English Manyika Shona 


Takangoregererwa

Muvhuro, 29 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Vanoruramiswa nenyasha dzaMwari chete. Kwete nokuti vanokodzera kururamiswa. Nyasha idzi dziri murudzikinuro rwakauya naJesu Muponesi (Varoma 3 ndima 24)

Ishe Jesu vakaurayiwa. Vakaurayirwa zvivi zvedu. Vakazomutswa kuvakafa. Kumutswa kwavo uku ndiko kwakaita kuti tichenurwe. Izvi ndizvo zvatinovona muna Varoma 4 ndima 24 kusvika 25. Asi izvi zvakaitika sei?

Jesu vakatanga vafa. Vakavigwa. Isu takafa pamwe navo musi uyu. Tikavigwavo pamwe navo. Aya ndiwo mavonero aMwari. Jesu vakazomutswa kuvakafa. Nesu takabva tamutswavo kuvakafa musi uyu. Takamutswa tava zvipuka zvitsva. Izvi zvakaitika paya pakanzi naMwari, Ndiwe Mwanakomana wangu. Wandazvara nhasi. Mashoko aya tinoawana muna Mapisarema 2 ndima 7. NaVahebheru 5 ndima 5.

Saka Jesu vakazvarwa kechipiri. Kumuka kwavo kuvakafa uku ndiko kwakanga kuchitova kuzvarwa kwechipiri kwacho. Vakabva vatanga rumwe rudzi rwevanhu. Urwu rudzi rutsva. Ndirwo runonzi Vatsvene. Isu tisu Vatsvene vacho. Saka hatina kutangira paMuchinjikwa. Takatangira pakumuka kwaJesu kuvakafa. Takanga tiri muna Muponesi Jesu. Saka takamuka paya pakamuka Jesu kuvakafa. Aya ndiwo mavonero aMwari. Takabva tauya tiri vanhu verumwe rudzi. Rutsva.

2 Vakorinde 5 ndima 17 inoti, Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva. Zvaakanga ari kare hazvichisipo. Tarisa uvone. Zvavapo zvose zvava zvitsva. Saka kuda iwe wakazvarwa kechipiri. Kureva kuti hauchina nhoroondo yehupenyu hwekare. Asi nhoroondo iyi yakaenda kupi? Yakafa pamwe naJesu. Vanhu vose vakafa pamwe naJesu. Kureva kuti vose vakamuka pakamukavo Jesu. Saka vose vanofanira kushanduka rudzi. Hareruya!

Ndiko kusaka wakazvarwa wachenurwa. Usisina mhosva. Ipo paya pawakazvarwa kechipiri. Varoma 3 ndima 24 yati, Vanoruramiswa nenyasha dzaMwari chete. Kwete nokuti vanokodzera kururamiswa. Nyasha idzi dziri murudzikinuro rwakauya naJesu Muponesi.

Saka wakanga usina hako kukodzera kuchenurwa. Asi wakangochenurwa zvakadero. Wakashambadzwa semunhu asina mhosva yaakapara. Mwari ndivo vakangosarudza kuita izvi. Vakazviita nokuti vane nyasha. Saka iwe wakazvarwa wakachenurwa. Usina mhosva. Ipo paya pawakazvarwa kechipiri. Zvino vanotaura vachiti, Kureva kuti patakanyikwa kudai. Takafutsirwa pamwe chete navo. Kuti tigorarama hupenyu hutsva. Sezvo Muponesi vakamutswa kuvakafa. Vachimutswa nesimba raBaba. Tinoverenga izvi muna Varoma 6 ndima 4. Mwari ngavakudzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Jesu vakafa. Vakavigwa. Vakamutswa kuvakafa. Izvi ndizvo zvakaita kuti ndishandurwe rudzi. Ndive weropa idzva. Ikozvino ndava muna Muponesi Jesu. Saka ndava chipuka chitsva. Mweya Mutsvene vakandichenura. Zvichibva panyasha dzenyu. Muzita raIshe Jesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vagaratiya 2 ndima 16
VaRoma 4 ndima 23 kusvika 25
Mabasa 13 ndima 38 kusvika 39

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church