English Manyika Shona 

​​​​​​​​​​

Tsvaka Kunzwisisa Shoko RaMwari

China, 28 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo (Joshua 1 ndima 8).

Shoko raMwari rinoita kuti ugare uchiwedzera kufanana naMwari. Izvi zvinoitika paunenge uri kugamuchira zvarinotaura. Mweya wako uchinatsa kubata zvarinotaura chaizvo. Iwe uchibvumirana nezvinotaura Mwari. Asi iwe unofanira kuziva zvakataura Mwari zvacho. Ndiko kuti ugone kubvumirana nazvo.

Ndiko kusaka uchifanira kutsvaka kunzwisisa Shoko raMwari. Rino igore rekusungunura. Nekutora. Ndiro gore raunofanira kunyanya kutsvaka kunzwisisa zvinotaura Shoko raMwari. Ndiko kuti ugone kutora fuma yako mariri. Unofanira kutaura shoko iri. Uchiritaura semunhu anowirirana naro.

1 Pita 2 ndima 2 kusvika 3 inoti, Muite sevacheche vachangozvarwa. Mufarire Shoko raMwari. Kuti mugokura. Shoko iri ndiwo mukaka wenyu. Mukaka usina kushatiswa. Ndokunge makaziva kuti Ishe vane nyasha. Ishe Jesu vane mashoko avakambotaura. Vakanga vari kutaura kune vamwe Vajudha. Vajudha ava vakanga vavagamuchira. Tinoverenga mashoko acho muna Johane 8 ndima 31 kusvika 32. Inoti, Garai mushoko rangu. Ndiko kuti muve vadzidzi vangu chaivo. Muchaziva chokwadi. Chokwadi ichi ndicho chichaita kuti mugone kurarama makasungunuka.

Vajudha ava vaifanira kugara vari muShoko raMwari. Ndizvo zvavakanga vari kukurudzirwa naIshe Jesu. Izvi zvinoreva kuti unofanira kuva neshungu dzekunzwisisa Shoko raMwari. Shoko raMwari ndiro rinoshandura mafungiro edu. Ndiro rinopa mweya yedu simba rekuvimba naMwari. Ndiro rinovaka hunhu hwedu.

Pauro anotaura nezvekutsvaka kunzwisisa Shoko raMwari uku. Tinoverenga mashoko ake muna 2 Timoti 2 ndima 15. Inoti, Shingaira kutsvaka kuziva Shoko raMwari. Zvivonekwe kuti wakakodzera kumiririra Mwari. Semushandi wavo. Asina chaanganyara. Asi anonzwisisa Shoko rechokwadi.

Ishe Jesu vane mamwe mashoko avakataura. Tinoaverenga muna Johane 5 ndima 39. Inoti, Tsvakai muMagwaro. MuShoko raMwari ndimo matinovona pfungwa dzaMwari. Saka tsvaka kunzwisisa Shoko raMwari iri. Wogara uchiritaura. Uchirishandisa pakurarama kwako.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Manditaridza kukosha kwekutsvaka kunzwisisa Shoko raMwari. Ichi chinhu chakakosha chose pahupenyu hwangu hweChikristu. Ndinogara ndichitsvaka kunzwisisa Shoko renyu. Pfungwa dzangu dzichigara dziri pariri. Izvi zvinoita kuti ndigone kurarama hupenyu hwamakandirongera. Zvinoitavo kuti ndibudirire. Kubudirira kwangu uku kunovonekwa nevanhu vose. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Joshua 1 ndima 8
2 Timoti 3 ndima 16 kusvika 17
Mabasa 17 ndima 11

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church