English
Ndau
Shona
zwisisa Soko RaMwari. Ndiko Kuti Ukone Kurisenzesa
Mugovera, 14 Gunyana 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Imi eruzhinji fundai uchenjeri, imi mapenzi iwai nemwoyo unozwisisa (Zvirevo 8 v 5).
Isu tinofanire kuzwisisa Soko raMwari. Ndiko kuti tikone kurishandisa pakurarama kwedu. Zvirevo 4 v 7 inoti, Uchenjeri chiro chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvese zvaunazvo, wana kuzwisisa. Kuzwisisa kwakakosha. Ishe Jesu akatiziyisa izvi. Tinoerenga masoko awo muna Matiyo 13 v 3 kusvika 8. Apa ane mufananidzo waakanga ari kupa. Uyu waiwa mufananidzo wemukushi.
Mukushi uyu akandokusha mbewu dzake. Mbewu dzacho dzakawira pakasiyana siyana. Dzimweni dzakawira pasaidhi penzira. Shiri dzakabva dzandya mbewu idzi. Saka mbewu idzi hadzina kutomboona mukana wekumera. Ishe Jesu akabva atsanangura anhu akaita sesaidhi renzira. akati anhu aya anozwa hawo Soko raMwari. Asi haarizwisisiba. Izvi ndizvo zvatinoona muna Matiyo 13 v 19. Inoti, Mbewu dzekutanga dzakawira pasaidhi penzira. Izvi zvinofanana nemunhu. Munhu uyu angazwa soko rehushe hwaMwari. Soko iri ringaiswa mumoyo make. Asi angasarizwisisa. Wakashata anozouya kwaari. Anozomutorera soko iroro.
Iwe unofanire kuzwisisa Soko raMwari. Ndiko kuti ukone kurishandisa pakurarama kwako. Pangaita rimwe Soko raMwari. Iwe ungasazwisisa Soko iri. Hazvizokoni kuti urishandise pakurarama kwako.
Ndiko kusaka tichikurudzira anhu kufunda zvidzidzo zveRhapsody. anofanira kuzvifunda zuwa rimwe nerimwe. Zvifundo izvi zvinokubatsira kuzwisisa Soko raMwari. Zvidzidzo izvi zvinobata maSoko emuBhaibheri. Zvinobva zvatsanangura masoko aya. Zvichiatsanangura zvinozwisisika. Zvichipangidzawo kuti masoko aya anoshandiswa sei muhupenyu. Izvi zvinoita kuti urarame wakasungunuka. Uchifarira zuwa rimwe nerimwe.
2 Timoti 2 v 15 inoti, Shingaira kutsvaka kuziya Soko raMwari. Zvionekwe kuti wakakodzera kumiririra Mwari. Semushandi wawo. Asina chaangatsveruka. Asi anozwisisa Soko rechokwadi. Tsvake kuzwisisa Soko raMwari. Ndiko kuti uzokona kurishandisa pakurarama kwako. Unenge wawa kutemba neSoko iri. Uchiziya kuti unokona kumisa hupenyu hwako pariri.
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Munondipa mazano enyu. Soko renyu ndiro rinondipa mazano aya. Munondibatsira kuzwisisa. Soko renyu ndiro rinondibeura pfungwa. Ndinokutendai. Makandipa Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene aya anondibatsira kuzwisisa zviro zvemweya. Pamwe nezviro zvemunyika yenyu. Ndinokutendai. Makandipa moyo unokona kuzwisisa zviro. Saka ndinozwisisa zviro zviri munyika yenyu. Ndichikona kuzvishandisa pakurarama kwangu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Mapisarema 119 ndima 130
Jemusi 1 ndima 22 kusvika 25
2 Timoti 2 ndima 15
Zvirevo 4:7
Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church