English Manyika Shona 

​​​​​​​​​​

Paridza Nezve Hupenyu Hwekugara Uchikunda

Chishanu, 29 Kurume 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi Mwari ngavatendwe. Ivo vanogara vachitikundisa. Nokuti tiri muna Muponesi. Vanotishandisa kose kwatinoenda. Kuti vanhu vadzidze Mwari patiri (2 Vakorinde 2 ndima 14).

Ruponeso rwaJesu rune hupenyu hwarwakatiunzira. Uhu hupenyu hwekufuma. Hwekugara munhu aine hutano hwakanaka. Hwekugara zvinhu zvake zvose zvakamira zvakanaka. Iye achikurira zvose zvaanosangana nazvo. Uhu ndihwo hupenyu hwatinodzidzisa vanhu nezvahwo. Asi kune vamwe vasingadi kuti titaure nezvehupenyu hwakadai. Vanoti ndehwenhema. Unonzwa vachiti, Mufudzi Chris vanongovimbisa vanhu hupenyu husina nhamo. Vachiti hupenyu hahuna kuwoma. Hahuna matambudziko.

Mwari vane hupenyu hwavakatotipa. Uhu hupenyu hwekugara tichikunda. Ndihwo hwandinofanira kuzivisa vanhu. Handifaniri kuvaudza nezvehupenyu hwekutambura. Hongu. Tingatambudzwa hedu. Asi Mwari vanoti tinofanira kufara zvakadero. Izvi ndizvo zvatinovona muna Jemusi 1 ndima 2. Sei vachida kuti tigare tichifara? Nokuti hapana chinhu chinogona kukanganisa hupenyu hwedu. Hapana munhu anogona kukanganisa hupenyu hwedu. Munhu uyu angava kudenga. Angava panyika pano. Angava mugomba remoto.

Ndiko kusaka tichigona kugara takafara. Tichingorumbidza nyasha dzaMwari. Tichifara kuti tava Vamwari. Chimbofunga pamusoro paJobho. Zvinhu zvakambomuwomera chose. Asi ane mashoko aakataura. Tinoaverenga muna Jobho 13 ndima 15. Inoti, Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye .

Isaya 43 ndima 2 inoti, Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi. Mwari havana kutivimbisa hupenyu husina matambudziko. Vakangoti matambudziko acho tinoakurira. Saka hatifaniri kunetseka nawo.

1 Vakorinde 15 ndima 57 inoti, Asi Mwari ngavatendwe. Ndivo vanotikundisa. Vanotikundisa muna Ishe Jesu Muponesi. Izvi zvinoda kufanana nezvataverenga mundima yatavhura nayo. Isu tinokunda NGUVA DZOSE. Tinokunda kose kwataenda. Hazvina basa kuti tasangana nezvakawoma zvakadini.

Tsvaka kunzwisisa Ishe Jesu. Ivo vakamborarama panyika pano. Vane zvinhu zvavakasangana nazvo panyika pano. Asi vakazvikurira zvose. Vakararama hupenyu hweVamwari. Vakatonga zvinhu zvenyika ino. Vakabva vadzidzisa vadzidzi vavo kurarama nenzira iyi. Vane mashoko avakambotaura kwavari. Tinoaverenga muna Johane 16 ndima 33. Inoti, panyika muchatambudzwa. Asi musatya henyu. Nokuti ini ndakakunda nyika.

Vakataura zvekare muna Ruka 10 ndima 19. Vakati, Asi ndakupai simba. Rekufamba nepamusoro penyoka. Nepamusoro pezvinyavada. Nepamusoro pemasimba ose emuvengi. Hapana chinhu chichagona kukukuvadzai. Kunyangwe chikaidza. Hareruya! Muponesi vane hupenyu hwavakatipa. Uhu hupenyu hwekukurira zvinhu zvose zvenyika ino. Isu takagamuchira hupenyu uhu. Ndihwo hwatava kurarama. Ndihwo hwavakatituma kuparidza kuvanhu.

Namata Uchiti
Baba vane nyasha. Ndinokutendai. Mune hupenyu hwamakandipa. Uhu hupenyu hweVamwari. Hwekugara ndichikunda. Ndichikurira zvirwere. Zvisingagoni kuti ndive murombo. Pasina chandinokoniwa kuita. Ndisingafi. Ndinorarama semunhu akakodzera hupenyu uhu. Ndichishandisa simba riri mandiri. Iro simba reVamwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 10 ndima 10 AMPC
2 Vakorinde 2 ndima 14

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church