English Manyika Shona 



Kufunda Soko Kwako Pachako

China, 28 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Bhuku remutemo iri ngarirekere haro kumbobva pamuromo pako, ufungisitse zviri mariri husiku ngemasikati, kuti unatse kuyita mayererano ngezvetse zvidonyorwamo. Ndipo zvishakufambira zvidonaka uyinatsa kubudirirawo" (Joshwa 1 ndima 8).

Soko raMwari ringoyita kuti ukare uyiwedzera kufanana naMwari. Izvi zvingoyitika pawungonga urugashira zvaringotawura. Mwiya wako uyinatsa kubata zvaringotawura chayizvo. Iwewe uyibvumirana ngezvingotawura Mwari. Asi ungofanira kuziwa zvidotawura Mwari zvacho. Ndiko kuti ukwanise kubvumirana nazvo.
Ndiyo ndawa uyifanira kutsvaka kunzwisisa Soko raMwari. Rinori higore rekusunungura ngekutora. Ndiro gore rawungofanira kunyanya kutsvaka kunzwisisa zvingotawura Soko raMwari. Ndiko kuti ukwanise kutora pfuma yako mariri. Ungofanira kutawura Soko iri. Uyiritawura tsemunhu angowirirana naro.

1 Pita 2 ndima 2 kusvika 3 ingoti, "Muyite tsewashiya washandobarwa. Mufarire Soko raMwari. Kuti mukure. Soko iri ndiwo mukaka wanu. Mukaka usina kunyangadzwaba. Ndiko kana mukaziwa kuti Tenzi wane nyasha". Tenzi Jeso wane masoko awadotawura pawadonga warutawura kune wena waJudha. WaJudha awa wadonga wawagashira. Muna Johane 8 ndima 31 kusvika 32, wadoti, "" karani muSoko rangu. Ndiko kuti muwe wadzidzi wangu chayiwo. Mushaziwa idi. Idi iri ndiro rishayita kuti mukwanise kurarama mudosununguka".

WaJudha awa wayifanira kukara wari muSoko raMwari. Ndizvo wadonga warukurudzirwa ndiTenzi Jeso. Zvingotawura kuti ungofanira kuwa ngeshungu dzekunzwisisa Soko raMwari. Soko raMwari ndiro ringotsandura mafungiro asu. Ndiro ringopa Mwiya yasu simba rekuwimba naMwari. Ndiro ringowaka hunhu hwasu.

Pauro angotawura ngezvekutsvaka kunzwisisa Soko raMwari uku. Tingowerenga masoko ashe muna 2 Timoti 2 ndima 15. Ingoti, "Shingayirira kutsvaka kuziwa Soko raMwari. Zviwonekwe kuti udokodzera kumiririra Mwari. Tsemusenzi wawo. Asina shaangonyaraba. Asi angonzwisisa Soko redi".

Tenzi Jeso wane enazve masoko awadotawura ari muna Johane 5 ndima 39. Wadoti, "tsvakani muMagwaro"". MuSoko raMwari ndimo tingowona nzero dzaMwari. Saka tsvaka kunzwisisa Soko raMwari iri. Kara uyiritawura. Urisenzese pakurarama kwako.

Namata Uyiti

Baba wandingoda. Ndingokutendani ngekundipangidza kukosha kwekutsvaka kunzwisisa Soko ranu. Ishi shiro shidokosha maningi pahupenyu hwangu hweshiKristo. Ndingokara ndiyitsvaka kunzwisisa Soko ranu. Nzero dzangu dziyikara dziri pariri. Izvi zvingoyita kuti ndikwanise kurarama hupenyu hwamudondirongera. Zvingoyitawo kuti ndibudirire. Kubudirira kwangu uku kungowonekwa ngewanhu wetse. Muzita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi :

Mapisarema 119 ndima 105
2 Timoti 3 ndima 16 kusvika 17
Mabasa 17 ndima 11

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Ringonyorwa ndi:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church