English Manyika Ndau Shona 


Wangofarira Kubudirira Kwako

Mugovera, 20 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Zvino kana musina kutendeka papfuma isidorurumaba, ndiwani ashawimba nemwe papfuma yediko?"(Ruka 16 ndima 11).

Kune waKristo wangotawura zvawangoda pawangonzwa fundiso dzekubudirira muna Kristo. Pena pacho wangopa mhosva kuwaparidzi yekunyanyitsa kuringa ngekuparidza ngezvemare ngekubudirira. Zvingoshamisa ngezvekuti wanhu wangotawura kusharezvi iwawo,wangototswera warusenza zuwa kana sondo retse,warusenzera mare. Wena wacho wangotoyita zveshikoronyera kuti wayite mare. Kadowanda kacho wangotsuruwara wakayishaya.

Hapana paro padonaka kufunda ngezvekubudirira mumare pangodarika Soko raMwariba. Mwari wangofarira kubudirira kwako. Bhayibheri ringoti muna 3 Johane 1 ndima 2, Mudikani, ndingotsuwira pamutsoro pezvetse kuti ubudirire, ukare udogwinya,tsekubudirira kwemwiya wako.

Dhavhidhi muna Mapisarema 35 ndima 27 adoti, Jehovha ngawakudzwe,uyo ungofarira
kubudirira kwemusenzi washe. Mwari wangofara ngekubudirira kwako. Izvi zvingofanira kubva zvayita kuti uziwe kuti nhamo,kutambudzika kana kushaya tsandiko kuda kwaMwari kwawuriba.

2 WaKorinde 9 ndima 8 ingoti, Zvino Mwari wangokwanisa kuti nyasha dzetse dziwuye kwamuri dzidowanda, kuti mukare mune zvidokwana nguwa dzetse ,panganyi hapo. Muwe ngezvidotowanda musingadi kubatsirwaba, muwe ngezvidokwana zvemabasa adonaka ngekubatsirawo wena.

Shido shashe ngeshekuti ukare utorine zvidowanditsa, uyibudirira. Hareruya! Mapisarema 1 ndima 3 (TPT) ingoti, Mhufaronyi ungowuya kune uyo ungoteyera nzira dzaMwari.Ushamira udogwinya fanika muti udosimwa ngehutsanzi hwaMwari, midzi idodzika mukufara kukuru,ayibara zvibarwa mwaka yetse yehupenyu. Haambowomerwiba,kana kupera simba,asi adokomborerwa ngekubudirira narini.

Muna Kristo, hawuna shawungoshayaba, une zvetse zvawungoda zvidotowanditsa. Mwari ngawarumbidzwe!

Munamato

Baba wandingoda, ndingokutendani ngenyasha dzanu dzirusenza mandiri muhupenyu hwezvidonaka zvidowanda,hwandisingadi kubatsirwaba asi ndidowumbirwa muhuwandu hwemabasa adonaka, ngekupawo wena. Ndingokutendani ngekufara kwanu mukubudirira kwangu. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
1 Makoronike 29 ndima 12
Mapisarema 23 ndima 1
Joshua 1 ndima 8

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church