitwa ndiMwiya Mutsvene. Udodzama maningi. Ungotipangidza rina basa ridokosha maningi ringoyitwa ndiMwiya Mutsvene. Hibasa rekutibatsira kunzwisisa zviro zvaMwari. Mwiya Mutsvene ndiwo wangotibatsira kunzwisisa Mwari. Ndiwo wega wangokwanisa kukubatsira kuziwa Mwari. Ndiwo wega wangokwanisa kukubatsira kunzwisisa zviro zviri munyika ingotongwa ndiMwari.

1 WaKorinde 2 ndima 9 kusvika 12 ingowedzera kujekesa izvi. Ingoti, "" zviro zvaMwari hazvinawo angoziwa. Kunza kweMwiya waMwari. Zvino ifefe hatina kupiwa mwiya wenyika inoyiba. Asi Mwiya waMwari. Kuti tikwanise kuziwa zviro zviya. Zvatidopiwa ndiMwari. Wayitipa pasina mubhadharoba".

Mwiya Mutsvene wangoyita kuti uziwe zviro zvemuhuMambo hwaMwari senyi? Wangozviyita ngekuzviwunza kumwiya wako iwewe. Pfungwa kana nzero dzako hazvikwanisi kuzvigashiraba. Asi Mwiya Mutsvene,wayihidzana ngekubatana ngemwiya wako, wangokupa nzero dzekubata zviro, kuziwa Mwari ngezvidozezwa zvemuhuMambo hwawo.

Pamutsoro pezvo, Mwiya Mutsvene mhwiya weyidi uyo angokutungamirira muyidi retse. Muna Johane 16 ndima 13 muruti "Asi kana Mwiya weyidi iyeye awuya,ashakutungamirirani muidi retse: haabhuyi ngezvasheba,asi zvetse zvaashanzwa,ashakutawurirani. Ashakupangidzani zviro zvishawuya.

Muna Johane 14 ndima 26, Tenzi Jeso, warutawura ngezvaMwiya Mutsvene iyeye,wadoti, "Asi Munyaradzi iyeye,Mwiya Mutsvene,uyo ushatumwa ndiBaba muZita rangu,ashakufundisani zviro zvetse,ngekukutondedzani zvetse zvandidotawura kwamuri.

Mwiya Mutsvene ndiwo wangoziwa zviro zvetse. Ndiwo wane nzero dzetse dzaMwari. Kana unaye,hawumbofambi mudimaba kana kuvhiringika ngenyi hasho muhupenyu. Tondera kuti adosika zviro zvetse. Ukamuziwa ngekusenzesa mukana wekusenza uko angoyita muhupenyu hwako, ungowa shitubu sheruziwo ngetsime rekugadzirisa zviro munyika ine shidima, iruda rubatsiro, isina ruziwoba.

Namata Uyiti

Baba wandingoda, ndingotenda ngemukana wekuhidzana naMwiya Mutsvene,uyo angokara ayindiburitsira pamhene zvisingaziyikanwiba zvemuhuMambo. Gwanzi rangu ridovhenekerwa kuti ndiziwe ngekufamba munhaka yangu muna Kristo. Ndiyinakirwa ngekubudirira kusingagumiba,kukunda, kubara zvibarwa, kunaka ngemufaro muna Kristo. MuZita raJeso . Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi :

1 WaKorinde 2 ndima 12
1 WaKorinde 2 ndima 14
WaRoma 8 ndima 14

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Ringonyorwa ndi:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church