English Manyika Shona 



Paridza Hupenyu Hwekukunda

Chishanu, 29 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi Mwari ngawatendwe. Iwo wangokara wayitikundisa. Ngekuti tiri muna Kristo. Wangotisenzesa kwetse kwatingoyenda. Kuti wanhu wafunde Mwari patiri" (2 WaKorinde 2 ndima 14).

Ruponiso rwaJeso rune hupenyu hwarudotiwunzira. Uhu hupenyu hwekupfuma. Hwekukara munhu ane hutano hudonaka. Hwekukara zviro zvashe zvetse zvidomira zvidonaka. Iye ayikurira zvetse zvaangosongana ndizvo. Uhu ndihwo hupenyu hwatingofundisa wanhu ngezvahwo. Asi kune wena wasingadi kuti titawure ngezvehupenyu hudoshareba. Wangoti ngehwekunyepa. Ungonzwa wayiti, "Mufudzi Chris wangondowimbisa wanhu hupenyu husina nhamoba. Wayiti hupenyu hahumborina kuwomaba. Hahuna matambudzikoba".

Mwari wane hupenyu hwawadototipa. Uhu hupenyu hwekukara tiyikunda. Ndihwo hwandingofanira kutawurira wanhu. Handifaniri kuwatawurira ngezvehupenyu hwekutamburaba. Ehunde. Tingotambudzwa hasu asi Mwari wangoti tingofanira kufara zvidosharo. Izvi ndizvo tingowona muna Jemusi 1 ndima 2. Ngenyi wayida kuti tikare tiyifara? Ngekuti hapana shiro shingokwanisa kuvhiringidza hupenyu hwasuba. Hapana munhu angokwanisa kuvhiringidza hupenyu hwasuba. Chero munhu ari kudenga kana ari panyika panapa. Kana ari mugomba remoto.

Ndiyo ndawa tiyikwanisa kukara tidofara. Tiyindorumbidza nyasha dzaMwari. Tiyifara kuti tati waMwari. Chimbofunga pamutsoro paJobho. Zviro zvidombomuwomera maningi. Asi ane masoko aadotawura atingowerenga muna Jobho 13 ndima 15 angoti, "Kana akandiwuraya hashe, asi inene ndishawimba naye "".

Izaya 43 ndima 2 ingoti, "Pawungopfura ngemumvura idowanda ndishawa newe; pawungopinda ngemuruzi, hadzikuweredziba. Pawungofamba ngemumwoto, hawutsviba; murazvo hawukupisiba". Mwari hawana kutiwimbisa hupenyu husina matambudzikoba. Wadondoti matambudziko acho tingowakurira. Saka hatifaniri kunetseka ndiwoba.

1 WaKorinde 15 ndima 57 ingoti, "Asi Mwari ngawatendwe. Ndiwo wangotikundisa. Wangotikundisa muna Tenzi Jeso Kristo". Izvi zvingoda kufanana ngezvatawerenga mundima yatavhura ndiyo. Ifefe tingokunda nguwa dzetse. Tingokunda kwetse kwatayenda. Hazvina basa kuti tasongana ngezvidowoma senyiba.

Tsvaka kunzwisisa ngezvaTenzi Jeso. Wadomborarama panyika panapa. Wane zviro zvawadosongana nazvo panyika panapa. Asi wadozvikurira zvetse. Wadorarama hupenyu hwekubwinya ngekukunda. Wadotonga zviro zvenyika inoyi. Wadobva wafundisawo wadzidzi wawo kurarama ngenzira iyi. Wane masoko awadotawura kwawari muna Johane 16 ndima 33. Wadoti, "" panyika mushatambudzwa. Asi mutsashe hanuba. Ngekuti inene ndidokunda nyika".

Wadotawura futi muna Ruka 10 ndima 19 wayiti, "Asi ndakupani simba rekufamba ngepamutsoro penyoka. ngepamutsoro pemarize ngepamutsoro pemasimba etse emuwengi. Hapana shiro shishakwanisa kukukwadzaniba. Kana dayi shikayedza". Hareruya! Kristo wane hupenyu hwawadotipa. Uhu hupenyu hwekukurira zviro zvetse zvenyika ino. Ifefe tidogashira hupenyu uhu. Ndihwo taturarama. Ndihwo wadotituma kuparidza kuwanhu.


Namata Uyiti

Baba wane nyasha. Ndingokutendani ngehupenyu hwamudondipa. Uhu hupenyu hwewaMwari. Hwekukara ndiyikunda. Ndiyikurira hosha. Hazviyitiba kuti ndiwe murombo. Hapashana shandingombunda kuyitaba. Handishapfiba. Ndingorarama tsemunhu adokodzera hupenyu uhu. Ndiyisenzesa simba riri mandiri. Iro simba raMwari. Muzita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi :

Johane 10 ndima 10 AMPC
2 WaKorinde 2 ndima 14

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Manyika)

Ringonyorwa ndi:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Mungoriwona pa: https://bit.ly/rorlanguages

Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church