English Manyika Ndau Shona 


Kusumudzirwa NdiMwiya Mutsvene

Mugovera, 27 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Zvino kana Kristo ari mamuri, zvisinenyi hazvo kuti mwiri yanu ingopfa ngekuda kwerutadzo, Mwiya angopa hupenyu ngekuda kwekururama.(WaRoma 8 ndima 10).

Manyorerwe adonaka endima yatavhura ndiyo ngeaya,, "Asi kana Kristo ari mamuri , zvisinenyi kuti mwiri yanu idopfa ngekuda kwerutadzo, Mwiya angopa hupenyu ngekuda kwekururama." Pandima yegumi ngeimwe yacho muna WaRoma 8.Asi kana Mwiya weuyo udomutsa Jeso kubva kuwapfi ayikara mamuri, iyeye adomutsa Jeso kubva kuwapfi ashararamisawo mwiri yanu ingopfa ndiMwiya angokara mamuri," Soko rekuti 'Asi' iro apa harirusenza kuti 'zvisiriba' . Rirusenza zvingoyenderana ngekuti 'ne' kana kuti 'zvino'',' manje' kana kuti 'saka'. Manzwi aya akasenzeswa angonyatsa kuburitsa zvirutawurwa zvidonaka.

Tikawerenga tayisa zviro izvi pekutanga tingonga tatuti: "Zvino kana Kristo ari mamuri, zvisinenyi kuti mwiri yanu idopfa ngekuda kwerutadzo, Mwiya angopa hupenyu ngekuda kwekururama. Saka kana Mwiya weuyo adomutsa Jeso kubva kuwapfi ayikara mamuri, iyeye adomutsa Jeso kubva kuwapfi ashararamisawo mwiri yanu ingopfa ndiMwiya Mutsvene uyo angokara mamuri. Tawerenga futi pana WaRoma 8 ndima 10 kusvika 11.

Pawuruwerenge izvi zvinozvi, kana mwiri wako wenyama udonerwa nerwa,udokwara kana kuvhiringidzwa ngehosha ngematenda,zvingotsanduka. Kana udowoma rutiwi, Mwiya Mutsvene angopa hupenyu kumwiri wako ayikudzokesa muhutano hudonaka!

Ndiyo ina yendawa tiyitawura ngedzina ndimi. Bhayibheri ringoti muna 1 WaKorinde 14 ndima 4,"Uyo angotawura ngedzina ndimi ungozvigwinyisa iye pachashe......." Inzwi rekuti 'gwinyisa' mushiGiriki ngeringoti, oikodomeo, ringotawura kuwaka , kusumudza kana kuwedzera moto tsezvatingoyita mabhatiri. Saka uyo angotawura ngedzina ndimi angozviwaka pachashe,angozviwedzera moto ngekuzvisumudzira. Shingoyitika ukasharezvi ngeshekuti simba raMwari riri mawuri ringofamba mawuri, riyisumudzira mwiri wako wenyama.

Tora nguwa zvinozvi kunamata ngedzina ndimi; simba riri mawuri rimutswe ngekuburitsa hupenyu petse pahungodiwa mumwiri mako.

Munamato

Baba wandingoda, ndingokutendani ngezvingoyitwa ndiMwiya Mutsvene muhupenyu hwangu ngemumwiri wangu wenyama. Ndingomutsa simba ngekutawura ngedzina ndimi,saka ndingosimudzirwa,ndingogwinyiswa ngekumutswa. Hutano hungofamba mumwiri mangu. Hosha ngezvetse zvingokonza ngekusunga zvingobviswa . MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Mabasa 9 ndima 32 kusvika 34
Varoma 8 ndima 10 kusvika 11 AMPC

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church