English Manyika Ndau Shona 

Utsasheba

China, 2 Chivabvu 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Ngekuti shinganyi hasho shidobarwa ndiMwari shingokurira nyika: uku ndiko kukunda kungokurira nyika,rutendo rwasu.(1 Johane 5 ndima 4).

Nyamusi munyika mune masoko adonyangara maningi apinza kusha mumwoyo yewanhu wasina midzi ngewasidomira paSoko raMwariba. Asi iwewe tsemuKristo, ungokara pamutsoro pegomo, ngekuti udokara pamwepo naKristo panzvimbo yekukudzwa ngekutonga.

Saka kana ukasongana ngezviro zvingovhiringa,nguwa dzisidomira musheba,rarama pamutsoro pazvo. Kana ukatawurirwa kuti pane hosha yapinda mumwiri mako, hayina simba rayinaroba pamutsoro pako. Ramba kusha. Muna Ruka 10 ndima 19, Jeso adoti, Ringani, ndidokupani simba rekutsika pamutsoro penyoka ngemarize, ngepamutsoro pemasimba emuwengi: hapana shiro shishakwanisa kukukwadzaniba."

Kara uyiziwa kuti une huMwari mawuri. Hupenyu huri mawuri ngehwaMwari; hawuraramiswi ngeropaba asi ngeMwiya waMwari uyo ungokara mawuri. WaRoma 8 ndima 11 ingoti, 'Asi kana Mwiya weuyo udomutsa Jeso kubva kuwapfi uyikara mamuri, iyeye udomutsa Jeso kubva kuwapfi, ushararamisawo mwiri yanu ingopfa ngeMwiya washe ungokara mamuri." Ndima iyi tsandi mhikoba asi diko chayiro zvinozvi, tsezvo Mwiya Mutsvene watukara mawuri: Ndiwo hupenyu kumwiri wako wenyama.

Pena udobatwa hosha idonzi hayirapikiba pawuruwerenge izvi so, utsasheba! Tawura Soko raMwari kusvika hutano hwehuMwari huri mawuri hwasumuka. Ngerutendo ruri mumwoyo mako, ramba uyitawuritsa uyiti, Mwiya umwewo udomutsa Jeso kubva kuwapfi,ungokara mandiri, hurumutsiritsa mwiri wangu wenyama. Ndingorarama muhutano hwehuMwari!?

Mira murutendo rwako udoshinga,uyitawuritsa Soko raMwari zvisinenyi ngezvingonga zviruwonekwa ngezviruyitika kwawuriba. Soko raMwari ringototawura kukunda kwako. Satani ngemasimba ashe eshidima zviri patsi pemakumbo ako. Kana zvinozvi,tawura kuti ururarama hupenyu hwekukunda kuburikidza ngeSoko raMwari,ngeMwiya Mutsvene, pamutsoro pehosha ,matenda ngerufu. Hareruya!

Pupura Uyiti:

Hupenyu hwangu ngehwekupenya ngekunaka. Munzira mangu mune hupenyu, kubudirira,kukunda ngehutano hudonaka. Ndingofamba mukutonga pamutsoro pezvinetswa zvenyika inoyi ngekuti ndine hupenyu hwaMwari umo ndiri. Ndingorarama ngeSoko raMwari ngeMwiya Mutsvene pamutsoro pehosha,matenda ngezvingokonza. MuZita raJeso! Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
1 Johane 4 ndima 4
VaRoma 8 ndima 35 kusvika 37
VaRoma 8 ndima 10 kusvika 11 NIV

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Ringonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church