English Manyika Ndau Shona 


Tinovandudzwa NaMweya Mutsvene

Mugovera, 27 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Zvino kana Muponesi vari mukati menyu. Kunyangwe miviri yenyu yakafa hayo. Nokuda kwezvivi. Inoraramiswa naMweya Mutsvene. Nokuda kwekururama (Varoma 8 ndima 10).

Varoma 8 ndima 11 yacho inozoti, Uye kana Mweya waiyeyu akamutsa Jesu kubva kuvakafa. Achigara mukati menyu. Iye wakamutsa Jesu kuvakafa. Achashandisa Mweya Mutsvene ava. Vari mamuri. Kuraramisa miviri yenyu iyi. Yanga ichifanira kufa.

Muviri wako unogona kunge wakaparadzwa. Wakakuvadzwa. Wakamomoterwa nezvirwere. Muviri uyu unogona kunaka. Unogona kupora. Muviri uyu unogona kunge wakaremara. Mweya Mutsvene vanogona kuupa hupenyu. Vanogona kuuraramisa. Vagoita kuti uve mutano zvekare.

Ndicho chimwe chikonzero tichitaura nendimi. 1 Vakorinde 14 ndima 4 inoti, Anotaura nedzimwe ndimi anenge ari kuzvisimbisa iye. Nekuzvivaka . Mundima iyi mune shoko rinoti, kuzvisimbisa. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko iri nderinoti, oikodomeo. Rinoreva kuvaka. Kushingisa. Kusimbisa. Kukuchidzira. Kana kuwedzera moto

Saka munhu angataura nendimi. Munhu uyu anenge ari kuzvivaka. Anenge ari kuzvikuchidzira. Anenge ari kuzviwedzera moto. Achizvivandudza. Izvi zvinozoita kuti simba raMwari rifambe fambe nemuviri wake wose. Richimutsa zvose zvakafa mumuviri wake wenyama.

Chimbotaura nendimi ikozvino. Ita chinguva uchitaura kudai. Pane simba richatanga kushanda mauri. Simba iri rinozomutsa zvakafa zvose zviri mumuviri wako. Rinozomutsavo zvakafa zvose muhupenyu hwako.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mweya Mutsvene vari kushanda muhupenyu hwangu. Vari kushandavo mumuviri wangu wenyama. Ndinotaura nendimi. Nokudero ndinomutsa simba raMweya Mutsvene mandiri. Ndichibva ndagwinyiswa. Ndichibva ndavandudzwa. Nhengo dzakafa mumuviri wangu dzichibva dzamutswa. Dzichiwana hutano hwakanaka. Zvirwere zvinobva zvabviswa. Marwadzo ose achibva adzingirwa kure. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa 9 ndima 32 kusvika 34
Varoma 8 ndima 10 kusvika 11 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church