English Manyika Ndau Shona 

Kupangidzwa Kwekunaka Kwashe

Chitatu,, 24 Kubvumbi 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Mbavha ingowuya basi kuti ibe, kuwuraya ngekuparadza. Inene ndidowuya kuti wawone ngekunakirwa ngehupenyu ,wawe nahwo hudowanditsa(hudozara kusvika hwaturatsira) (Johane 10 ndima 10 AMPC).

Tenzi Jeso adoti adowuya kuti tiwone ngekunakirwa ngehupenyu hudozara. Hawufariwo ndizvo yere? Adorarama akapfa, ayibva amuka kuti awone kuti hapana shingokutsotsa kubva mukuda kwaMwari kudonaka kwako. Muna 3 Johane 1 ndima 2, adoti Wadikani, ndingotsuwira pamutsoro pezviro zvetse kuti mubudirire ngemuhutano,tsezvo mwoyo yanu irubudirirawo." Mundima iyi, Johane angotsanangura budiriro ingonzwisisika ngemunhu,ingosanganisira yepamwiya,yezviro zvepanyika ngehutano hwenyama.

Mwari wangoziwa kuti usina hutano kwahwoba,hawukwanisi kunakirwa ngehupenyu hwaadokupa. Ndiyo ndawa adotituma kuti tiporese wangokonzwa. Hutano hwehuMwari shipangidzo shehunaku hwashe. Mabasa 10 ndima 38 ingosimbisa diko iri iyiti, " Mwari wadozodza Jeso weNazareta ndiMwiya Mutsvene ngesimba: uyo adotenderera ngenyika ayiyita zvidonaka, ayiporesa wetse wadonga wadosungwa ndiDhiyabhorosi; ngekuti Mwari wadonga wanaye.

Mwari wadotuma Jeso, ayibva atenderera ayiyita zvidonaka,ayiporesa wetse wadonga wadosungwa ndiDhiyabhorosi." Bhayibheri ringotipangidza kuti wadotirayirawo zvimwezvo. Matewu 10 ndima 8 ingoti Poresani wangokonzwa, chenesani wane maperembudzi, mutsani wadopfa,dzingani madhimoni: mudopiwa mahara,ipaniwo mahara."

Ruka 9 ndima 2, iyitawura kuwadzidzi ingoti, Zvino adowatuma kowoparidza huMambo hwaMwari, ngekuporesa wangokonzwa. Hareruya! Funga Pita naJohane pamusuwo weTemberi ungonzi Udonaka. Wadosongana ngemwamuna adonga adoremara shibarirwe shashe, arupemha. Bhayibheri ringoti, "Zvino Pita adoti, Sirivha ngendarama handina,asi shandinasho ndingokupa, MuZita raJeso Kristo weNazareta,sumuka ufambe. Izvi tingozviwona pana Mabasa 3 ndima 6.

Mwamuna uya anga asingakwanisi kufambaba,adoponeswa ipapo ipapo,ayibva apindawo muTemberi naPita naJohane, arurumbidza Mwari. Mhomho yewanhu,mukushamiswa ngemunana wekuporeswa uyu, wadowona kupangidzwa kwehunaku hwaMwari mumamwuna wekuremara uyu. Mwari hawadi kuti wanhu wakonzweba, kuneta kana kukwara. Ndiyo ndawa wadotituma kuyendesa kupora kunyika dzepatsi. Hareruya!

Pupura Uyiti

Ndingoti Satani haana shasheba mandiri,ndingofamba mumutserendende wekukunda ngekubudirira nguwa dzetse muna Kristo Jeso. Ndine hunhu hwaMwari mandiri, ngehupenyu husingabatwi ngehoshaba. MuZita raJeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vahebheru 2 ndima 14 kusvika 15
Matiyo 10 ndima 7 kusvika 8
1 Johane 3 ndima 8

(Shidzidzo ishi shatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Mungoriwona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvina zvidzidzo mungozviwona pa: https://bit.ly/Shona_Church