English Ndau Shona 


Ibasa Rako Kuvona Kuti Mweya Yavo Yakura

Chitatu, 15 Ndira 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Chizvingwarirai imi. Mungwarirevo boka riya. Rakaiswa mumavoko enyu naMweya Mutsvene. Kuti muve vatariri varo. Mufudze vasanangurwa vaMwari. Ivavo vavakatenga neropa ravo pachavo (Mabasa 20 ndima 28).

Iwe ungava mutungamiriri muimba yaMwari. Unofanira kunzwisisa kuti uri mutariri. Une basa rawakapiwa. Iri ibasa rekuchengeta vana vaMwari. Ivo vaya vakafirwa naMuponesi. Izvi ndizvo zvatinovona muna 1 Pita 5 ndima 2 kusvika 3. Inoti, Ndichiti fudzai masangano aMwari amakapiwa. Musaita semuri kumanikidzwa. Asi fudzai sevanhu vanoda. Musingashandisi nzira dzisina kunaka kutora mari kubva kumasangano aya. Asi muchishanda. Muchiita sevanhu vanofarira basa ravo. Musingabati vatsvene ava senhapwa. Ivava vakaiswa mumavoko enyu. Asi muchingovatungamirira chete. Muchivabatsira kurarama nomazvo.

Vanhu vacho vangava vakawanda. Vangava vashoma. Izvozvo hazvina basa. Basa racho rinongova rimwe chete. Hauna waunofanira kusiya achidzokera shure. Vanyengetererere. Tsvaka kuti Mwari vavape zvavanoshuvira muhupenyu. Vanhu ava vangava nezvinovanetsa muhupenyu. Tsvaka kuti Mwari vavabatsire kuzvikurira. Wana paunonyora mazita evanhu vose ava. Wonyengeterera mumwe nemumwe wavo. Uchidaidza mazita avo. Uchirwira mweya yavo. Pangava nezvinhu zvinotadzisa mweya yavo kukura. Nyengetera zvine shungu. Uchitsvaka kuti zvinhu zvose izvi zviparadzwe. Uchitsvakavo kuti vafadzwe nezvinhu zvaMweya. Vawedzerwe nyasha. Vawedzere kunzwisisa Ishe Jesu Muponesi.

Iwe unotenderwa kukumbirira vanhu ava. Ndiwe mupiri wavo. Ndiwe wakapiwa basa rekushumira kwavari. Uchivanyengeterera. Saka Mwari vanokunzwa. Kuda ungava mutungamiriri wesangano doko. Kana kuti unotungamirira vaimbi. Kana kuti uri mufudzi wesangano kusvika mai. Nhengo dzeboka rako dzingasangana nezvinonetsa. Vamiririre. Wovakumbirira kuna Mwari.

Iwe ndiwe mutungamiriri wavo. Une basa rawakapiwa. Iri ibasa rekuvona kuti mweya yevanhu ava yakura. Vabatsire. Vadzidzise. Vatungamirire muzvinhu zvaMwari. Vataridze kuti Mwari vanovafarira. Vanhu ava vanozokura. Izvi zvinozokufadzavo. Uchivona Shoko raMwari richishanda muhupenyu hwavo. Vanhu ava ndivo vauchazonovhunzwa naMwari. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita mutariri wemakwai enyu. Ndine nyasha dzekuchengeta mumwe nemumwe wamakandipa. Ndinovanyengeterera zvine shungu. Vanhu ava vanosimbiswa. Vanovakwa neShoko raMwari. Nyasha dzinowedzerwa pavari. Vanogara vachiwedzera kuziva Ishe wedu. Ivo Muponesi Jesu. Shungu dzavo dzekushumira Mwari dzinowedzera. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa Avapostora 20 ndima 28 NIV
Ezekieri 3 ndima 17
1 Petro 5 ndima 2 kusvika 3 NKJV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church