English Manyika Shona 

​​
Kubva MuJerusarema Kusvika Kunyika Dzose

Chishanu, 22 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ndokubva vataura kwavari. Vakati, Ndizvo zvakanyorwa izvi. Zvekuti Muponesi vanofanira kutambura. Vagofa. Vagomuka nezura retatu. Zita rake rigoparidzwa kumarudzi ose. Vaziviswe kuti vava kugona kutendeuka. Uye kuti zvivi zvavo zvakakanganwirwa. Kuparidza uku kunofanira kutangira paJerusarema (Ruka 24 ndima 46 kusvika 47)

Kune vanodzidzisa nhema. Vachiti Chikristu ndeche Vajudha chete. Asi izvi hazvisi izvo. Ndizvo zvatinovona mumashoko atavhura nawo ayo. Ishe Jesu ndivo vakataura mashoko aya. Vakati, Zita rake rigoparidzwa kumarudzi ose. kutangira paJerusarema.

Ruponeso nderwe munhu wose. Chikristu ndeche munhu wose. Chakangotangira muJerusarema chete. Saka paridza Ruponeso. Ruparidze kuvanhu vose. Ruparidze kunzvimbo dzose. Ruparidze kunyika dzose. Mariko 13 ndima 10 inoti, Uye ruponeso runofanira kutanga rwaparidzwa kumarudzi ose.

Jesu vakataura zvekare pamusoro peRuponeso urwu. Tinoverenga mashoko avo muna Matiyo 24 ndima 14. Vakati, Shoko iri reruponeso. Iro rinotaura nezvehushe hwaMwari. Richaparidzwa munyika dzose. Richaparidzwa seuchapupu kumarudzi ose. Ndipo pachazoguma nyika ino. Vakazotiraira zvekare muna Matiyo 28 ndima 19. Vakati, Saka endai henyu. Dzidzisai marudzi ose. Muvapinze muzita raBaba. Rinova zita reMwanakomana, nero Mweya Mutsvene.

Jesu vakazotaura zvekare kuvadzidzi vavo. Vakataura kudai vava pedo kukwira kudenga. Tinoverenga mashoko avo muna Mabasa 1 ndima 8. Inoti, Asi muchawana simba. Muchariwana kana Mweya Mutsvene vauya pamusoro penyu. Mugogona kuva zvapupu zvangu. Mugondipupurira muJerusarema. MuJudhiya rose. MuSamariya. Kusvikira kumigumo yenyika. Saka vadzidzi vakatangira muJerusarema. Vakasvika kuJudhiya. Vakasvika kuSamariya. Vakazoenda kunyika dzose.

Kureva kuti shoko reRuponeso rakatanga kuparidzwa muJerusarema. Asi richifanira kusvika pasi rose. Izvi zvinoreva kuti Ruponeso nderwe munhu wose. Haruna munhu warunokoniwa kushandura. Munhu anongofanira kunzwa nezvarwo chete. Orugamuchira. Munhu uyu anozoshandurwa neshoko reRuponeso iri. Saka usangoparidza mudunhu rako chete. Udza vanhu vose pamusoro paJesu.

Udza mudzimai wako pamusoro paJesu. Udza murume wako. Udza vabereki vako. Udza vadzidzisi vako. Kana vana vaunodzidzisa. Udza vavakidzani vako. Pamwe nevaunoshanda navo. Paridzira vanhu ava shoko reRuponeso. Kune vamwe vanogona kunge vari kunzvimbo dziri kure. Ivo vaya vasinganzwi mutauro wako. Vatumire mabhuku eRhapsody.

Isu tinotenda Mwari. Bhuku reRhapsody iri rava kuwanikwa mumitauro yose inozikanwa. Saka rinogona kushandiswa kusvitsa Ruponeso pasi rose. Bhuku iri inotova tsamba. Itsamba yakanyorwa naMwari. Vakatinyorera kuti tizive kuti vanotifarira. Saka unogona kurishandisa kuparidza Ruponeso. Uchiruparidza kose kose. Nekuvanhu vose. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko reRuponeso rava kugona kusvika kunzvimbo dzose. Ndiro shoko rinoponesa munhu wose. Harina warinosiya. Ini ndiri nhume yaMuponesi. Ndini wavakatuma kusvitsa Ruponeso urwu kuvanhu. Saka ndinosvitsa Ruponeso kune vakawanda nhasi. Ivo vaya vamakarongera kuti vaponeswe nhasi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 16 ndima 25 kusvika 27
Matiyo 24 ndima 14 AMPC
Ruka 24 ndima 46 kusvika 47

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church